Uncategorized

Musoro wesvikiro wakatsakatika

16 Apr, 2015 - 00:04 0 Views
Musoro wesvikiro wakatsakatika VAOWEN Chitsike

Kwayedza

VAOWEN Chitsike

VAOWEN Chitsike

MUSORO wemunhu akafa ari svikiro guru rekwaMutevende, kwaDotito kuMt Darwin, unonzi wakatsakatika zvachose mushure mekunge varume vaimora nyuchi vafukunura guva raive mubako nekusaziva ndokutora dehenya remusoro uyu vachifunga kuti raiva garingiro rizere huchi.

Manenji aya akaitika mubhuku raMunyeperi apo varume vakafunga kuti dehenya iri raiva garingiro rinocheterwa huchi nenyuchi, iro ravakatora ndokuenda naro. Zvisinei, vanhu ava vanonzi vakazoona kuti raive dehenya remusoro wemunhu apo vakanga vave kubvisa huchi hwaivemo. Guva rakafukunurwa iri rinonzi ndere munhu aisvikirwa nemudzimu mukuru wedunhu iri ainzi Kanyepi uyo akashaika mugore ra1982 mutumbi wake ndokuvigwa mubako.

Sadunhu Muterevende, VaKawomba Kadyanemhandu Mugumani (85), vanoti chiitiko ichi chakavashamisa zvikuru.

“Nyaya iyi yakaitika zvedi, ini ndikaenda kwaShe Dotito kunovazivisa nezvayo. Shoko rakasvika kwandiri richiti guva resvikiro remuno rakafukunurwa musoro ukaburitswa nevanhu vaimora huchi. Takazoenda kunoona musoro wacho kuti uvigwe patsva vanhu vakawana pasisina, zvikatishamisa,” vakadaro Sadunhu Muterevende.

“Guva rakafukunurwa nderaVaKanyepi avo vaiva svikiro redu guru muno. Pavakafa, vakavigwa pachivanhu mubako saka takazonzwa kuti kune vakomana vakaenda paguva iri ndokunokwadabura matombo aivepo ndokumora huchi.

“Vanonzi vakazotora dehenya remusoro ndokuenda naro kumba sezvo maiva nehumwe huchi. Vakazoziva vasvika kumba kuti waiva musoro wemunhu,” vakadaro.

Sadunhu ava vanoti muroora wepamusha pane vakamora huchi uhu ndiye akazoona mashura aya apo vaibvisa huchi mudehenya vachifunga kuti raive garingiro.

“Chave kunetsa ndechekuti hatichaziva kuti chii chakaitika pamusoro uyu, pamwe wakatorwa nevanoshereketa kana kuti ivo vakamora huchi ava,” vakadaro Sadunhu Muterevende.

Vanoti vakambofunga kuti dehenya iri rakadzoserwa muguva zvikaita kuti vatume sahwira wemhuri yemushakabvu, Monday Karuru, uyo akanouchira pachivanhu ndokuvhura akatarisa muguva ndokuona dehenya remusoro risimo.

Paguva iri panonzi pakawanikwa paine fetereza yakashandiswa kumoresa nyuchi.

Vanonzi vakafukunura guva iri vachimora huchi ndiTichaona Gomwe, Tafadzwa Kariwo nemukuwasha wavo, vose vanogara kwaSabhuku Misi, mudunhu rimwe chete iri. Kwayedza haina kukwanisa kutaura nevatatu ava pakashanyirwa dunhu iri sezvo vakanzi vakange vabvakacha.

Sadunhu Muterevende vanoti vakashevedza vanhu vari kupomerwa kufukunura guva ava asi vakaramba nyaya iyi.

“Isu takanga tangoti tomira tichaona vakaita nyaya iyi vachabatwa nemweya wemufi sezvo varidzi veguva iri vaine zvavakanoita kuti mufi arwe oga,” vakadaro.

