Uncategorized

Mwana (12) akazorwa hiv nasisi (32) mubhawa

15 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

PANE mukadzi mukuru akamiswa pamberi pedare reChitungwiza Magistrates’ Courts svondo rapera akatarisana nemhosva yekupinda pabonde nekamwana kane makore 12 ekuberekwa ndokukatapurira utachiwana hweHIV uye vaviri ava vanonzi “vakakechana” murimwe bhawa reko.

Mwana uyu, uyo ari kuita Grade 7 pane chimwe chikoro kuChitungwiza, tichangomuti James sezvo achiri pwere nekudaro anofanirwa kuchengetedzwa zita rake pasi pemutemo.

Mutongi wedare iri, Takunda Mutetwa, akati musungwa Angeline Mawumidza (32) adzoke kudare nguva inotevera apo kutongwa kwenyaya iyi kuri kuenderera mberi.

Mawumidza anobvuma mhosva yake pasina kundandama.

Mawumidza ari kutongwa nemhosva yekupinda pabonde nemwana pasi pechikamu chemutemo weSection 70 of the Criminal Law Codification and Reform Act Chapter 9:23 uye ari kunzi akatapurira mwana uyu utachiona hweHIV zvichibva paongororo yakaitwa nemachiremba.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa30 Chikumi gore rino, mwana uyu aiva pabhawa rinonzi Pagungwa Night Club riri paChikwanha, kwekare kuChitungwiza. Anonzi akazoona Mawumidza uyo akange ari kuzvitambira zvake mimhanzi achibva amukumbira kuti vaende kunosasana mumachira.

Vaviri ava vanonzi vakanoita bonde pane imwe nzvimbo yakahwanda (brothel) iri nechekuseri kwebhawa iri inova isina kunyoreswa zviri pamutemo kuti inge ichishandiswa mumabasa aya.

Mawumidza anonzi akabhadharwa nemwana uyu US$4 pane zvavakaita.

Zvisinei, gure iri rinonzi rakazobuda pachena apo vakabatikidzwa naConstable Dickson Mutonho naConstable Machisa vari mushishi panzvimbo iyi ndokusungwa.

Magwaro ekwachiremba akavheneka mwana uyu akaburitswa mudare seumboo.

Mwana uyu ari kuti akaona mukadzi uyu achitamba mimhanzi mubhawa iro akange achinwira doro achibva akumbira kuti anosasana naye kuseri kwebhawa.

“Pekutanga, ndakaita bonde nemukadzi uyu ndichishandisa kondomu uye ndikazoita zvakare ndisina ndikamubhadhara US$4,” anodaro mumagwaro ake ekumapurisa ayo aakasaina pamberi pemubereki wake sezvo asati abva zera.

Vachipa umboo mudare iri, Const Mutonho vanoti vakange vari pabasa vachimema nzvimbo dzinosanganisira Zengeza 4 neChikwanha pamwe naConst Machisa kuma0015 hrs.

Vanoti ndipo pavakabatikdza vaviri ava vari mushishi vachibva vavasunga.

Mawumidza aifanira kupihwa mutongo wake nemusi weChishanu svondo rapera asi nyaya iyi yakazopfuudzirwa mberi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>