Uncategorized

Murume omera mazizamu

21 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Murume omera mazizamu

Kwayedza

. . . ‘Zvangu ndezvekuroyiwa’

MURUME anoshanda kunzvimbo inochengetwa mhuka yeCarolina Wilderness Estates, kuSkyline, pedyo nemugwagwa unobva kuBeatrice uchienda kuNorton, atemeswa musoro nekumera kwaaita mitumba yemazamu ayo anotodarika evamwe vanhukadzi.

Murume uyu anofungira kuti uku kuroyiwa.

Dambudziko raVaTenson Mahwena (44), rinonzi rakatanga mumwedzi waNdira gore rino apo mazamu avo akatanga kukura achibuda zvinhu kana kuti mvura chena inenge mukaka.

“Ndakatanga ndichirwara nemusana apo ndaiva kubasa. Ndakarwara kwemakore kusvikira muna Ndira gore rino.

“Ndakazotanga kumera mazamu ndikashamiswa nazvo zvikuru.

“Uno wave mwedzi wechigumi kubva pazvatanga asi mazamu aya akura sezvamuri kuona izvi.

“Ndave kutotadza kuenda kubasa kana kumuka, kunozvibatsira chaiko ndinotakurwa nemudzimai wangu nevana,” vanodaro VaMahwena.

Murume uyu ane fungidziro yekuti akaroyiwa nevaanogara navo.

“Mazamu kubva achitanga, anomboita kuzvimba okura zvikuru, pamwe pacho achiita madiki achibuda mvura chena inenge mukaka.

“Ndinofungira vemuno sezvo paine mumwe mukadzi aindipfimba anobva kuMt Darwin aitaura kuti dai ndisina kuroora mudzimai wangu wandiinaye ndakaroora iye.

Upenyu Macheza achitaridza mazamu emurume wake, Tenson Mahwena. - Mifananidzo: Shelton Muchena

Upenyu Macheza achitaridza mazamu emurume wake, Tenson Mahwena. – Mifananidzo: Shelton Muchena

“Akazobva zvake pano atora murume wemunhu zvakare akaita zvekudzingwa nemurungu,” vanodaro.

VaMahwena vanoti hapana panovarwadza mumazamu avo, ayo anoita seanoyamwiwa.

“Mazamu aya haarwadze asi ari kuramba achikura, handizive kuti achagumira kupi nekureba kwawo. Musana wakagara uchingondirwadza, uye handina dzimwe nhengo dzemuviri wangu dzakasanduka kunze kwemazamu.”

Nekuda kwedambudziko iri, murume uyu nemhuri yake vanoti vakamboenda kun’anga yaiti inogona kuvabatsira asi yakazvitadza.

“Kune n’anga yakambouya pano ichiti ndakaroyiwa tikaibhadhara $50, ikaedza asi yakazvitadza,” vanodaro.

Murume uyu anoti akambonogara naamai vake kuChivhu uko aitsvaga rubatsiro.

“Ndakanogara kumusha kuna amai sezvo baba vakashaika asi vakaedzawo zvikaramba.”

VaMahwena havachagona kuenda kubasa, vave kuriritirwa nemudzimai anoshanda papurazi apa uyo anoti mari yake bedzi haivakwanire.

Mudzimai wavo, Mai Upenyu Macheza (45), vanoti dambudziko remurume wavo chatova chisekeso papurazi ravanogara.

“Ndakaroorana nemurume uyu mugore ra2000 ini ndiine vana vangu vaviri kare. Takazoita vamwe vaviri tose pasina dambudziko iri. Baba vakazotanga kurwadziwa nemusana mugore ra2015 apo vakaenda kuParirenyatwa (Group of Hospitals) kunorapwa. Vakaramba vachingorwara kusvikira muna Ndira gore rino apo vakatanga kumera mazamu ayo amunoona seanoyamwiwa aya,” vanodaro.

Vanoti vaona dambudziko iri, vakazozivisa vamwene vavo, Mbuya Costina Mvere, apo vakazoenda navo kuChivhu, kwaMambo Musarurwa, uko vakanofamba navo asi hazvina kubatsira.

“Ndinoda kuti murume wangu abatsirwe akwanise kudzokera kubasa sezvo asisashande.

