Mbavha dzozama kuviga mhosva

17 Feb, 2017 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —
MATANHO anotorwa nembavha kuti dzisabatwe kuti dzainge dzaba mari paC and T Private Limited nezvikoniso zvacho. Vakuru veboka rinotungamirira zvemari paC and T Private Limited vakanga vave kunetsa maodhita aiona nezvekufambiswa kwakanga kwaitwa mari pakambani iyi vachingobvunza kuti mave papi, mave papi. Vaida kuvhiringidza vanaBeaula vaiita ongororo yemashandisirwo emari pakambani iyi kuti vawane kamukana kekutiza.

Danho iri rinokona nekuti chikwata chemaodhita chinorambira vakuru vezvemari vepaC and T Private Limited kuvaudza pavakanga vave.

Vheremu anotuma mumwe mushandi aive pasi pake kuti afonere mukuru wemaodhita aiongorora mafambiro emari yepaC and T Private Limited anove Beaula. Nyakufona uyu akanga achida kuziva kuti ripoti yezvemafambiro emari paC and T yakanga yave kupera kunyorwa here. Zano iri rinotadziswa kubudirira nekuramba kunoita Beaula kutaurira munhu uyu nyaya dzebasa dzavakanga vachiongorora.

Mbavha dzainge dzaba mari paC and T Private Limited dzinokonzera tsaona inouraya shamwari dzaBeaula mbiri dzaibva kubasa kuMasasa paC and T Private Limited idzo dzaaishanda nadzo mukuongorora mari yakabiwa pakambani iyi. Tinonzwa kuti motokari yakaroverana neyavo haina kuzoonekwa kuti yakanga yafamba sei sezvo isina kumira. Patsona iyi pakatsakatikawo mamwe mapepa ebasa aishandiswa nemaodhita aya kuongorora mafambiro emari kuC and T.

Zano iri rinotadza kubudirira nekuti maodhita aya akanga asina mapepa ese aishandiswa pakuongorora nyaya yekutsakatika kwemari paC and T Private Limited.

Mbavha dzinotora rimwe danho rekutapa Beaula anove aitungamira chikwata chemaodhita aiita basa paC and T Private Limited. Tinozviona Stanley paanoedza kufonera musikana wake Beaula, asi nhare yake ichiramba kupinda. Apa Beaula ainge apambwa nechikwata chavanaSolo naVheremu ndokuendeswa kuChriston Bank. VanaVheremu vanotadza kubudirira nekuti Stanley anotanga kutsvaga vanhu vainge vapamba musikana wake, ndokuwana nhamba dzekumba kwaVheremu kunove kwaakazonzwa zvakawanda zvaizomubatsira kutakanura Beaula. Mbavha dzinobhadhara Samson mari kuti adzitendere kupinda mumba maStanley munofungidzirwa kuti ndimo maive naBeaula pamwe chete nemapepa aaishandisa kubasa. Zvinoita kuti dzitenderwe kupinda mumba maStanley pasina dambudziko dzichitsvaga zvadzaida. Zano iri rinotadza kubudirira nekuti Samson akazotyisidzirwa naStanley ndokutaura zvakanga zvaitika kuti mbavha dzipinde mumba make.

Monya anozotevera Samson aive gadhi wepaSearing Heights ndokumuponda sezvo akanga avatengesa kumapurisa. Apa vaiedza kuti nyaya yavo yekupinda paSearing Heights muchivande vachipamba Beaula nekutora mamwe mapepa ake ebasa itsakatike nokuti Samson aisazowanikwa kuti ape humbowo pamberi pedare.

Danho iri rinotadza kubudirira nekuti Samson akanga azivisa Stanley zvese zvainge zvaitika uye Monya anoonekwa nevana vechikoro vakaita saRopafadzo achiponda Samson. Mbavha dzinoshandura ruvara rwemotokari yaBeaula. Tinozviona Stanley paanoona motokari yaBeau iri mugaraji kuChriston Bank asi yakashandurwa ruvara. Zano iri rinotadza kubudirira sezvo Stanley akaziva motokari iyi nekuti Beaula aimbokweshera nayo pagonhi rekuruboshwe kuSearing Heights achiri kudzidzira zvekutyaira motokari.

Mbavha dzinoedza kupomera Stanley mhosva yekuponda Eve kuti dzisabatwe. Tinozviona panopondwa Eve naMonya ndokusiya ateya Stanley achiitira kuti paanoenda kumba kwaEve omhanya kunoshevedza mapurisa. Pakarepo Stanley anobva asvika achisungwa nemapurisa achipomerwa mhosva yekuponda.

Izvi zvinotadza kubudirira nekuti Stanley anobva apihwa bhero kudare redzimhosva ndokubuda kunze kwaanoenderera mberi nekutsvaga Beaula ainge apambwa.

Tsvagaiwo mamwe matanho amunoona anogona kunyururwa mubhuku iri asina kutsanangurwa muchikamu chino.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey