Uncategorized

Murume akagadzikwa mudhishi . . .mudzimai apa chikomba mota

03 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Murume akagadzikwa mudhishi . . .mudzimai apa chikomba mota

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME wekuNorton, uyo wekutengera mudzimai wake nemhuri motokari yekuti vashandise apo iye aive kuBotswana kwaanoshandira, akagurwa kunorira sezvo mukadzi uyu akazopa mota iyi kuchikomba chake icho change choita sekunge ndicho baba vemusha. Nyaya iyi yakatopinda mudare raMambo Chivero vekuMhondoro, VaBrown Shopo (67), nguva yadarika chikomba ichi ndokuripiswa mombe nhatu mushure mekubatwa nemhosva yekudanana nemudzimai wemuridzi.

Webster Marako, uyo anogara panhamba 1021 kuKatanga, kuNorton, ndiye akaripiswa nedare iri mushure mekubatwa nemhosva yekudanana naLoice Shamu. Shamu mudzimai waEvason Pararirayi Zimunya wepanhamba 2367 Maridale, kwakare kuNorton.

Zimunya, uyo anova mutyairi wemagonyeti, anonzi akawana basa kuBotswana muna 1995 apo akazoenda nemudzimai wake vose vakanoshanda ikoko asi mhuri yaiva iri kuZimbabwe.

Mudzimai uyu anonzi aipota achidzoka kuZimbabwe kusvikira akazowirirana nemurume wake kuti achizogara kumusha zvachose mugore ra2009.

Jinda guru raMambo Chivero, VaSilent Kaseke (41), uye vari munyori wedare, vanoti Zimunya ari kuBotswana, akazotengera mudzimai wake nemhuri motokari iyo yaakaunza kuNorton.

Shamu anonzi akazodanana naMarako, uyo anoshanda semupurisa, zvikaita kuti chikomba ichi chipote chichishandisa motokari iyi.

Mudzimai uyu ane vana vatatu naZimunya uye mukuru wacho ane makore 20 ekuberekwa.

Nekufamba kwenguva, kudanana kwaShamu naMarako kwakazozivikanwa neveruzhinji zvikaita kuti vanyeurire Zimunya.

Svondo radarika paseri, Zimunya anonzi akanyepera mudzimai wake kuti haasi kukwanisa kuuya kumusha asi ndokubva azosvika kumba kwavo pakati pehusiku. Anonzi akawana motokari isipo ndokubvunza mudzimai wake uyo akati yaiva ku “car park” uye panguva iyi aisaona makii ayo.

VaKaseke vanoti Zimunya akabva audza mudzimai wake kuti aive nemamwe kii.

Shamu anonzi akabva aruka zano ndokuenda muchimbuzi umo akaedza kuridzira nhare chikomba chake chaigara nemotokari kuti chinoisiya ku “car park”.

Zvisinei, gava rakadimbura musungo sezvo Zimunya akanyumwa zvikaita kuti atevere mukadzi wake kuchimbuzi uku, ndokuzvikomubvutira nhare yake.

Murume uyu akazoona mashoko nemifananidzo zvinonzi zvaitumirana mudzimai wake naMarako.

Motokari iyi inonzi yakazodzoswa ikasiiwa pamugwagwa pedyo nedzimba dzaZimunya mushure mekunge mapurisa apindira munyaya iyi.

Zimunya akazokwidza nyaya yake kudare raMambo Chivero uko yakatongwa svondo radarika pamberi.

Marako akakonwa nemhosva yekudanana nemudzimai wemuridzi.

Padare iri, Marako naShamu vakasvikogara vose padivi nepadivi vasina kana ganda kumeso. Izvi zvakaita kuti Mambo Chivero vavaripise mbudzi nhatu dzekuzvidza dare vachiti Marako aitosvotesa muridzi wemudzimai nemaitiro aya.

Shamu, mudare iri, anonzi akapomera Zimunya mhosva yekutonhora muimba yekurara achiti makore avagara vose aya, anongori munzara.

Mambo Chivero vakaripisa Marako mombe nhatu vachiti kutora mudzimai wemunhu imhosva huru. Marako anonzi akaudza dare iri kuti ndiye muridzi wemukadzi achiti akanobvisa roora kumadzitevara ake kwaZvimba.

Akati zvakare Shamu akamuudza kuti akarambwa nemurume wake ndokupihwa gupuro. Zimunya akati aida kudzoserwa pfuma yake yeroora izvo zvakarambwa nedare richiti aiva aberekerwa vana vatatu naShamu uye acharipwa mombe nhatu naMarako.

Mambo Chivero vanoyambira vanhurume kuti vasiyane nemadzimai akaroorwa.

“Madzimai akawanda zvikuru munyika muno kudarika varume, hatizive kuti varume kana vakomana vanotsvetsva vakadzi vevanhu vanozviitirei. Tsvagai venyu,” vanodaro Mambo Chivero.

Share This:

Sponsored Links