Uncategorized

Mazai anoita kunaya mumba

10 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Mazai anoita kunaya mumba

Kwayedza

Freedom Mupanedemo —
IMBOFUNGA izvi. Wakatandara hako nemhuri yako mumba menyu nguva dzemanheru mapedza kudya. Munozongoona mazai ehuku mambishi akawanda achidonha kubva mudenga remba asi musingaone paanenge achibva. Mazai ehuku chaiwo achiita kunaya!

Pamunenge muchishamisika kuti chii chiri kuitika, munobva matanga kutemwa nezvidhinha zvinobva nemumhepo, izvo zvinenge zviine simba guru zvekuti mumwe nemumwe wenyu anoyuwira achibuda mumba umu ari chahwiriri kutiza neupenyu hwake.

Kutemwa zvekuti mudzimai anotopedzisira atiza achinogara kuSouth Africa. Uri iwe unoita sei?

Iri ndiro dambudziko rakatarisana naVaPhilip Nhlabathi (67) vekuMkoba 13, kuGweru, pamwe chete nemudzimai wavo, Mai Beatrice Nhlabathi (62) kwemakore anosvika mashanu.

VaNhlabathi vanoti dambudziko iri rakatanga mugore ra2012 uye chinoshamisa ndechekuti kunze pakunoedza, marwadzo ekutemwa nezvidhinha aya anobva apera, zvose nemazvimbiswa acho.

“Munguva yemangwanani, munhu wose anomuka achinzwa zvakanaka. Panenge pasina marwadzo ekutemwa husiku hwadarika.

“Mudzimai wangu dzimwe nguva anenge achinzwa kuneta, pamwe seanorwara asi pasina mbonje kana kuti maronda ekukuvara,” vanodaro VaNhlabathi apo vakashanyirwa nevatori venhau pamba pavo nguva yadarika.

Murume uyu anoti kubvira gore rakatanga kuitika mashiripiti aya, pamba pake hapasvike vaenzi kana hama dzavo sezvo vachitya maminimini anoitikapo.

Vana vavo vana vayaruka uye vatatu vari kugara kuSouth Africa.

VaNhlabathi vanoti masaramusi aya akatanga achiitika nenguva iri kure nakure muna 2012 uye vaedza zvose pakutsvaga rubatsiro – kun’anga nemaporofita – asi hapana shanduko.

Vanoti masaramusi aya akazowedzera nguva yadarika apo imba yavo yakatsva nemoto usina kuonekwa kwawakabva mushure mekunge vatora mumwe muporofita kuti avashandire padambudziko iri.

“Zvakatanga muna 2012 apo ndakazotsvaga rubatsiro kun’anga nemaporofita. Dambudziko iri raimboita serapera kwemwedzi yakati kuti, asi apo tinenge takanganwa nezvazvo, mazai akawanda anobva atanga kudonha kubva mudenga remba achipwanyikira pasi mudzimba dzose kusara kwekuchimbuzi.

“Izvi zvinozoteverwa nekutemwa kwatinoita nezvidhinha uye nguva zhinji mudzimai wangu anochema achiti, ‘Yowe, ndatemwa nechidhinha!” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Ini ndinonzwa zvakare ndichitemwa nezvidhinha izvo zvinoita kuti ndibude mumba ndichitiza asi tisingaone munhu anenge achizvipotsera.”

Mashiripiti aya, vanodaro VaNhlabathi, achangobva kuitika zvakare apo vakatsvaga muporofita wekuti avabatsire asi pakazotsva imba yavo nemoto usina kuzivikanwa kwawakabva.

“Apo muporofita watakange tashevedza kuti atibatsire akange aenda, imba yedu yakasara ikabatira moto husiku hwakatevera. Moto uyu usati watanga, mazai akadonha kubva mudenga remba uye takatemwa nezvidhinha semazuva ose.

“Apo taitiza pamwe chete nemukadzi wangu, moto waive wakakura zvikuru wakabva wabatira mumba ndokupisa zvose zvaivemo.”

VaNhlabathi vanoti mudzimai wavo akashungurudzika zvikuru nemanenji aya izvo zvakaita kuti apedzisire aenda kuSouth Africa kune vamwe vana vavo.

Zvisinei, VaNhlabathi vanoti havasi kuzotiza imba yavo iyo vanoti vakatenga kukanzuru yeGweru mugore ra1978.

Imba iyi haisati yavandudzwa sezvo ichiri sezvayakange yakaita apo yakatengwa iine makamuri maviri.

“Ndakanyorera kuti ndiwane imba kuGweru City Council sezvaingoitwa nevamwe kumakore ekuma1970 apo ndakazopihwa muna 1978. Ndakatanga kugara pamba pano musi wa18 Kubvumbi uye handina kumbobvira ndasangana nedambudziko kusvikira 2012.

“Yakavakwa neGweru City ouncil uye handisati ndaivandudza. Kubvira 2012, mashiripiti aya ari kuitika pamba pangu asi handina kumwe kwandingatizire,” vanodaro vachiratidza kushungurudzika zvikuru.

VaNhlabathi vanoti kubvira pakatsva imba yavo muna Zvita, vari kurara yakadaro isina denga.

“Handina kwekutizira. Handichashanda. Ndakatenga imba iyi apo ndakange ndichiri kusevenza kukambani yakazovharwa yeZimcast, kuGweru, uye uyu ndiwo musha wangu kubvira 1978.

“Zvisinei, iri ndiro dambudziko randakatarisana naro. Iye zvino ndinorara pakona nekuti imba yose yakazara nemvura sezvo isina denga. Fungai (kureva vatori venhau) kuti ndiri kurarama sei nemanairo ari kuita mvura mazuva ano aya? Asi handina zvekuita,” vanodaro.

Vanoti nguva yadarika vakapihwa magumbeze nehofisi yegurukota rinomirira dunhu reMidlands, Cde Jason Machaya.

“Zvave nani pari zvino, kuti ndine magumbeze andakapihwa nehofisi yegurukota rinomirira purovhinzi yeMidlands izvo zvakabva kune vamwe vabatsiri.”

VaNhlabathi vanokumbira kune vanogona kuvabatsira kuti vagadzisire imba yavo.

Zvakadai, Cde Machaya vanoti vanoziva dambudziko remusharukwa uyu uye vari kutsvaga vanogona kumubatsira mukugadzirisa imba yake zvichitevera kutsva kwayakaita.

“VaNhlabathi vane mashiripiti ari kuitika pamba pavo kwemakore akawanda.

‘‘Imba yavo payakatsva, PA (Provincial Administrator) akaenda akanovaona aine chimwe chikwata ndokuita ongororo yezvinoda kugadziriswa uye iye zvino tiri mushishi kutsvaga vabatsiri vanokwanisa kuyamura mhuri iyi.” – Zimpapers Syndication.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>