“Ini ndinoenda kubasa ndoga uko ndinotambira $59 pamwedzi, sezvo ndichirovha basa kakawanda ndichichengeta murume wangu.”

Mukadzi uyu anoti vakamborwara nechirwere cherurindi mugore ra2008 uye vakabuda pachena kuti vanorarama neutachiona hweHIV.

“Ndakachinjirwa mapiritsi ayo ndainwa apo ndakaenda kuchipatara cheChitungwiza (Central Hospital) musi wa3 Gumiguru.

“Dambudziko randiinaro handina mari yekuramba ndirapwa nekuda kwedenda rangu remazamu akura iri,” vanodaro VaMahwena.

Zvakadaro, kune mashoko ari kutenderera mukomboni mavanogara ekuti murume uyu anovingwa nechipoko chemwana mucheche aiva muzukuru wavo uyo akafa asina kurwara.

VaMahwena vanonziwo vanogara vachionekwa vachifamba-famba kumakuva masikati izvo zviri kurambwa nemudzimai wavo.

Mai Macheza vanoti ichokwadi kuti pane muzukuru wavo akangofa asina kurwara uyo akafira kumusana kwemumwe mukadzi.

“Muzukuru wangu akafa asina kurwara, tikamuviga asi vanhu vanoti ndini ndakauraya. Zvekuti ari kumuka chipoko chinouya chichiyamwa mazamu emurume wangu inhema, isu hatizvizive uye zvekuti baba vanoonekwa kumakuva kunongova kusvibisana,” vanodaro.

Vanoti vane fungidziro yekuti dambudziko remurume wavo riri kukonzerwa nekuroyiwa.

“Muno makauya tsikamutanda akabata varoyi nezvinhu zvavo, ini ndikasara. Izvozvi vanonditi muroyi ndichinzi ndini ndakaroya murume kuti amere mazamu.

“Kana ndichiroya ndinodawo kubatsirwa tose nemurume wangu. Hatina kuti maporofita here kana kuti n’anga, chedu tinoda kubatsirwa,” vanodaro.

Vana vemhuri iyi vose havachakwanisa kuenda kuchikoro nekuda kwekushaya mari.

Kunze kwaVaMahwena, kune vamwe varume vane dambudziko rimwe chete rekumera mazamu vanoti Acry Chinhivi Shayamano (43) wekwaNherera, kuMhondoro naMasimba Chidahunha (53) wekwaMusami, kwaMurehwa.

Vose vakatombobuda muKwayedza.

Zvakadai, Sekuru Jonathan Shonhiwa vekuChiredzi vanoti dambudziko raVaMahwena nevamwe varume vari kumera mitumba yemazamu vari kushandiswa nevaroyi.

“Huroyi kuvarume ava. Vanoyamwiwa nezvidhoma nezvikwambo zvevanhu vanoshereketa,” vanodaro Sekuru Shonhiwa.

Zvinoitika izvo: Dr Moyo

MUKURU wechipatara cheChitungwiza Central Hospital, Dr Obediah Moyo, vanoti kumera mitumba yemazamu kune vamwe vanhurume zvinokonzerwa nekukanganisika kunenge kwaita miviri yavo kuburikidza nekushandiswa kwemishonga yekurapa zvirwere zvakasiyana.

“Kukura kwemazamu evanhurume achitoenzana neemadzimai kana vasikana zvinoitika zvikuru zvichikonzerwa nezvinhu zvakasiyana.

“Zvinorapika, asi kazhinji kana vanhu ava vachirapwa zvirwere zvakasiyana panogona kukanganisika pakutorwa kwemishonga yacho zvokonzera matambudziko akadai,” vanodaro.

Vanoti dambudziko iri rakangofanana nehumwe hurwere hwose nekudaro hazvina kunaka kuti vane matenda akadai vave zviseko.

“Ikurudziro yedu kuti varume vanenge vasangana nematambudziko akadai vaende kuzvipatara vonotariswa pane kuguma vave kuenda kudzin’anga nemaporofita uko vanonodyirwa mari vachidyiswa zvinhu nekusvinwa mazamu avo.”

Dr Moyo vanoyambira veruzhinji kuti vakaona zvavasinganzwisise pamiviri yavo, vakurumidze kunoongororwa navanachiremba vakadzidzira basa.

 

 

Share This:

Sponsored Links