Uncategorized

Mukuwasha okumbira bonde

11 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
Mukuwasha okumbira bonde

Kwayedza

. . . kuna tezvara
. . . uku kupisira’

Muchaneta Chimuka —
IMBOFUNGA izvi. Murume ofirwa nemudzimai wake nhasi mushure mekunge arwara kwenguva refu. Kwangodarika mazuva maviri bedzi mukadzi uyu afa —achangovigwa — murume uyu anotanga kuridza nhare kuhama dzemukadzi wake achiti, “Ndagarisa, ndiri kukumbirawo makumbo.” Kana uri iwe hama yemudzimai unopindura murume uyu uchiti kudii?

Izvi ndizvo chaizvo zvinonzi zvakaitwa neimwe “shasha” yemumusha weEast View, muHarare — uyo akatora muramu ndokutanga kugara naye semukadzi wake mushure memazuva matatu bedzi mudzimai wake ashaya.

Zvino vaviri ava vakaigochera pautsi sezvo vachinzi vave kupfukirwa nemushakabvu, uyo wavakapisira guva.

Pachivanhu, murume kana mukadzi akafirwa nemudikani wake, haaroore kana kuroorwa —kana dai kuita zvepabonde — dakara guva remumwe wake rarohwa.

Kazhinji guva remufi rinorohwa kwadarika gore kubva afa.

Campson Shairai (49) anonzi ange akaroorana naMarvis Kandeya, uyo akafa mushure mekurwara kwenguva refu.

Mushure memazuva matatu Kandeya afa, murume uyu anonzi akabva atora muramu wake, Mercy Madondo (26), ndokutanga kugara naye semukadzi wake.

MERCY MADONDO

Zvisinei, imba yevaviri ava inonzi haina kumbobvira yaiita rugare sezvo vachigara vachirwisana uye pane fungidziro yekuti izvi zvinogona kunge zviri kukonzerwa nemweya wemushakabvu nekuda kwekuti Shairai akatanga kugara naMadondo guva remudzimai wake risati rarohwa sezvinotarisirwa patsika dzechivanhu.

Vaviri ava vari kunzi vakapisa guva.

Svondo rapera, Shairai anonzi akamuka chibhebhenenga ndokutanga kupwanya midziyo yemumba pasina chikonzero.

Madondo anotsanangura nezverudo rwake nababamukuru vake achiti nderwe “chikiribidi”.

“Ndiri panguva yakaoma nababa ivava, vanondirova vachindinyima zvekudya uye kubva svondo rapera, vari kungopwanya midziyo yemumba zvekuti hamuchina kana kapu yekunwira mvura. Ndiri kuti vandidzorere kuvabereki vangu asi vari kuramba nekuti vanotya kuti havana kundibvisira pfuma uye vakanditora nerweseri mushure mekufa kwasisi vangu, Marvis Kandeya,” anodaro Madondo.

Madondo anoti iye naKandeya vana baba vamwe chete asi vakasiyana kwaamai.

“Zvakaitika ndezvekuti sisi vangu vakafa gore rapera muna Zvita uye patakanga tiri kurufu kumusha kuBuhera, ndakangogara mazuva maviri bedzi, ndipo apo babamukuru ava vakatanga kufona vachiti vave kuomerwa nekuda bonde. Vakafonera dzimwe hama dzangu vachiti vanoda ‘makumbo’ kureva bonde.

“Vaitopopota vachiti, ‘Imi, hamuzivi here kuti mwana wenyu (Kandeya) ange arwara kwenguva refu achingotevera saka handaiwana bonde pose apa?’

“Saka babamukuru ava vakabva vauya kuzonditora kwangodarika mazuva matatu taviga sisi.”

Madondo haasati ava nemwana nababamukuru vake ava.

“Handina rugare, pane pandakambofunga kuenda kumusha kwangu asi ndiri kutya kuti hapana anonditambira nekuda kwekuti babamukuru havana kubvisa pfuma. Vakanditora nerweseri zvinova zvisina kufadza vabereki vangu. Ndinovimba kuti vane dhiri ravakaita nehama dzangu kuti vanditore,” anodaro.

Madondo anoti murume wake ari kuramba kupinda naye mumachira achimuti anonhuwa.

“Akatombondicheka nebanga muruwoko achiti anoda kundiuraya. Akatora jira ratinoshandisa achiti anoda kundirombera kuti ndisaite mwana, kana kuroorwa. Mushure meizvi, ndakatanga kubuda mvura inonhuwa ndichiita kunge munhu ari kuda kusununguka.

