Uncategorized

‘Mhiko dzedu dzeSatanism’

01 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
‘Mhiko dzedu dzeSatanism’ Tanyaradzwa

Kwayedza

Uraya hama yepedyo urarame
 Haushandise muchimbuzi
 Unopinda mumba nepahwindo
 Unofa nekuita tsaona bedzi

MUKOMANA ane makore 21 okuberekwa wekuChikanga, kwaMutare, ari kuita kuimba chaiko zvemhiko nemabasa eSatanism avaiita nevamwe vake vanomwe achiti imwe yemhiko dzavakapihwa nen’anga yekuMozambique ndeyekuti auraye amai vake kuitira kuti iye awedzerwe makore ake ekurarama nekuita makutukutu emazimari.Mukomana uyu tichangomudoma nekuti Tanyaradzwa sezvo achiti upenyu hwake huri parumananzombe zvichitevera kutiza kwaakaita vamwe vake pamwe nekuvafumura mabasa avo.

Tanyaradzwa

Tanyaradzwa

Tanyaradzwa anoti akazotiza apo aifanira kudzokera kuMozambique kunopihwa dzimwe mhiko dzekuti achiuraya amai vake sezvo change chave chijana chake chekuti auraye hama yepedyo kuitira kuti vawane mari nekuti mazuva ake awedzerwe panyika.

Dzimwe dzemhiko dzavo dzinosanganisira kuti munhu anopinda muchikwere chehuku, obata huku yaanoda, iyo inopihwa muguri wechibage kuti idye nen’anga iyi. Huwandu hwetsanga dzechibage dzinodyiwa nehuku iyi ndiwo makore anopfuma munhu uyu pamwe nekurarama.

Panokwana makore aya, munhu anenge akapihwa mhiko iyi kana asingade kufa, anofanirwa kuuraya hama yake yepedyo.

Imwe mhiko ndeyekuti havashandise chimbuzi pakuzvibatsira, asi kuti vanoenda kuseri kwegwenzi musango uye mumba anopinda nepahwindo achizobuda nepamusiwo.

“Ndapota musaburitse zita rangu nekuti vamwe vandaiita navo zveSatanism vari kutonditsvaga zvekuti handisi kana kushandisa nhare nekutya.

“Pandakazotiza, ndini ndakange ndave kutarisirwa kuti ndinopinda muchikamu chekuita mari asi ndakaramba nekuti ndaifanira kuuraya hama yepedyo, amai vangu” anodaro Tanyaradzwa.

Anoti dzimwe hama dzake hadzizivi nezvenyaya iyi kunze kwaamai vake avo vaakaudza nepamusaka pekutya zvinozomutevera.

Mukomana uyu anoti akatanga kuita zveSatanism apo aive muForm 2 pane chimwe chikoro chiri kwaMutare.
“Pataiva Form 2 pane chimwe chikoro chandisingadure kwaMutare, taidzidza nemumwe mwana weshoroma aiwana zvose. Saka ini nevamwe vangu takachiva upenyu hwake tichibva tafunga kuenda kun’anga kunotsvaga mishonga yeraki.

‘‘Taiva vanomwe patakashanyira n’anga dzinodarika pfumbamwe dzemaMutare, Chipinge nekuMozambique.”
Mukomana uyu, uyo muhurukuro ino aingovhiriridza maziso achitarisa mutori wenhau, anoti n’anga yekuMozambique ndiyo yakazovapa mhiko yekuita mazakwatira emari kuburikidza nekutamba njuga kana kubheja mabhiza.

Apostle Martin Gomo

Apostle Martin Gomo

“Taifamba kun’anga tichishandisa mari yepocket money yataipihwa nevabereki.
‘‘Saka patakaenda kun’anga yekuMozambique ndiko kwatakapihwa mishonga iyi. N’anga yacho ichiriko.
“Takapihwa mafuta ekuzora aiva nemishonga. Mumwe wedu akatoshaya netsaona nekuti n’anga iyi yakati rufu rwenyu kana makore atakakutarirai achinge akwana, munofa netsaona kana musina kuwedzera upenyu hwenyu kuburikidza nekuuraya hama,” anodaro Tanyaradzwa.

“Pamhiko yekuti unge uchiita mari, n’anga iyi inoita kuti munhu apinde muchikwere chehuku wobata huku yaunoda, yobva yakandirwa muguri wechibage. Huwandu hwetsanga dzainenge yadya ndiwo makore aunozorarama uchiita mari.”

Mukomana uyu anoti sezvo mumwe wavakapinda naye muSatanism akashaya, chikwata chake vasara vatanhatu.
“Akashaya uyu akange aita mari zvikuru, zvekuti maMutare ndiye mumwe wevamwe vechidiki vakatanga kutenga motokari yerudzi rweHummer. Asi akatofa nayo netsaona uye akange atenga imba  kumasabhabhu.

“Akapihwa mhiko yekuti aisafanira kuitira tsvina muchimbuzi asi musango bedzi, kuseri kwegwenzi uye imba yaakatenga aisafanira kupindamo nepamusuwo asi nepahwindo. Saka akange akabvisa mabuglar bars epahwindo reimwe kamuri yemba kuti apinde nepahwindo asi achibuda nepamusuwo.

Pazuva raakaita tsaona, aibva kunozvibatsira kusango, nemotokari yake,” anodaro Tanyaradzwa.
Anotizve pamari yavaiwana mukutamba njuga vaienda kumahotera nekumakirabhu vachifara nevasikana nemumabhawa pasina chakati tsvetere chavaibura.

“Taitiza kuchikoro mushure mekuwana mari tichinofara nevasikana kumahotera. Kuchikoro taidofora nekuti nguva zhinji taipedzera kumafaro. Maticha aitinyorera maripoti ekuti takafoira asi nesimba redu reSatanism, taikwanisa kusandura zvibozwa zvedu zvekuti taitodeedzerwa kuvanhu vakapasa vamwe vachitoshaya kuti zviri kufamba sei.”

Tanyaradzwa anoti vamwe vake vari kumutsvaga kuti azadzikise chitsidzo chake zvinova zvakaita kuti atizire kuHarare uko kwaari kugara neimwe hama yepedyo.

“Vamwe vangu vari kunditsvaga nekuti vachiri kuzvifarira. Asi ini ndakatya kuuraya vabereki vangu ndokusaka ndiri kuramba kuenda kunopedzisa mhiko yechibage kuchikwere chehuku. Vamwe vangu vakato’tinter skin’ kutsvukisa ganda ravo remuviri nemishonga zvekuti vakatsvuka zvukuru. Vane matatoo muviri wose uye vachiri kuita zvekumahotera,” anodaro.

Anoti n’anga payakavapa mishonga yakasanganiswa nemafuta ayakati vazore yakavaudza kuti zvinhu izvi hazvigadzirisiki asi kuti magumo acho kufa netsaona.

Tanyaradzwa anoti ari kubatsirwa kuchechi yeHigher Life Family Church iyo inotingamirirwa naApostle Martin Gomo.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>