‘Mutengo weropa ngauderere’

01 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
‘Mutengo weropa ngauderere’ Dr Labode

Kwayedza

Dr Labode

Dr Labode

Mashoko aya akataurwa svondo rapera nasachigaro wekomiti yedare reParamende inoona nezveutano nekurerwa kwevana, Dr Ruth Labode, apo nhengo dzekomiti iyi dzaimema muzinda wezveropa, weNational Blood Services Zimbabwe (NBSZ), uri muHarare.HURUMENDE iri kukurudzirwa kuti itore matanho anoita kuti mutengo weropa uderera sezvo vamwe varwere vave kunoritenga kunyika dzakaita sekuZambia sezvo muZimbabwe richidhura.

KuZambia paindi imwe chete yeropa inonzi inotengwa neUS$50 asi muZimbabwe ichiita chipo cheUS$200.

“Vamwe vagari vari munzvimbo dzinosanganisira Victoria Falls, nekuHwange vanonotenga ropa kuZambia nekuti rakaderera mutengo nokudaro havangasiyi hama dzavo dzichifa iko kuine kunowanikwa ropa rakachipa. Ko, munhu angatenga ropa reUS$200 muno kana kune dzimwe nyika richiita US$50 sei?” vanodaro Dr Labode.

Vanoti Hurumende inofanira kuongorora matambudziko ari kusangana nevanhu achivaita kuti vanotenga ropa kunze kwenyika.

Mashoko avo akatsinhirwa nenhengo dzedare reParamende dzinobva kuMatabeleland North dzichiti dambudziko iri rinofanira kugadziriswa.

“Zvii zviri kuitwa nenyika kuti matambudziko aya agadziriswe kana vanhu vave kugukuchira macooler box vachienda kunotenga ropa kune dzimwe nyika?” vanodaro VaPrince Sibanda vanomirira Binga North.

Chamangwiza weNBSZ, Mai Lucy Marowa, vanoti Zimbabwe yakanyorerana chibvumirano nesangano reWorld Health Organisation (WHO) cheWHO Resolutions: (WHA 28.72 and WHA 63.12 of 2010) chekuti vanhu vazvipire kupa ropa zvinova zvinobatsira mukuchengetedza upenyu.

“Sangano reNBSZ rinoshanda nebhajeti inosvika US$9 miriyoni pagore inobva kuvatsigiri nekuHurumende. Ropa ratinowaniswa neveruzhinji rinoshandiswa muzvipatara mukubatsira varwere vanorasikirwa neropa nenzira dzakasiyana setsaona kana panguva yekusununguka,” vanodaro.

Vanoti kuoma kuri kuita upfumi hwenyika kuri kuita kuti vanhu vazhinji vanoda rubatsiro rweropa vakundikane kuritenga.

“Zvipatara hazvina bhajeti yeropa apo vari kunyanya kuda ropa iri madzimai nevana.

“Mari yatinositsigirwa nayo nebazi rezveutano yakaderera zvikuru zvinova zviri kuita kuti ropa ridhure kubva paUS$65 kuenda paUS$135. Mutengo uyu wakaderera muzvipatara zveHurumende ne11,1 izvo zvinoita kuti ropa iri riite US$120 papaindi yoga-yoga,” vanodaro.

Vanoti NBSZ ichavhura mumwe muzinda unoona nezvekupa ropa kuColliery Hospital, kuHwange, kana kuVictoria Falls senzira yekuderedza matambudziko ekushomeka kweropa kuMatabeleland North.

Vakafanobata chigaro chaPrincipal Director weCurative Services kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, VaDouglas Mangwanya, vanotsinhirawo kuti vanhu vari kutenga ropa kunze kwenyika vachiti sangano reNBSZ rinofanira kuita ongororo maringe nezvikonzero zvacho kuti zvigogadziriswa.

NBSZ isangano rakanyoreswa rakazvimiririra asi risina chinangwa chekuita mari pasi pemutemo wemakambani (Companies Act) Chapter 24:03.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>