Uncategorized

Mwana (12) orura nekuba mudzimba

04 Feb, 2016 - 22:02 0 Views
Mwana (12) orura nekuba mudzimba Kakomana kekupomerwa kuba kari muchizarira pakamba yeMachipisa Police Station svondo rapera

Kwayedza

MWANA mukomana ane makore 12 okuberekwa anonzi aonesa chitsvuku vagari vekuHighfiled, muHarare, nekuvabira achipaza dzimba nezvitoro aine vamwe.

Svondo rapera kakomana aka kanonzi kakazobatwa mambakwedza kachiedza kuba mune chimwe chitoro chiri paMachipisa nevamwe vako apo avo vakatiza iko ndokuigochera pautsi.

Muridzi wechitoro chaida kubiwa, umo munotengeswa kudya kwakasiyana – cheChief Cateriers, VaJack Garikai Jirimue (28) – avo vanogara panhamba 3127 Old Highfield, vanotsinhira nezvekubirwa kwavakaitwa nekakomana aka nevamwe vako.

“Nomusi weMugovera wadarika ndakashevedzwa naamai vangu kumba kuma6 manheru vachiti vaida kundiwedzera mari yekunohodha zvinhu zvangu. Ndakasiya ndakiira zvinhu zvose muchitoro asi ndakazoshamisika pandakadzoka ndichiwana musisina kana chinhu, zvabiwa zvose. Zvakabiwa zvaikosha $400 uye zvinosanganisira bhatiri remotokari, gas tank, masoseji, nharembozha, mazai, mbatatisi, 30 watts solar panel nemarambi acho nezvimwe,” vanodaro VaJirimue.

Vanoti mushure mekubirwa uku, vakamboenda kuimwe n’anga yemunharaunda asi ichibva kuMalawi ikavati yaikwanisa kuita kuti munhu anenge aba azvimbe dumbu asi ivo ndokuzeza kutora matanho.

“Ndakavhiringika mupfungwa nekuti bhizimusi rangu ndakaona kuti ratoparara.

“Ndaive munhu aimboshanda kuimwe hotera huru muHarare ndichiita zvekubika ndokusiya kuti ndizviitire zvangu.

“Vazhinji vevanonditengera vanhu vemakombi nevamwe uye vanofarira chikafu changu nekuda kwekugona kubika kwandinoita,” vanodaro.

Vanoti nomusi weChipiri svondo rapera vakazosarudza kurara muchitoro mavo vachirindira zvinhu zvavo panove pavakabata kakomana mbavha aka.

“Ndakange ndakarara muchitoro apo ndakanzwa kufamba-famba kwevanhu vachitaura kuti muchitoro umu vakamboba asi mazai vakatadza kuatakura uye vakazosiya zvimwe zvinhu nekuti zvairema.

“Ndakaramba ndichiterera ndokuzomuka ndikaoa kakomana kadiki aka nemumwe wako vaine makii ayo vaiedza kuvhurisa chitoro changu. Ndipo pandakavatandanisa ndichibatsirwa nevamwe vanhu vainge vachakasvinura tichibva tabata kakomana aka ndokukaendesa paMachipisa Police Station. Vamwe vakaive navo vakatiza.”

Kwayedza payakashanyira nzvimbo iyi yakawana kakomana aka kari mumawoko memapurisa.

Vamwe vanhu vemunharaunda ndivo vaiti kakomana aka kanogona kudaro kachitumwa nevanhu vakuru.

“Ndizvo zvinonetsa kana vana vasingaendi kuchikoro, vanoita zvekuba bedzi. Mwana wezera iri kuba kunge munhu mukuru? Ko kuzoti paanokurira?” anodaro mumwe mukadzi wemunzvimbo iyi.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Assistant Inspector Taririro Dube, vanoti vanoda nguva yekumbotsvaga kuti nyaya iyi yakafamba sei.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>