Uncategorized

MAPOSITORI OPFIGIRA VANA 2 VAKAREMARA . . . Tinovavharira mumba kudzivirira nhunzi: Baba

20 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
MAPOSITORI OPFIGIRA VANA 2 VAKAREMARA . . . Tinovavharira mumba  kudzivirira nhunzi: Baba Faith (kuruboshwe) naMirirai Taruvinga

Kwayedza

VANASIKANA vaviri veimwe mhuri yekuMufakose, muHarare, avo vose vakaremara mitezo, vari kurarama upenyu hwehunhapwa sezvo vachigara vakavharirwa mumba nevabereki vavo avo vanonzi vanovanyarira kune veruzhinji.

Mukoma nemunin’ina Faith (23) naMirirai Taruvinga (17), avo vasina kukwanisa kuenda kuchikoro nenyaya yekuremara mitezo, vanogara vakavharirwa mumba nevabereki vavo kuti vasaonekwe neruzhinji.

Vasikana ava havagone kutaura uye imhetamakumbo.

Vagari vemunzvimbo iyi vanoti vana ava vanoswera vakavharirwa mumba, vachiitira tsvina pavanenge vagere apowo pavanopirwa kudya.

VaJob Taruvinga (60) naMai Rongina Taruvinga (52), vanova vabereki vevana ava, vanogara nemhuri yavo panhamba 23 munaMukarati. Vane mumwe mwana asina dambudziko rekuremara mitezo iri. Vasikana vaviri ava vanonzi vakangotanga kuremara mitezo iyi vakura kusvika makore mana okuberekwa uye vakazvarwa vasingagone kutaura.

Pakashanyirwa mhuri iyi neKwayedza svondo rapera, vana ava vakawanikwa vakavharirwa mumba apo vatori venhau vakatozokumbira kuti vavaone.

“Vana ava tinogara takavavharira mumba kuitira nhunzi nekuti vakaenda panze vanomomoterwa nadzo saka tinovaisa mumba umo vanogara vari. Havafambe kuenda panze, tinovasimudza, vanodya zvikuru asi kudya ndiko kushoma,” vanodaro VaTaruvinga.

“Tine mumwe zvakare mwana akafa ava nemakore 14 okuberekwa uyo aiva akaremara. Vana vedu vana, kusanganisira ivo vaviri vakaremara ava. Dambudziko redu nderekuti tinokumbirawo mawiricheya maviri kuti vana ava vagone kufamba.”

Mhuri iyi inokumbirawo zvakare mbatya dzevana ava sezvo baba vacho vachiti havachashande.

VaTaruvinga vanoti vanorwara nechirwere cheshuga, havachagona kuzvishandira uye vakaburitswa basa kare.

VaTaruvinga nemhuri yavo vanopinda chechi yechipositori.

Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanogona kuridza nhare panhamba dzinoti 0738 820 636 kana kuti 0782 122 585.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>