Uncategorized

Mwari vari kuuya muZim musi weChina: Prophet

14 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Mwari vari kuuya muZim  musi weChina: Prophet Prophet Talent Madungwe akamira maanonamatira kuSunningdle 2 muHarare. - Mufananidzo: Shelton Muchena

Kwayedza

‘. . . nengirozi dzavo mbiri’
‘. . . fanoreururai zvitadzo’

MUPOROFITA wemuHarare, wekuti akaenda kudenga kaviri akanoita musangano naMwari mbune, ndokuti zvakare Mwari vachashanyira Zimbabwe musi wa20 Gumiguru – China chesvondo rinouya – haasi kudzokera shure achiti agadzirira chiitiko ichi.Prophet Talent Madungwe (30), wechechi yeDesire of All Nations Ministries iyo iri mumusha weSunningdle, akaudza Kwayedza svondo rino kuti achiri kumira nemashoko ake ekuuya kwaMwari mbune muZimbabwe.

“Sekutaura kwandakamboita, handidzokere kumashure, Mwari vari kuuya. Ndiri kusangana navo svondo rinouya, iri harisi dambe. “Vamwe vangandishora, asi zvemweya Mwari vanotaura nekusarudza wavada. Mwari vari kuuya kwandiri, ndichaonana navo panyama vaine ngirozi dzavo mbiri,” anodaro Prophet Madungwe.

Anoendera mberi achiti: “Mwari pavakanoonana naAbraham vakaenda vari munhu chaiye wenyama kwete mweya, zvinova zvachaitika kwandiri nemusi wa20 October. Kuti vachasvika nenguvai nekuti ndichasangana navo kupi, ndichaziviswa nemusi wa19 October nengirozi dzichabva kudenga.”

Zvakadaro, bhaibheri kuna Genesis 17vs1 rinoti Mwari pavakazviratidza kuna Abraham akadonha pasi nechiso chake kwete kuti akaonana navo panyama. Kuna Genesis 18vs1 zvakare, bhaibheri rinoti Mwari paakazviratidza kuna Abraham, akaona varume vatatu vaive vakamira.

Prophet Madungwe anoti vatumwa vachauya ndivo vachamuudza kwaachaonana naMwari.

“Vanhu ngavareurure zvitadzo zvavo zvose zuva iri risati rasvika. Ini ndakambonoonana naMwari kudenga kaviri vakandivimbisa kuti vachauya kuno apo ndakazopihwa zuva iri remusi wa20 October (Gumiguru).

“Kureurura munhu anogona kuzviita ari kuchechi kwake kana ari oga, angava achienda kuchechi kana asingaende,” anodaro Prophet Madungwe.

Prophet Madungwe anonamatira paimba iri panhamba 15172 mumugwagwa waFive Close mumusha weSuningdale 2. Kubva pakaburitswa nyaya yemuporofita uyu kekutanga muKwayedza chipo chemwedzi miviri yadarika, vamwe vakuru vemachechi neveruzhinji vari kumushoropodza vachiti murwere wepfungwa.

Asi vamwewo vanoti vanhu ngavamirire kutanga vaona kuti zvaanotaura zvekushanya kwaMwari muZimbabwe zvichaitika here kana kuti kwete. Veruzhinji vamirira uye musi weChina svondo rinouya hakusisiri kure. Musapotse Kwayedza rinotevera!

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>