Uncategorized

Muzvere akadya chevakuru

20 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Muzvere akadya chevakuru

Kwayedza

. . . ndokuzonanzva ropa rake
. . . akada kunhanhira mwana

MUDZIMAI wekwaChikwaka, kuGoromonzi, akaita mashura apo anonzi akaedza kudya mwana wake kasvava kaainge achangobva mukusununguka, asi ndokuzopedzera nhomba yake nekudya chevakuru nekunanzva ropa rose raaiva abuda pakuzvara.

Mukadzi uyu akazoguma apihwa mubhedha muchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals, muHarare, uko kusvika svondo rapera aibatsirwa.

Adelaide Kapesi (36), wemubhuku raNgazimbi, kwaSadunhu Musonza, uye ari mudzimai waFanuel Purazi (36), ndiye anonzi akada kudya mwanakomana waaiva asununguka apo akabatwa neshavi raimuita kuti arwerwe rute nekunanzvira.

Kusvika pakanyorwa nyaya ino, Adelaide zvose nemwana wake kasvava vainge vachiri muchipatara cheParirenyatwa, mwana uyu achitochengetwa naambuya vake — Mbuya Euvon Kapesi (70) avo vanove amai vababa vacho.

Kwayedza haina kukwanisa kuziva kuti mudzimai uyu anorwara nei.

“Ndakasunungutswa naMai Christmas (Mbuya Julai Manyanyi (63) pamwe chete naMbuya Takunda (Mai Colletta Nyoni (62) ndikatonzwa mwana kuchema abuda. Ndakazongotadza kuziva zvandaiita ndirere pasi.

Mbuya Manyanyi

Mbuya Manyanyi

“Asi ndinonzi ndakananzva ropa rose randakabuda pakusununguka. Pane zvakaitika hongu, asi vananyamukuta vangu ndivo vanoziva zvizere. Pandakazoziva zvandiri ndivo vainge vakandibatirana, kusanganisira natete hanzvadzi yemurume wangu,” anodaro Adelaide.

Mbuya Kapesi vanotsinhira nyaya yekuti Adelaide akabatwa neshavi achangosununguka.

“Uyu muzukuru wangu chaiye, ndokusaka ndiinaye kuno kuchipatara. Pane zvakaitika pamwana uyu apo akabatwa neshavi achida kudya mwana mucheche ini ndikazoshevedzwa ndikanomutora.

“Pane zvinoitika kudzinza kwedu izvo zvinoda kugadziriswa. Anonzi akadya chevakuru chake ndokunanzva ropa rose raakanga abuda achirwisana navananyamukuta vaviri natete, hanzvadzi yemurume wake,” vanodaro Mbuya Kapesi.

Murume waAdelaide, Fanuel, achitaurwa naye panhare, anoti mudzimai wake akabatwa neshavi akazama kudya mwana mucheche ndokudziviswa asi ndokuzopedzera shungu pachevakuru nekunanzva ropa rake.

“Izvi zvakaitika ndisipo. Ndakazongoudzwa asi mukadzi wangu anongoti haana zvaanoziva semunhu akanga akabatwa nemweya. Vekumusha kwemukadzi wangu vanoti pane zvinonetsa mudzinza ravo,” anodaro Fanuel.

Murume uyu anoti mudzimai wake anomuda sezvo achiti pane zvimwe zvisingarambirwe mukadzi kunze kwechipfambi.

Fanuel Purazi

Fanuel Purazi

“Mukadzi wangu ndinongomuda zvakadaro, chipfambi ndicho chinodzingirwa mukadzi. Uyu ndewangu asi vanhu ngavandibatsire kugadzirisa zvinomunetsa,” anodaro Fanuel.

Mbuya Manyanyi, avo vanonyanya kuzivikanwa saMai Christmas, vanova n’anga uye vari mumwe wavananyamukuta vakasunungutsa Adelaide, vanotsinhirawo kuti mukadzi uyu akabatwa neshavi akada kudya kasvava asi ndokudziviswa.

Vanoti vakabatsirana naMai Nyoni, avo vanozivikanwa nekuti Mbuya Takunda, pakusunungutsa Adelaide uyewo vakadzivisa mudzimai uyu kuti asadye mwana wake.

