Mukombe ndewani?…DeMbare kana Zpc Kariba? …Vamwe vobuda muligi

21 Nov, 2014 - 00:11 0 Views
Mukombe ndewani?…DeMbare kana Zpc Kariba? …Vamwe vobuda muligi KENNY Ndebele

Kwayedza

KENNY Ndebele

KENNY Ndebele

Abel Ndooka
CHAKACHAYA svondo rino kumitambo yePremier Soccer League iyo yasvika kwamvura yacheka makumbo apo zvimwe zvikwata zvichange zvichirwira kutora mukombe, zvimwewo zvichatamba zvekudambuka makumbo segurwe kuti zvisaburitswe muligi iri. Rwendo rwemukombe uyu uri kurwirwa nezvikwata zvinoti ZPC Kariba iyo ichasangana neCAPS United kozoti Dynamos FC ichatatsurana neHow Mine.
ZPC Kariba ine mukana mukuru wekunyora nhoroondo gore rino kana ikakwanisa kuhwina mukombe uyu. Asi kuti zviitike inofanirwa kutanga yahwina mutambo wayo neCAPS United kozoti kune rimwe divi Dynamos FC inotofanirwa kukunda How Mine zvine mutsindo uye yonamata zvakasimba kuti CAPS United ikunde Kariba igorambire nemukombe uyu.

Maneja weZPC Kariba, Partson Ndabambi, akati mukombe uyu wave mumawoko avo asi chinhu chasara kwavari kupedzisa basa ravakatanga apo vachasangana neCAPS United svondo rino.

“Hatisati tatanga kupemberera parizvino, tinoda kutanga tapedza basa ratakatanga iri.
“Mutambo wedu neCAPS United wakakosha zvikuru. Isu chedu chatiri kurwira kutora zvibodzwa zvese kuti tipinde machena gore rino.
“Ligi rave redu iri, asi tikatadza kuhwina tinenge tazvikanya tega,” akadaro Ndabambi.

Maneja weDynamos, Richard Chihoro, anoti gadziriro dzechikwata chavo dziri kufamba semazuva ese uye vari kukoshesa mutambo wavo neHow Mine.

“Tiri kungogadzirira semazuva ese zvatagara tichingoita patinenge tichipinda mune mimwe mitambo,” akadaro Chihoro.
Zvakadaro, zvimwe zvikwata zvichange zvichirwira kuti zvisabude muligi mwaka uno.

Chiredzi FC neBantu Rovers zvakatoburitswa kare sezvo zvakatadza kuwana zvibodzwa zvizere zvinodiwa kuti zvirambe zviri muligi.
Zvikwata zvitanhatu zvinoti Black Rhinos, Shabanie Mine, Harare City, Buffaloes, Triangle United neChapungu United zvose zvinogona kudzokera kuDivision One kana zvikasahwinha mitambo yazvo yasara.

Chamangwiza wePSL Kennedy Ndebele anoti mitambo yese ichatambwa musi weSvondo uye ichatanga nguva imwe chete.
Zvakadaro, Ndebele anoti vatsigiri venhabvu, vatambi pamwe nevarairidzi vezvikwata zvakasiyana vanofanirwa kutambira zvinenge zvataurwa nemuridzi wepembe mumitambo.

Akataura mashoko aya zvichitevera nyaya iri kupisa yemutambo weFC Platinum neHarare City uyo wakatambwa svondo radarika.
Vatambi veHarare City vaigunun’una kuti vakabirirwa vachiti Platinum haina kunwisa pamutambo uyu. Kunyika dziri kuEurope dzakaita seEngland kunoshandiswa mutemo wegoal line technology iyo inozoburitsa kuti bhora ranwa here kana kuti kwete apo panenge paita makakatanwa.

Ndebele anoti nhabvu yemuno haikwanise kushandisa chirongwa ichi sezvo chichida mari yakawanda.
“Chinhu chatinoda kuti vatsigiri venhabvu, vatambi pamwe nezvikwata zvakasiyana vazive inyaya yekuti zvinenge zvataurwa nemuridzi wepembe ndizvo zvatinotedzera, hapana zvimwe.

“Nyaya iya yeFC Platinum neHarare City yakatodarika kare, hapana chichashanduka isu tave kutotarisira zvemutambo wegore rinotevera.
“Isu muno hatikwanise kuunza goal-line technology sezvo tisina mari yacho uye panenge pachitodiwa kuti mitambo yese iburitswe paterevhizheni kuti zvigotibatsira,” akadaro.

Mitambo:
Harare City FC Vs Chicken Inn FC (Rufaro Stadium )

Triangle United FC Vs Shabanie Mine FC (Gibbo Stadium)

Black Rhinos FC Vs Bantu Rovers FC (Rimuka Stadium)

Buffaloes FC Vs Hwange FC (Sakubva Stadium)

FC Platinum Vs Chiredzi FC (Mandava Stadium)

Highlanders FC Vs Chapungu FC (Hartsfield Stadium)

ZPC Kariba FC Vs Caps United FC (Gwanzura Stadium)

Dynamos FC Vs How Mine FC (National Sports Stadium)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>