“Ndipo paakatanga kundirarisa pasi iye ari pamubhedha achiti ndinonhuhwa, ndine uchapa uye handigezi nyambisirwa ndiye akandigadzira.”

Mukadzi uyu anoti murume wake aichengeta chicheya chaive chakasungwa nemachira, icho akavesesa moto mushure mekushaya huni panova ndipo pakatangira “hondo”.

Vaviri ava pavaitaurwa navo neKwayedza svondo rapera, vaiita sevachabatana “huruweki” vachipomerana zvakawanda.

“Pandakavesa chicheya chiya moto, vakadzoka vachiti ndapisirei cheya yenhaka asi ivo vakange vasina kundiudza. Vakabva vakatanga kupwanya midziyo yemumba ndokutora zvidimbu zvemapuranga ekicheni yuniti yavaive vapwanya vachibva vazvipisawo.

“Asi patakamboenda kumapurisa, kicheni yuniti iyi vasati vaipwanya, yainzi inoita yangu sezvo ndakagara navo pasina chandakawana — apa ndainge ndava kuda kudzokera kuvabereki vangu.”

Kwayedza payakasvika pamba apa, yakawana Shairai ari mushishi kuvesa moto nemapuranga emidziyo yaakange apwanya.

Paakabvunzwa kuti sei aidziya mapuranga ekicheni yuniti, akaedza kunzvenga nyaya achiti vane dambudziko rehuni.

“Idambudziko rehuni mwana wamai, saka ndaona kuti ndipwanye midziyo iri mumba ndibike. Uri kungozvionawo kuti kuno hakuna huni kana magetsi,” anodaro.

Achibvunzwa nezvenyaya yekutorana nemuramu wake mushure memazuva matatu abva mukuviga mudzimai wake, anoti Madondo ndiye akamutsvetsva — iye ndokuti dzawira mutswanda.

“Iye ndiye akanditevera, handina kumbomupfimba. Vabereki vake ndiri kuvafonera kuti vauye vamutore, haagezi. Ini handipinde mumagumbeze nemunhu akadai, inini!

“Anoda kuperekwa neni kuti ndakambomuroora here? Ngaadzokere nenzira yaakauya nayo, ndaneta nezvake,” anodaro Shairai achikuchidzira kapoto kesadza kaive pamoto.

Mumba yevaviri ava mune midziyo yakaparadzwa, kusanganisira magirazi.

Vamwe vagari venzvimbo iyi vanofungira kuti vaviri ava vari kupfukirwa nemufi.

Vaviri ava vari kushandisa midziyo yemushakabvu kusanganisira mubhedha, izvo zvinonzi hazvina kugovewa zviri pamutemo uye imba yavanogara ndiyo yaigara Kandeya naShairai.

Shairai anoti Madondo akatora mifananidzo yasisi vake ndokuicheka achiendesa kun’anga kuti “inini ndimukirwe nemweya wemufi”.

Madondo anotiwo akacheka mifananidzo iyi nekuti haadi kuti irambe iri mumba umu sezvo Shairai “achiti anoda kuroora mumwe mudzimai kana ini andidzosera kuvabereki vangu”.

Shairai anoti vari kutarisira kuita nyaradzo yaKandeya mwedzi waNyamavhuvhu uno kana akawana mari.

Zvakadai, Melodina Chikwaka (26) — uyo anove muvakidzani —anoti ane fungidziro yekuti kunetsana kwevaviri ava kuri kukonzerwa nemushakabvu, uyo ari kuvamukira sezvo vakapisira guva.

“Ndinoona sekuti vanhu vaviri ava vari kupandukirwa nemweya wemufi nekuti vakatanga kudanana amai vepamba apa vachiri vapenyu. Musi wavatorana, pane kudzvova kunenge kwemombe kwakaitika nechepamugodhi uri pedyo nemba yavo,” anodaro Chikwaka.

Mai Elizabeth Siyakurima-Chihwayi vanoti Shairai nemuramu wake vakaita mashura apo vakatanga kugara semurume nemukadzi nyayaradzo yaKandeya isati yaitwa.

“Hameno kuti babamukuru ava vakanga vanonokerwa zvakadii zvekutora muramu, mudzimai asati aputika. Vakatorana mushure memazuva matatu chaiwo, saka mweya wemufi ndiwo wava kuvanetsa. Vanongoita semapenzi, vachipwanya midziyo yemufi. Kureva kuti mufi akatsamwa. Chokwadi ndechekuti vakapisira guva,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links