Uncategorized

Mwana (8) anodya rwaivhi

13 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Mwana (8) anodya rwaivhi

Kwayedza

. . . nenhiyo dziri mbishi
. . . zvose nematumbu

IMBOFUNGA izvi. Mwana wako ane makore masere okuberekwa anopota achinovhima marwaivhi musango achiadya ari mapenyu, nekupota achibata hukwana dzehuku achidzidyawo dziri mbishi – zvose nematumbu acho. Kana zvake zvakamubata, mwana uyu anotoda varume vatatu vakasimba kuti vamudzivise zvaanenge achidya izvi.

Iri ndiro dambudziko rakatarisana nemumwe mubereki wekupurazi reMandora, kuBanket, uyo anoti ashaya zano rekuita nemwanakomana wake uyo anodya marwaivhi nehukwana dzehuku zviri zvimbishi. Mwana iyeyu anodyawo tsvina yake pamwe nekuizora pose-pose.

VaGilbert Garufu (35), avo pari zvino vari kugara mumusha weKuwadzana Phase 3, muHarare, vari kutsvaga vanokwanisa kuvabatsira padambudziko rine mwana wavo (zita tinaro asi kodzero dzevana hadzitendere kuti timudome).

Mwana anodya marwaivhi

Mwana anodya marwaivhi

Mwana uyu anonzi zvakare akadya chose chaanenge adya, anozeya achisvipa sezvinoita mombe kana dzimwe mhuka.

VaGarufu vanoti havazive kuti dambudziko remwana wavo richapera sei sezvo vatambura zvikuru vachitsvaga kubatsirwa.

“Mwana uyu, uyo anova wechipiri, anotsvaga marwaivhi mapenyu musango achiadya uye anobata hukwana dzehuku achidya dziri mbishi – zvose nematumbu.

“Iri idambudziko randisati ndamboona uyewo handizive kuti mwana wangu ari kuitwa zveSatanism here, kuroyiwa here kana kuti mabasa emashavi akaipa,” vanodaro VaGarufu vachisiririsa.

Murume uyu anoshandira kuSouth Africa uye anoti akatodzoka kumusha kuti azogadzirisa dambudziko rine mwana wake.

“Izvi zvakatangira kumusha kunogara amai nababa, kupurazi reMandora. Mwana uyu aingoti akaona rwaivhi bedzi, obata obva adya ipapo achitotsenga nekumedza zvekuti vanotya vaitotiza.

“Hukwana dzehuku anoitawo zvimwe chete, anobata odya ipapo achimedza. Kwatinofamba kunotaurwa zvakawanda, kumwe kunonzi mwana uyu akapihwa shavi rehuroyi vamwewo vachiti akaturikwa shavi regudo kana kuti akaiswa chikwambo,” vanodaro.

Mwana uyu, vanodaro VaGarufu, anozeya kudya kwose kwaanenge adya achitoburitsa chinzvinzvi nekumuromo.

Vanotizve kwavanofamba, sekumaporofita nekun’anga, vamwe vanopomerawo hama dzepedyo (mazita tinawo) vachiti ndidzo dzinoziva zvadzakaita mwana uyu pachivanhu.

“Baba vangu, VaDumfah Garufu (67), naamai vangu VaSavy Garufu (61) ndakavataurira kuti kwatinofamba ndinobata zvakasiyana kusanganisira hama dzepedyo, vakati ivo vanotorwadziwawo nezvinoitika kumuzukuru wavo vachiti vakazvipira kuti tifambe tose,” vanodaro.

VaGilbert Garufu vakatakura mwana wavo. — Mifananidzo: Memory Mangombe

VaGilbert Garufu vakatakura mwana wavo. — Mifananidzo: Memory Mangombe

Mwana uyu anonzi ane simba rakapetwa kuita seremunhu mukuru apo anonzi anorwisana nevanhu vanoda kumurambidza kudya marwaivhi kana hukwana.

Zvinonzi panotoda varume vaviri kana vatatu kuti vamutakanure kubva kuzvinhu zvaanenge achidya izvi.

Kunze kweizvi, mwana uyu haagone kutaura uyewo akapedza kuzvibatsira, anodya tsvina yake nekubata achiizora pose paanoda.

“Tsvina yake chaiyo anodya nekutora achinyora angava madziro kana pose paanoda. Mwana uyu azvarwa, akamboda kurakidza kukura zvakanaka sezvinoita vamwe ndokuzotanga kuita zvinhu zvisinganzwisisike.

“Anokwanisa kusimudza mazitombo andinotadza kusimudza ini baba vake wozvishaya kuti ndiye here mwana uyu kana kuti pane zvinhu zvinomugara.

“Kumusha uku ndakasvika achinzi akanga achienda musango achinotakura mazitombo achivhara gomba rechimbuzi kutosvika pakati nepakati,” vanodaro VaGarufu.

Murume uyu anoti ane fungidziro yekuti mwana wake ane zvimwe zvirwere zvingada kuchipatara.

VaGarufu vanoti vakamboenda naye kuzvipatara zvinosanganisira Morgenster, kuMasvingo, kuHarare Central Hospital nekumwe kwakasiyana uko vanoti hapana chirwere chaicho chakaonekwa pamwana wavo.

Kwayedza payakashanyira mhuri yemwana uyu kuKuwadzana nemusi weChipiri svondo rino, yakamuwana aina baba vake. Kakomana aka kaingoimba asi kasingaburitse mazwi zvizere, izvo zvinonzi ndizvo zvakanogara kachiita.

“Mwana uyu angadai asvika Grade 2 asi nekuda kwedambudziko iri, haaende kuchikoro. Izvozvi ndakamutora kuna ambuya vake, ndave kugara naye sezvo ndakadzoka kuSouth Africa. Naamai vake takarambana nekuda kwezvikonzero zvakasiyana ndikazoroora mumwe mukadzi uyo anogashira dambudziko iri,” vanodaro VaGarufu.

Mwana uyu anonzi haakwanise kutaura kana zita rake chairo nemamwe mazwi, kunze kwekuimba chete asi anonzwa.

“Mwana uyu akambozviwidzira muchimbuzi kanokwana kaviri senzira yekuda kuzviuraya achizoburitswa neveruzhinji, zvinoitika pasina amukanganisira.”

Zvakadai, mwana uyu ari kumbobatsirwa kuimwe chechi iri kuHighfield, muHarare.

Vanoda kubatsira mwana uyu vanogona kuridzira VaGarufu nhare panhamba dzinoti 0773 823 128.

 

 

PIX&CAP: Kudya rwaivhi-13/01/17

Gilbert Garufu

Asha Garufu

Baba nemwana

kudya

kunamatirwa-Prophet Hungwe vachinamatira Asha akabatwa nababa vake VaGilbert Garufu

kutakurwa

rwaivhi

nhiyo

Share This:

Sponsored Links