Uncategorized

‘Maporofita nen’anga musafurire varwere’

13 Oct, 2017 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
N’ANGA nemaporofita vari kuyambirwa kuti vasiyane nekatsika kekufurira varwere vavanenge vachibatsira, avo vanotambudzwa nezvirwere zvakasiyana, vachivati varege kutora mishonga yavo yakaita semaARV’s, yeBP neshuga sezvo izvi zviine njodzi huru kuupenyu hwavo.

Yambiro iyi yakapihwa nasachigaro wekanzuru inomirira varapi vechivanhu, yeTraditional Medical Practitioners’ Council (TPMTC), Sekuru Friday Chisanyu, avo vanove zvakare mutungamiriri wesangano reZimbabwe National Practitioners’ Association (ZINPA).

Vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika pamusangano wavakaita nevarapi vechivanhu nevemachechi uye nyanzvi dzezveutano uyo wakaitirwa kuKaroi.

“Tinoshanda tiri pasi pemutemo weTraditional Medical Practitioners’ ‘ Council Act 27 Chapter 14 uyo unoti munhu kuti ave murapi wechivanhu kana wechiporofita, anofanira kunge aine sangano raakanyoresa iro raanoshanda naro. Munhu wose anodaidzwa kunzi Tsikamutanda zvinoreva kuti anenge achishanda zviri kunze kwemutemo,” vanodaro.

Vanoti kune mamwe maporofita nen’anga vari kufurira varwere kuti varege kutora mishonga yavanenge vapihwa kumakiriniki kana kuzvipatara.

“Varapi vechivanhu nevemachechi vanofanira kuziva pekugumira apo vanenge vachirapa. Havafaniri kurambidza varwere sevane utachiona hweHIV kuti vatore mishonga yavo nemaAnti-Retroviral Drugs (ARVs), mishonga yeBP, shuga ne- zvimwe nekuti vanhu vanopera kuenda kumakuva,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti varwere vanenge vanyanya kurwara havafanire kuchengetwa muma”sejari” en’anga nemaporofita asi kuti ngavachimbidze kuendeswa kuchipatara. “Varwere vakadai tinofanira kuvapfuudza kuzvipatara nguva ichiripo pane kuti vagomberwe vari pamasejari edu. Hatifanire kuzviti tinozvigona zvose, ndiko kusaka kuzvipatara kuine varapi vemazino, vemaziso, vemwoyo nezvimwe asi vasingagoni kurapa zvose.

“Kuvanhu vanenge vachitora mishonga yemaARVs, ngatiregedzei kuvasanganisira mishonga iyoyo neyechivanhu nekuti zvinokuvadza. MaARVs anonwiwa ari oga,” vanodaro.

Vachitaurawo pagungano iri, mutevedzeri waVaChisanyu kuZNPA, Mbuya Joyce Nhamburo, vanoti varapi vechivanhu nevemakereke vanofanira kuva vakanyoreswa uye vachiziva mitemo yezvinotarisirwa mumashandiro avo.

Mbuya Agnes Carson, avo vanove nhengo yeTMPCT, vanoti varapi vechivanhu nevamakereke vanofanira kushanda pamwe chete murunyararo pachinzvimbo cheswera vachirwira hukuru.

“Mishonga yechivanhu yakakosha zvikuru kuutano hwevanhu nekuti haina hukasha hwakanyanya (side effects). Tinokurudzira varapi vedu kuti vagadzire mishonga iyi nenzira ine utano vachiisa mumagaba akachena, ungava muteuro, mvura yacho ngaive yakachena nekuti inonwiwa nevanhu,” vanodaro.

VaPhillemon Rupiya, vanova primary health counsellor paBanket Hospital, vanoti zvakakosha kuti varapi vechivanhu vashande nevarapi vemuzvipatara kuti vagone kupakurirana ruzivo maringe nenyaya dzezveutano.

Ongororo yakaitwa nesangano reWorld Health Organisation inoratidza kuti vanhu 4 bhiriyoni, vanova chikamu che80% chevanhu pasi rose, vanoshandisa mishonga yechivanhu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>