Samson Chitsike (32), mumwe wevagari vemunzvimbo iyi uye achishanda naSadunhu Muterevende, akatsinhira nyaya iyi achiti:

“Ndakanzwa nevana vemunhu ane guva iri vachiti guva rababa vavo rakacherwa, ava vakomana vakatamira kuCentenary vakatenge vauya kuzoongorora nyaya iyi vachiti vakanga vabva kune rimwe svikiro rinonzi Nyango nekwaShe Dotito kuti voita sei nenyaya iyi.”

Vabereki vevana ava vanonzi vakaudzwa naShe Dotito kuti vanoviga patsva musoro uyu vachitevedzera tsika dzechivanhu sekutenga fuko, kutanga vaisa fodya pasi nekuuchira vachidetemba mutupo wemufi.

Owen Chitsike (31) anova mumwe wemakurukota asadunhu, anoti nyaya iyi iri kunetsa uye inotoda kuongororwa kuti vakafukunura guva iri vatongwe.

Sabhuku Misi, VaWarren Mupfumbati (35), vanoti panoda kutorwa matanho kuti zvizivikanwe kune dehenya iri.

“Vakomana vakanomora nyuchi paguva iri vanonzi ndevemuno mumusha mangu, vanoti Tichaona Gomwe, Tafadzwa Kariwo nemukuwasha wavo avo ndakabvunza vakaramba nyaya iyi. Asi zvinonzi pane vanhu vakavaona vachiita izvi zvinoreva kuti vanofanirwa kushevedzwa kudare tombosiyana nekuzivana kana husahwira,” vakadaro Sabhuku Misi.

Vanoti vanhu ava vave kuramba nyaya iyi nekuda kwedehenya remusoro wemunhu ravanonzi vakaburitsa.

“Tarbaby Chitsike ndiye akaona musoro uyu wakaiswa paruware ndokuenda kumhuri ine guva iri kunoudza mwanasikana wemufi, Mai Pamella,” vakadaro Sabhuku Misi.

Vanoti huchi hwakamorwa muguva iri hwakatotengeswa mumusha. VaChambadzero Nyakumunda (28) vemunzvimbo iyi vanoti nyaya yekufukunurwa kweguva iri kutaurwa. Mumwe mwana wemushakabvu ane guva iri, Marvelous Chikapinda (44) wekwasabhuku Munyeperi, anoti akavingwa naTarbaby akamuzivisa nezvenyaya yekuti guva rababa vake raiva rafukunurwa.

“Ndakasangana naTarbaby Chitsike anova muzukuru kwatiri ndokunditi guva rasekuru rakavhurwa musoro ukaburitswa. Ndakaenda naye ndikanoona dehenya remusoro wababa padivi pachinhambwe chemamita 20 kubva paguva riri.

“Takadzokera kumba tikanotora sahwira, Monday Karuru, akanozvionera. Takaona makwati emuti nefetereza, tikadongorera mubako ndokuona musoro musina. Takazonotorana nevamwe ndokuenda kusvikiro — Nyango — ndokupfuurira kwaShe Dotito. Takanzi tiende kunodzosera musoro uyu muguva tiina sadunhu wedu uyo akazouya tikaenda tose apo takazonowana kusisina chinhu,” akadaro Chikapinda.

Anoti mumwe wevehukama hwavo aivepo pavaida kunoviga dehenya iri kechipiri munin’ina wake, Enock.

Mhuri yavo, anodaro Chakapinda, iri kuronga kufamba kuti izive kwakaiswa dehenya iri uye matanho avangatore kuti nyaya iyi ipere mune zvakanaka.

VaPetros Chitsike (59) vanoti:

“Nyaya iyi tave kutofunga kuti tiisvitse kumapurisa nekudzokera kwashe nekuti ini musoro ndakauona tikazoushaya kureva kuti kune vakautora. Vanogona kuroya dzinza rose, musoro watateguru wedu tinouda,” vakadaro.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Assistant Inspector Petros Masikati, vanoti nyaya iyi haisati yasvitswa kwavari uye vakavimbisa kuti vachaiongorora.

Share This:

Sponsored Links