Mapeza: Zvave kutoda Mwari

19 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
Mapeza: Zvave kutoda Mwari

Kwayedza

Abel Ndooka
CHIKWATA cheFC Platinum chingaite icho chekutanga here chisiri chemuHarare kana Bulawayo kuhwinha mukombe weCastle Lager Premier Soccer League kubvira mugore ra1980? Parizvino FC Platinum ndiyo iri kutungamiri palog iine zvibodzwa 39 kubva mumitambo 19 yayatamba uye ikakwanisa kupedza iri pamusoro inobva yatora mukombe uyu.

Kubva 1980, hapasati pamboita chikwata chisiri chemuHarare kana Bulawayo chakatora mukombe wePSL. Chikwata cheSt Pauls Musami ndicho chega chakakwanisa kuzviita apo chakahwina mukombe uyu mugore ra1966.

Makore adarika, FC Platinum neZPC Kariba zvakapotsa nepadiki kuhwina mukombe uyu uyo zvakazobvutirwa pazuva rekupedzisira neDynamos FC mumakore anoti 2011 (Platinum) ne2014 (ZPC Kariba).

Zvakadaro, murairidzi weFC Platinum, Norman Mapeza, anoti kuti chikwata chake chikwanise kuhwina mukombe uyu vanotofanirwa kurwa semvumba uye zvave kutoda kuti Mwari apindire.

Anoti mitambo yenhabvu yePSL iri kushanduka svondo rega-rega uye ave kungosira zvese zvichaitika kuchikwata chake mumawoko aMwari sezvo mitambo iyi yave kupisa.

Mumitambo mitatu yadarika, Platinum yange ichingoita mangange izvo zvakabatsira zvimwe zvikwata zviri kuitevera kuti zvifemere mugotsi mayo uye pane mukana mukuru wekuti ikakundwa mitambo yayo inotevera inogona kupfuurwa neCAPS United.

“Ndiro bhora racho, hapana angazive kuti ramangwana rakamira sei. Isu tinongotenda nepatasvika apa kuti tambochovha ndima asi tave kungosiira zvose mumawoko eMusiki.

“Iye zvino zvave kutoda hushingi chete, zvikwata zvose zviri kutamba nhabvu inodakadza saka zvinonetsa kuti wonzwisisa kuti zviri kunanga kupi,” anodaro Mapeza. Gore radarika, FC Platinum yakapedza iri pechitatu apo yaive kumashure kweChicken Inn iyo yakazosimudza mukombe uyu nezvibodzwa zvitatu.

Mumitambo yePlatinum yasara, ichasangana nezvikwata zvinoti Dynamos, Highlanders neChicken Inn iyo yose ichange iri pamusha kuMandava Stadium. NeCAPS United, iyo iri kutevera FC Platinum palog, zvakapedzerana uye mitambo yezvikwata izvi yemwaka uno yose yakapera ari mangange 0-0.

Mapeza obvunzwa nezvenyaya yekuti agadzirira here kunyora nhoworondo munhabvu yeZimbabwe, anoti haazive remangwana rake. “Hatizive remangwana redu, dai taiziva kuti mangwana ndichamuka ndichiitei ndingadai ndine mari seyaBill Gates.

“Basa rasarira kwatiri isu kuti titambe nhabvu nekuhwina mitambo yedu yasara chete, zvimwe zvose tongozvisiira kunaMwari chete nekuti ndivo vanoziva,” anodaro. Svondo rino FC Platinum iri kunanga kuTriangle uko ichasangana neTriangle United iyo iri kutambawo nhabvu inonwisa mvura mwaka uno.

Gore radarika, Triangle chimwe chezvikwata chaitarisirwa kunzi chingagone kutora mukombe wePSL chisiri chemuHarare kana Bulawayo asi yakazopedza iri pechina. Parizvino Triangle iri pechina iine zvibodzwa 30 kubva mumitambo 19 yayatamba zvekuti ikaramba yakashinga mumitambo 11 yasara inogona kutorwirawo mukombe uyu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>