MUSATUNGAMIDZE MARI: MAPEZA. . . asi tarenda nenyika

28 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
MUSATUNGAMIDZE MARI: MAPEZA. . . asi tarenda nenyika Norman Mapeza

Kwayedza

NORMAN Mapeza, uyo akambonetsa munhabvu, ari kukurudzira vatambi vechidiki kuti vasamhanyire kukoshesa mari uye vanofanirwa kugara pachikwata chimwe chete vachiumbwa tarenda ravo kwemakore. Kazhinji mumutambo wenhabvu mazuva ano mutambi akanetsa ari kuchikwata chake mushure menguva pfupi anenge ave kutotsvaga chimwe chekutambira nechinangwa chekuti awane kwaanopihwa mari yakawanda.

Izvi Mapeza, uyo pari zvino ari kurairidza chikwata cheFC Platinum, anoti zviri kukanganisa vatambi vakawanda sezvo vachishaya mukana wekuumbwa zvizere matarenda avo. Panguva yaakatamba nhabvu muPremier Soocer League, Mapeza akangotambira Darryn T chete kwemakore akawanda izvo zvaanoti zvakamubatsira kuzotengwa nezvikwata zvekunze.

“Vatambi vechidiki vanofanirwa kungwarira mune zvavanozvisarudzira nekuti vakafunga zvekumhanya kutungamidza mari zvinovakanganisa nhabvu yavo. Tiri kuzviona nguva nenguva kuti mutambi wechidiki kana achitambira chikwata chakaita seTriangle, akanetsa mwaka mumwe chete.

“Ini kurudziro yangu ndeyekuti ramba uriko kuTriangle ikoko ugareko kwemakore mashanu kana gumi uchibikwa zvakasimba zvekuti hazvizokunetsa kana ukaenda kunotambira kunze kwenyika.

“Chiri kuuraya tarenda revatambi vechidiki ava kutadza kuona ramangwana ravo. Isu taitamba nhabvu tiine zvinangwa uye kurwira kuenda pakarenda reSoccer Star of the Year izvo zvaiyemurika zvikuru.”

Mapeza aive muchikwata chenyika chemaWarriors icho chakambonetsa zvikuru chainzi Dream Team chakapotsa nepadiki chabudirira kuenda kumutambo weWorld Cup.

Chikwata ichi chaive chizere nevaitambira nhabvu yavo muno kozoti vashomawo vaitambira kunze kwenyika vakaita saPeter Ndlovu pamwe naBruce “Jungleman” Grobbelaar.

Anoti kupinda muDream Team zvainetsa zvikuru nekuti panguva iyi kwaive nevatambi vakawanda vaigona. Mapeza anoti anoshushikana kuti hakusisina vatambi vane tarenda kudarika vaivepo panguva yavo nekuti vemazuva ano havana kuzvipira. Anoti kana vachida kubudirira sezvaakaita iye pamwe nevamwe, vanofanirwa kushanda nesimba. “Isu taishanda nesimba, vamwe taienda kumabasa kana tobva kubasa tochinotamba nhabvu.

“Nhabvu taiitamba nekuti taive nerudo nayo kusiyana nezvatave kuona mazuva ano, vakomana vari kutungamidza mari kumberi.

“Ini hangu ndakatamba nhabvu kuti ndingoitawo mbiri sezvandaiona zvichiitwa naMoses Chunga nanaStanley Ndunduma. Ndaida chaizvo kufamba mumatsimba avo. Ndaiziva hangu kuti ndikashanda nesimba mubairo waizouya pamberi, zvinove zvakazoitika ndakwanisa kuenda kunotambira kunze kwenyika. Ini ndakakwanisa kutamba muDream Team, chikwata chenyika yedu chakanetsa zvikuru. Waisapinda muchikwata ichi zvekumhanya wainge uine tarenda chairo,” anodaro Mapeza.

Nhabvu yemuZimbabwe pari zvino yaderera zvikuru sezvo zvikwata zvenyika mumapoka akasiyana zvisiri kukwikwidza mumitambo mikuru yakaita seAfrican Cup of Nations neWorld Cup. Mitambo iyi yakakosha chaizvo nekuti inobatsira vatambi vemuno kuti vaonekwe nezvikwata zvekunze. Mapeza anoti zvinosuwisa zvikuru kuti vatambi vemuno vashoma vari kubudirira kuenda kunotambira kuEurope.

Anotiwo nhabvu yevechidiki inofanirwa kukosheswa. Mapeza anoti panofanirwa kuve nemapoka anoti Under-14, 15 ne16 umo vechidiki vanoumbwa matarenda kusvikira vave kutambira zvikwata zvevakuru.

“Pamwe patiri kurasika pakusakoshesa nhabvu yevechidiki. Uku ndiko kwatinofanirwa kudira mari kuti tichivabika zvakasimba zvekuti mune ramangwana hatinetseke nekushaya vatambi.

“Tikakoshesa vechidiki vedu tinoziva kuti hatinetseke kuvaka chimwe chikwata cheDream Team zvekare,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>