Uncategorized

mvura yochinja kuita ‘ropa’

20 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
mvura yochinja kuita ‘ropa’

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
VAGARI vekuEpworth, muHarare vari kushamisika zvikuru nekusanduka kwakaita mvura yemudhamu reko iro rinozivikanwa nekuti “Pool of Death” kana kuti Epworth Quarry Dam iyo yava neruvara rweropa mushure mekunge mudhamu umu 20makandwa munhu anofungirwa kuti akapondwa.

Kusanduka kwemvura iyi zvekusara yafanana neropa kwakangotanga nguva pfupi yadarika, zvikasiya vagari venzvimbo iyi vazere nekushamisika zvose nekutya.

Dhamu iri rakavepo kumakore ekuma1960 zvichibva mukucherwa kwematombo ekwari uye rine mukurumbira wevanhu vanofa vachizvikandamo, nevamwe vanoita zvekupondwa.

Mwedzi miviri yadarika, zvinonzi mudhamu iri makaonekwa muine mutumbi wemunhu wechirume apo mvura iyi yakabva yasanduka ikatsuka zvekufanana neropa.

“Panotanga mwedzi waChikumi kusvika Nyamavhuvhu gore roga-roga, mvura iyi inombosviba zvayo asi zvegore rino zvatikunda nekuti yakatosanduka kuita ropa chairo izvo zvatishamisa. Isu tagara tichishandira pano asi hatina kumbobvira takaona zvakadai,” anodaro Steven Muzikola.

STEVEN MADZIKOLA

Mashoko ake anotsinhirwa naTapiwa Chiremo (37) achiti ichokwadi kuti mudhamu iri makanyururwa mutumbi wemunhurume uyo wakange wapedza svondo uchitsvagwa nehama dzake. Ndipo pakazoonekwa mvura iyi yasanduka kuita seropa asi yambenge yakachena.

“Vamwe vari kuti chitunha chemurume anofungidzirwa kuti akafa nekupondwa uyu ndicho chakonzeresa kutsvuka kwemvura iyi sezvo zvichifungirwa kuti mufi uyu aiva neshungu zvikuru,” anodaro Chiremo.

ROBERT HWANDE

Robert Hwande (39) anotiwo nzvimbo iyi isati yacherwa dhamu iri, paiva nekasipiti kaisapera mvura ako kanonzi kaiyera. Pakasipiti aka panonzi paionekwa pakayanikwa machira machena nematsvuku izvo zvinonzi zvaiiswa nenjuzu.

“Hazvichazivikanwa kuti mvura iyi yakatsvukiswa nekuda kwechitunha chakawanikwamo here kana kuti pane chivanhu chiri kuitikawo. Zvave kutoda vakuru vemuno muEpworth kuti vazvitsvage muchivanhu,” anodaro Hwande.

Justin Inga (34) – uyo anoshandira panzvimbo iyi achigeza motokari nekuitawo mamwe mabasa – anoti zvakaitika izvi zvine chirevo pachivanhu, nekudaro zvinoda kuti zvitsvagwe, zvogadziriswa.

“Nzvimbo iyi inoyera, saka zvinofanirwa kuitwa padhamu iri hazvichatevedzwa. Dhamu iri rakagadzirika nekuputika kwakaita mvura ichibva pasi apo paicherwa matombo ekwari. Mvura iyi yakwanisa mwedzi miviri yakangotsvuka sezvamuri kuona izvi,” anodaro Inga.

Timothy Kobeleka (40) anoti mvura iyi yakangotsvuka kubvira pakawanikwa mutumbi wemunhu imomo, asi hakasi kekutanga kuti mudhamu iri munyururwe zvitunha.

“Zvakaitika ndezvekuti kune munhu akaita svondo achitsvagwa nehama dzake ndokuzowanikwa mutumbi wake wayangarara pamusoro pemvura uchibva waburitswa.

‘‘Zvadaro, mvura iyi yakabva yasanduka kuita ropa chairo,” anodaro Kobeleka.

Kobeleka anotizve zvichida kutsvuka kwemvura iyi kune chekuita nesimbi dzinonzi dzakaita ngura dziri mudhamu iri.

“Paicherwa dhamu iri, zvinonzi pane michina inosanganisira magiredha, matirakita, mafoshoro nemimwe midziyo izvo zvakafushirwa pamwe chete nevanhu vakafiramo,” anodaro.

Vamwe vanamati vechechi yepositori vane sowe ravo padyo nedhamu iri – avo vakaramba kutaura mazita avo – vanoti dhamu iri rinogona kunge riine njuzu.

“Vanhu vanozvikanda mudhamu iri hakusi kuda kwavo, vanokwezvwa nemweya nemasaramusi ari panzvimbo iyi saka panoda kugadziriswa neminamato,” anodaro mumwe mudzimai.

Zvichakadai, varume vanoshandira panzvimbo iyi vanoti vanogara vachinunura vanhu vanenge vachida kuzviuraya neku- zvikanda mudhamu iri.

“Chikumbiro chedu ndechekuti kuitwe mapurojekiti emadiridziro mvura ichibva mudhamu iri uye iro rokomberedzwa,” anodaro Hwande.

Sekuru Elisha Mutanga vekuUshewokunze, muHarare vanoti munhu ane mutumbi wakakandwa mumvura umu nguva yadarika anogona kunge akagadzirwa nemishonga kuti anorwisa kune vakamuuraya.

“Inyaya iri pachena kuti hama dzemufi ane mutumbi waiva mumvura umu vakamumutsa kuti anorwisana nevanhu vakamuponda. Kutsvuka kwemvura uku kureva kuti ishungu dzake dzakatanga kutushuka asati aburitswa. Vanhu vakamuponda vatori mudambudziko izvozvi,” vanodaro Sekuru Mutanga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>