Uncategorized

Mashura, mashura! …Mombe yakabara mhuru nhatu kamwe

19 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
Mashura, mashura! …Mombe yakabara mhuru nhatu kamwe Tinashe Matore (14) wekwaMatizha, kwaSerima kwaGutu, ari mudanga rine mombe yavo iyo yakabereka mhuru nhatu dzakafanana panguva imwe chete.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
KUDUNHU rekwaSerima, kwaGutu, kune mhou yemombe yakabereka mhuru nhatu dziri hadzi dzose panguva imwe chete. Nyanzvi mune zvemhuka nezvipfuyo dzinoti kashoma kuti izvi zviitike sezvo zvichiwanikwa pamombe imwe chete mukati memombe 3 miriyoni. Mombe iyi ndeyaVaStan Matore, avo vanogara mubhuku rekwaMatizha.

Principal wepakoreji huru yezvekurima, yeGwebi Agricultural College, Dr William Matizha, vanotsinhira nezvechiitiko ichi. “Izvi zvakaitika mangwanani ekupemberera zuva guru remagamba nomusi wa8 mwedzi uno (Heroes’ Day) apo mombe yaVaStan Matore yakabereka mhuru nhatu panguva imwe chete, dzose dziri hadzi.

“Zvinhu zvakadai hazviwanze kuitika nokuti mombe inotarisirwa kubereka mhuru imwe chete, kana kubereka mhuru mbiri kashoma,” vanodaro Dr Matizha. Vanoti kunyangwe muridzi wemombe iyi zvakatombomutyisa zvikuru zvisinei kuti akazonzwa kufara nechiitiko ichi pava pashure.

Vamwe vagari venzvimbo iyi avo vari kuziva nezvechiitiko ichi vanonzi vari kuti aya mashura. “Kubva paongororo yakaitwa, pasi rose mikana yekuti mombe ibereke vana vatatu panguva imwe chete zvinoitika pamombe imwe mukati memombe 105 000. Kuchizoti kana kuri kubereka mhuru dzinenge dzakafanana zvose nesikarudzi seidzi hadzi dzose dziri nhatu, mikana yacho ndeye mombe imwe chete mukati memombe 3 miriyoni,” vanodaro Dr Matizha.

Vanoti mombe iyi kave kechina ichibereka asi kumashure kwose uku yaibereka mhuru imwe chete panguva yoga-yoga uye ichibereka zvakanaka pasina kubatsiridzwa.

“Mombe mhou iyi imhando yemusanganiswa weMashona neBrahman. Zvatakaita mushure mekuziviswa nezvenyaya iyi ndezvekuti takakurudzira murimi uyu kuti ange achitengera mhou yake chikafu chinodaidzwa kunzi dairy meal kuti ikwanise kuwanisa mhuru dzayo mukaka wakakwana.

“Kuchizoti mhuru dzacho, tinokurudzira kuti dziyamwiswe mukaka wekutanga zvakanyanya nekuti une munamba uyo unobatsira kuti dzikure zvakanaka pamwe nekurwisa zvirwere mumuviri.” Dr Matizha vanoti mushure memasvondo maviri, murimi uyu vakamuti atengere mhuru dzake calf starter negrower yekuti dzikure zvakanaka.

Zvakadaro, VaMatore vanoti mhuru dzavo dziri kukura zvinofadza uye havasati vasangana nematambudziko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>