Uncategorized

Moto wakaparadza imba nemidziyo

12 Dec, 2014 - 21:12 0 Views
Moto wakaparadza imba nemidziyo

Kwayedza

Top4

VAEVARISTO Hati nemudzimai wavo Mai Linah Hati vachitaridza imba yavo yakatsva. — Mifananidzo: Memory Mangombe

Nyasha Mutena
IMWE mhuri yekuZengeza 3, kuChitungwiza, iri kukumbira rubatsiro rwekuvakisa imba yayo zvichitevera kuparadzwa kwayakaitwa pamwe nemidziyo yose nemoto.VaEvaristo Hati nemudzimai wavo, Mai Linah Hati, vanoti vashaya zano rokuita zvichitevera kutsva kwakaita imba yavo nguva pfupi yadarika.

VaHati vanoti kusvika nhasi havana chokwadi chezvakaitika pazuva rakaparadzwa imba yavo nemoto uye fungidziro yavo ndeyekuti tsaona iyi inogona kunge yakakonzerwa nekusafamba zvakanaka kwemoto wemagetsi sezvo wakabatira mumba pakadzoka magetsi mushure mekunge amboenda.

“Chokwadi chaicho hatisati tava nacho nekuti magetsi ainge amboenda ndokuzodzoka pakaita moto uyu nokudaro takangosara tiri vanhu chete, midziyo yose nezvese zvaiva mumba umu zvakaparara,” vakadaro.

Midziyo yakaparara inosanganisira mibhedha, masofa, materevhizheni nembatya dzose.

VaHati vanoti kunyangwe zvazvo vanodzimura moto veHarare Fire Brigade vakauya pachiitiko ichi, panguva yavakasvika midziyo yose yemumba yakange yapera kutsva.

Vanoti tsaona iyi yakavasiya vari panguva yakaoma zvikuru sezvo vasina anovabatsira nekudaro vari kukumbirawo ruyamuro kune veruzhinji.

Vanoda kubatsira mhuri iyi vanokwanisa kuridza nhare panhamba dzinoti 0772 341 808 votaura naMai Hati.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>