‘Malajila aifarira chikweshe’

21 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
‘Malajila aifarira chikweshe’ Cuthbert Malajila

Kwayedza

. . . ndiri kunomutsigira kuAFCON: Amai

“CUTHBERT Malajila ndaigara ndichinetsana naye nekuti ndaimuudza kuti verenga mabhuku iye aida zvekuswera achitamba chikweshe, asi chipo ndaiziva kuti chaivepo,” aya mashoko akataurwa naMai Esther Malajila vanove amai vemutambi wenhabvu weBidvest Wits nemaWarriors,  Malajila.

Muhurukuro neKwayedza, Mai Malajila vanoti Cuthbert akazvarwa mugore ra1985 kuEiffel Flats kuKadoma akakurirako uko aitamba nhabvu yechikweshe. Mumhuri memutambi uyu vakazvarwa vari vasere – vakomana vana nevasikana vana.

Achatanga kutamba nhabvu, akatambira zvikwata zvevechidiki zvakaita seWestern Pirates, Young Swallows neDavid Whitehead. Muchinda uyu akazotambira zvikwata zvemuPremier Soccer League zvinoti Chapungu United, Highlanders neDynamos. Akatambira zvimwe zvekunze zvakare zvinoti Club Africain, Al Akhadar, Maritzburg United, Mamelodi Sundowns neBidvest Wits uko kwaari parizvino.

Mai Malajila vanoti Cuthbert paakange ave pedyo nekunyora bvunzo dzake dzeO-Level vakamukurudzira kuti asarudze chinhu chimwe chete chaanoda pakati pekutamba nhabvu kana zvemabhuku, iye ndokuti anoda zvenhabvu vakamutendera kuti aenderere mberi. Vanoti mukutamba nhabvu, Cuthbert ari kutevera matsimba ababa vake, VaEnerst Makosa, avo vakambotambira Rio Tinto pamwe nemaWarriors.

Hanzvadzi dzamai vake dzinoti Bwanale Malajila, James Malajila naMalajila Malajila vose vaitamba nhabvu muzvikwata zvakasiyana zvekuKadoma.

Mai Esther Malajila

Mai Esther Malajila

Bwanale akatambira David Whitehead neKadoma Wildcats, James akatambira Dairyboard Kadoma kozoti Malajila Malajila atambirawo Conrock.

“Cuthie chikweshe aichida zvakanyanya uye ndaigara ndakanetsana naye nenyaya iyi asi iye ainge akazvipira sezvo aiziva kuti zvichamusvitsa kure.

“Nhasi ndinofara zvikuru kuti kushanda kwose kwaaita nesimba achikura kwave kumupa pundutso muhupenyu hwake. Pandakamuti sarudza zvaunoda pakati pekutamba nhabvu nemabhuku ndinofara kuti akasarudza zvenhabvu uye zvashandura hupenyu hwake,” vanodaro Mai Malajila.

Cuthbert  mumwe wevatambi vakatamba nhabvu inonwisa mvura apo maWarriors airwira kuenda kumutambo weAFCON Gabon 2017.

Amai vake vanoti kubudirira kwakaita maWarriors kuenda kuAFCON kwavapa chiremerera chakakurisa neruremekedzo muKadoma zvekuti vanotarisira kukwirawo ndege kuenda kuGabon vachinotsigira mwana wavo nevamwe vake.

Vanoti kubva zvaakatanga kutamba nhabvu achiri kuDavid Whitehead, vaigara vachinoona mitambo yake, kunyanya paakange ave kuChapungu, Bosso, DeMbare uye nekuenda kwaakazoita kunze kwenyika.

“Iye zvino ndave nechiremerera chikuru muno muKadoma kwose kwandinoenda ndinenge ndichingoremekedzwa kunzi amai vaCuthbert, zvinhu zvinofadza.

“Ndiri kutomhanya-mhanya kugadzirira kuti ndiende kuGabon ikoko kunomutsigira pamwe nechikwata chose chemaWarriors,” vanodaro.

Zvakadaro, Cuthbert kubva aita mukumbira haana kumbobvira akanganwa kwaakabva izvo zvamuona achitangisa chikwata chake chinonzi CUMA Football Academy akabatana naHurbert Manyowa icho parizvino chiri kukwikwidza muDivision Two.

Vanin’ina vaCuthbert, vanoti Obert (19), Gedion(15) naJames (14) vose vanotambira chikwata ichi.

Mai Malajila vanoti mabasa akadai ndiwo avanotarisira kubva kumwana wavo kuti apote achisimudzirawo vamwe vatambi vechidiki kuti vagotamba nhabvu vasvike paave iye mune ramangwana.

“Mwana wangu munhu akazvibata, haana kumbobvira ashaina kana kudada nekuti aita mari kana kuti ave kugara kunze kwenyika uko kwaanotambira nhabvu, kwete.

Cuthbert Malajila

Cuthbert Malajila

“Munhu akazvibata zvekuti kana nanhasi shamwari dzaakakura nadzo dzemuno ndidzo dzichiri shamwari dzake uye pose paanowana mukana anouya kuzodziona ofara nadzo. Iye zvino akavamba chikwata chake chevadiki cheCUMA Football Academy akabatana naManyowa ndizvo zvinhu zvandinotarisira kubva kwaari kuti asimudzirewo vamwe vagosvike paave iye,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>