Uncategorized

‘Mukadzi wangu chidhakwa’

30 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
‘Mukadzi wangu chidhakwa’

Kwayedza

‘Anopedzera mari yose mudoro’

‘Nekutsvagira mwana zvikomba’

Tafadzwa Mutsotso

VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe mukadzi akanzi nemurume wake anoita basa rekutsvagira mwanasikana wavo ane makore 16 okuberekwa zvikomba zvekuti adanane nazvo uye iye chidhakwa chemakoko.Izvi zvakabuda muHarare Civil Court apo Oppah Nota akamhan’arira murume wake, Noel Njumba, achida $500 pamwedzi yekuchengeta vana vavo.

Nota akaudza dare iri kuti murume wake anoshanda basa rinomupa mari yakawanda kunyangwe zvazvo asingade kuriritira mhuri yake.

“Anoti vana vanodyei, vanopfekei uye vanorara pai? Haatombozvifunge kuti vana vanoda mari yechikoro. Mukuru wacho ava muForm 3 anobhadhara $300 yefizi, pane mumwe ari kupuraimari anodawo $35 patemu,” akadaro Nota.

Akati zvakare anoda mari yerendi, yemagetsi neyemvura.

Njumba akaudza dare kuti anokwanisa kubvisa $20 pamwedzi yevana vake vatatu.

“Mari yaari kutaura yakawandisa nekuti ini ndine mumwe mukadzi akatobatsirwa muna Chikunguru saka handizvikwanise nekuti ndinotambira $790,” akadaro Njumba.

Akaenderera mberi achiti mudzimai wake chidhakwa chemakoko uye anotsvagira mwanasikana wavo ane makore 16 okuberekwa varume vekuti adanane navo.

“Haisi nyaya yekuti handidi kuchengeta vana vangu asi kuti mukadzi uyu anodhakwa zvisingaite. Ndinhasi chete paatombori kuratidzika, pamwe pose anenge akadhakwa. Saka ndinoona kuti chero ndikamupa mari yacho inopedzerwa yose kudoro,” akadaro.

“Ndiri kutofunga kuti nditore zvangu vana vangu ndigare navo nekuti haana hunhu hwakanaka mukadzi uyu. Mwana wangu ane makore gumi nematanhatu akamutsvagira boyfriend. Zvino munoti ndiamai kwavo here ivava?” akadaro Njumba.

Akati mudzimai wake anoputa fodya nekunwa doro rekachasu.

Handifungi kuti munhu akanaka wekuti agare nevana nekuti kuvaka chaiko hapana apa,” akadaro. Mutongi Barbra Mateka akati Njumba abvise $300 pamwedzi yekuchengeta vana vake.

Akati kana achida kutora vana vake kuti agare navo anofanira kuenda kumatare anoona nezvenyaya dzakadai.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>