Uncategorized

Mukadzi wekuchinjanisa varume

01 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Mukadzi wekuchinjanisa varume

Kwayedza

‘ndamera nyanga panhingirikini’

Kingstone Mapupu

MUKADZI wechidiki wekwaSeke atambura nezviri kuitika kwaari —kusikarudzi yake kuri kumera zvinhu zvinenge nyanga dzembudzi zvekusvika pakuvharika uye mazamu ake anogara achingojuja mukaka kunyangwe zvazvo asina mimba kana mwana mucheche.Kwayedza svondo rino yakashanyira Tsitsi Manhanha (24) — uyo anogara nevana vake vaviri pamwe chete naamai vake mubhuku raManhanha — ndokunozvionera kuti mukadzi uyu ari panguva yakaoma.

Tsitsi haachakwanisa kufamba kana kuzvibatsira zvakanaka nekuda kwezvinhu zvaari kumera pasikarudzi.

“Ndine dambudziko guru, ndamera chinhu chinenge nyanga chingangoreba 15cm – zvakangoita nyanga zvembudzi. Mumativi macho mune zvakaita semaruva kana kuti hohwa.

“Nekudaro, nhengo yangu yatovharika handikwanise kuita weti zvakanaka sezvo ndichirwadziwa zvikuru. Ndinotochema pose pandinozvibatsira,” anodaro.

Kuratidza kuti atambura uye anotsvaga kubatsirwa, Tsitsi haana kunonoka kuratidza vatori venhau dambudziko rake. Akaratidza Kwayedza mazamu ake ayo aitojuja mukaka uyo waanoti unogara uchingobuda zvisinei nekuti haana pamuviri kana kuti mwana mucheche.

“Ndinosisa mukaka semunhu ane mwana mucheche asi mwana wangu mudiki ane makore mashanu. Zvinotondishamisa kuti mukaka uyu unobva kupi,” anodaro Tsitsi.

Anotizve mudumbu nemusoro wake zvinogara zvichimurwadza zvikuru.

“Handina zororo, mudumbu mangu munogara muchirwadza zvisingaite apa musoro uchinditema. Iwo mazamu angu iwaya, anobandawo achivava paanenge achibuda mukaka. Kutevera kwangu kwave kunetsa sezvo sikarudzi yavharika.”

Tsitsi anoti anoenda kuchipatara nekumakiriniki uko anopihwa mishonga isiri kupedza dambudziko rake.

“Ndaenda kukiriniki yekwaMakanyazingwa kakawanda uko ndakazopfuudzwa kuzvipatara zvikuru. Handina kuwana rubatsiro chairwo, zvinhu izvi zviri kutokura.

“Kudai ndawanawo anokwanisa kundibatsira, handina mari yekuenda kumachiremba akazvimirira uye nekuda kwedambudziko iri, handichakwanisa kuzvishandira. Handina mhosva kuti kuchivanhu kana kumachirema akadzidzira basa, ndinoda kubatsirwa,” anodaro Tsitsi.

Panguva yaiitwa hurukuro, Tsitsi akaratidza Kwayedza mazamu ake ayo aibuda mukaka wainhuhwa zvikuru sewakawora.

 

Tsitsi anoti amai vake, Sabinah Zinyemba (47), vanorwarawo zvekuti havakwanise kumubatsira uye baba vake vakashaika mugore ra2004.

“Ndakaberekwa ndiri ndoga, ndini ndaishandira amai vangu kuti vawane chekudya nezvimwe. Saka nekurwara uku, handichina chekuita, pano pave kunhuhwa nhamo,” anodaro maziso ake azere misodzi.

Tsitsi anoti dambudziko rake rakatanga apo aigara nemumwe murume kupurazi rekwaBhibho, kuGoromonzi. Panguva iyi anoti akabata pamuviri asi pakazonyangarika pasina kuzvarwa mwana.

“Ndakagara nemurume uyu gore rakapera kubva muna August (Nyamavhuvhu) kusvika August wegore rino ndiine vana vangu vandakaita nemurume wekutanga. Ndakazoita nhumbu ndikanonyoresa kukiriniki yeMakanyazingwa apo mimba yainge yava nemwedzi mitatu ndikazodzokera yava nemwedzi mina. Ndipo pandakasvikonzi mimba yakanga isisaonekwe.”

Tsitsi anoti panguva yaaive nepamuviri apa, dumbu rake raitoratidzika kuti akazvitakura asi rakazoserera roga.

“Zvakandishamisa kuti nhumbu yakambonzi iripo ndokuzodzokera kukiriniki ikanonzi hapana chaonekwa. Ini painzi paisava nenhumbu apa ndainzwa mwana kutamba mudumbu, kana kutevera ndaisatevera,” anodaro.

Anoti pakaserera dumbu rake ndipo pakabva patanga kumera zvinhu izvi kusikarudzi yake. Tsitsi anotizve imwe nyaya inomunetsa ndeyekuti vamwene vake vaisamuda kuti agare nemwana wavo avo vakakonzera kurambana kwake nemurume.

“Handizive kwakabva dambudziko rangu nekuti vamwene vangu chaivo vaigara vakatsvukisirana neni maziso vachiti ndirambane nemwana wavo,” anodaro.

Tsitsi anobvumawo kuti pane dzimwe nguva akambodanana nemurume wemunhu, uyo waanoti akatenge atiza mhuri yake ava kugara naye pamba pevabereki vake panguva iyo akanga arambana nemurume, asati atorana newekupurazi rekwaBhibho.

“Ndakadanana nemurume wemunhu wekwasabhuku Mushangwe, uyo akanga atiza musha wake. Ndakazorambana naye gore rakapera dambudziko iri risati ratanga. Asi handifunge kuti ndiko kwakabva dambudziko iri nekuti akazodzokera zvake kumba kwake.”

Mai Precious Muchando (32) vekwasabhuku Manyere, avo vari kubatsira Tsitsi nemazano, vanoti ishungu dzavo kuti arapwe agokwanisa kuchengeta vana naamai vake.

“Pamba pano hapana chiripo, kana kurima chaiko. Havana zvekudya kana mbatya nemagumbeze,” vanodaro.

Tsitsi naamai vake vanorarama nekupemha. Amai vaTsitsi, Mai Sabinah Zinyemba, vanokumbira kune veruzhinji kuti vabatsirewo mwana wavo.

Vanoda kubatsira Tsitsi vanoridza nhare panhamba dzinoti 0783 108 409 kana 0773 869 290.

 

 

Share This:

Sponsored Links