Mbuya Manyanyi vanoti vakashevedzwa husiku naDocus Purazi (41), hanzvadzi yemurume waAdelaide, apo mimba yakange yorwadza.

Vanotizve vakabatsirana naMai Nyoni nkusunungutsa mudzimai uyu.

“Zvakaitika murume wacho Fanuel asipo, amhanya kunotsvaga motokari yekutakura mudzimai wake kuti aendeswe kuchipatara. Mwana akatobuda akachema. Ndipo apo mukadzi uyu akatanga kudzvova achibuda rute nekuwetsura maziso achida kubvuta mwana kuti adye. Ini ndakatora mwana ndikamuvhumbamira vamwe vangu vachirwisana naye apo akazosvetukira pasi paiva neropa ndokutanga kurinanzva rose nekudya chevakuru,” vanodaro.

Mbuya Manyanyi vanoti apo Adelaide aive akabatwa neshavi, mweya waive paari wakatanga kuvatukidzira uchiti mukadzi uyu aiva wawo kwete wepamusha apa.

“Mweya uyu waiti, ‘Imi munogara nemukadzi wangu ndimi ani? Mukadzi uyu ndewangu, ndakamuroora ndikamupihwa nevabereki vake kare. Haana mwana, kamwana kaainako ndekani? Ndinoda kudzokera nemukadzi wangu kumusha kwangu asina mwana’,” vanodaro Mbuya Manyanyi.

Mbuya Manyanyi — avo vanobva kuChimoio, kuMozambique — vanoti kubva pavakatanga basa rehun’anga, havana kumbosangana nenyaya yakadai.

Hanzvadzi yemurume waAdelaide, Docus Purazi (41), anotiwo muroora wake akabatwa nemweya wakaita kuti ade kudya mwana wake ari mupenyu ndokuzonanzva ropa nekudya chevakuru.

“Ndaingonzwa kuti munhu anobatwa neshavi asi ndakazozvionera muroora wangu asandura chiso kuita sechemhuka, ndokutanga kuridza mukanwa achiruma mazino achida kubvuta kamwana.

“Akazozvambarara pasi ndokunanzva ropa rose raainge abuda pakusununguka achibva adya chevakuru,” anodaro

Anoenderera mberi achiti: “Zvakatanga apo muroora uyu akabatwa neshavi richiti, ‘Uyu mukadzi wangu, muri kumuchengetera chii pano? Ane murume wake kumusha, anozviti murume wacho akauya pano mumutaurire kuti kumusha kwemudzimai uyu ane murume akamumirira’.”

Anoti vakazofamba semhuri vakaudzwa kuti Adelaide akapihwa murume wengozi kumusha kwavo, kubhuku raGororo, Goromonzi, nekudaro zvinonetsa kuti aroorwe.

“Ini zvangu ndiri tete, handizive kuti iye Fanuel achaita sei nemukadzi wake nezvakaitika izvi. Uyu muroora wedu wechipiri nekuti Fanuel ane mupatya wake akaroorawo. Tangosara vana chete vabereki vakapera kufa,” anodaro Docus.

Pane mashoko anoti Adelaide akaberekeswa mweya wengozi yemunhu wekuMozambique.

Mbuya Kapesi vanotsinhira kuti mumusha mavo mune ngozi asi ndokutsengatsenga mukanwa pavakabvunzwa kuti ngozi iyi ndiyo yakaturikwa pana Adelaide here.

Sabhuku wemumusha unogara Fanuel nemhuri yake, VaJoe Mahaja Ngazimbi (78), vanoti nyaya iyi vakangoinzwawo asi vemhuri iyi havasati vaisvitsa kwavari.

Sadunhu Musonza, VaKufandada Musonza, vakatonzwa nezvenyaya iyi neKwayedza vakaratidza kugumbuka zvikuru vachiti sei sabhuku nevemhuri iyi vasina kuisvitsa kwavari.

“Sabhuku uyu nevemhuri iyi ndichavashevedza kudare kuti vatsanangure chakaita kuti vavige nyaya yakadai kwandiri,” vanodaro.

Kune vanoda kubatsira Adelaide vanokwanisa kuridza nhare dzinoti 0777 718 165 kana 0784 948 422.

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>