Uncategorized

N’anga dzakonzeresa!

17 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
N’anga dzakonzeresa! GUVA raMagarate Ndlovu

Kwayedza

GUVA raMagarate Ndlovu

GUVA raMagarate Ndlovu

BHOKISI rainge ravigwa riine chitunha rinonzi rakazofukunurwa nen’anga muimba yekubikira pamusha weimwe mhuri kuKasimhure, kwaShe Mujinga, kuKaroi rikawanikwa riine nhengo dzemunhu munyaya yasiya vagari veuku vasina kugadzikana.

Mashura aya anonzi akaitwa pamba paVaJephrey Kamini (74), kuVillage 26 papurazi reLazy 5, apo vana Tsikamutanda vanozviti Sekuru Gurajena naSekuru Gava vaiti vaichenura nzvimbo iyi.

Mabasa en’anga idzi, idzo dzisingatsigirwe nemutemo wenyika ino, asiya dzimwe mhuri dzisisawirirane uku.

Mune imwewo nyaya yava kumatare edzimhosva, pane murume wekwaChundu, kudunhu rimwe chete iri, ari kunzi akadzika muvakidzani wake demo nemusi weChitatu svondo rapera ndokubva afa pekarepo, mushure mekunge amunenera kuti ndiye aimuroya zvose nemhuri yake. Izvi zvinotevera kunangwa kwainge kwaitwa nyakupondwa uyu nen’anga dzimwe chete idzi.

Wilson Mupakati (53) akamira mudare rekuKaroi achipomerwa kuponda mushakabvu akangozivikanwa saChirumezani apo aimupomera kumuroya achibva angomudzika demo ndokufa pakarepo.

N’anga idzi dzinonzi dzakasvika munzvimbo iyi mushure mekunge kwafa mumwe mwanasikana wemo, Magarate Ndlovu (22), uyo anonzi haana kurwara asi kuti akangopunzika ndokufa. Bhokisi rakafukunurwa iri rakanzi ndiro raiva ravigwa riine mutumbi waMagarate umo makazowanikwa ura hunyoro hwemuchakabvu, chitaka chinyoro, madreads emufi, ruwoko rwainzi nderwemunhu, dzimwe nhengo dzakasiyana nejira rainzi ndiro raakavigwa naro.

Izvi zvinonzi zvakaitwa baba vepamusha apa nemudzimai wavo, Madeline Moffat Manhanga (68) varipo pamwe chete nemhomho yevanhu vaidarika 300.

Kabhokisi kakawanikwa aka kaiva kemapuranga, kaine mibato uye kanonzi kakawanikwa kakachererwa muimba yekubikira pamusha apa.

N’anga idzi dzinonzi dzakati mhuri iyi yakange yachererwa bhokisi iri pamusha payo nevavengi.

VaKamini vanoti vainge vakaungana kunhandare kwaiva neruzhinji uko vanhu vanonzi vaichenurwa ndokuzongoudzwa kuti kune chinhu chaida kunobviswa kumba kwavo.

“Takasvika pano pamusha n’anga idzi ndokumhanya mudzimba dzose. Vakapinda muimba yekubikira ndokutanga kuchera nemukati ndokuzochera nekunze vakaburitsa kabhokisi aka. Kainzi kaiva nenhengo dzemunhu akafa, kukazonongedzwa mudzimai wemuno akanga achangofa kuti raiva bhokisi raakavigwa naro nematumbu ake kusanganisa nemadreads aakafa ainawo,” vakadaro VaKamini.

Murume uyu anoti haana kumbogutsikana nazvo sezvo asina ruzivo nezvinhu zvakabviswa izvi.

“Ndaifunga kuti vanhu ava vaibvisa pachena asi ndakazonzi ndibvise $300 ndikakwanisa kuwana $260 nembudzi mbiri izvo ndakabvisa ndokusara mumba mangu muine nzara. Mari takatoita yekukwereterwa nevana. Izvozvi kana sauti mumba muno hamuna, mari yakaenda nanaTsikamutanda ava,” vakadaro.

Mudzimai wavo anoti havana rugare nekuda kwenyaya iyi, iyo yakavavenganisa neveruzhinji.

Muroora wemhuri iyi, Zivanai Malunga (23), anoti hapana chokwadi pane zvaiitwa nen’anga idzi asi kuti vaingobira vanhu mari.

“Hapana chokwadi chaiitwa apa nekuti vamwe vanhu sesu vechidiki taidzingwa tichinzi tisaone zvaiitika. Bhokisi iri ratorwa, rakazonopiswa kunhandare kwaiva nevanhu,” akadaro Malunga.

Sabhuku wenzvimbo iyi, VaShacky Simalungu (62), vanoti vanogutsikana nebasa ranaTsikamutanda ava.

“Bhokisi iri rakacherwa ini ndirimo. Maiva nekamusoro, chanza cheruwoko rwemunhu, kadeheny’a, chiropa chemunhu, nemadreads ainzi emunhu aakafa anawo nejira jena. Hakuna akapokana nazvo,” vakadaro.

Mwana wavo, VaLucky Shacky (38), vakati mafambisirwo akaitwa nyaya nen’anga idzi chaiva chokwadi pasina hutsotsi.

“Pane mudzimai akabva kumurume wake kuHarare achiuya kuvabereki vake kuno ndokusvikofa zvisinganzwisisike, ndiko kushevedzwa kwakazoitwa n’anga Gurajena, ikabata zvakawanda muno,” vakadaro.

Mai Granny Simalungu (49), avo vanova mudzimai wasabhuku, vanoti havana chitsotsi chavakaona pan’anga idzi.

Baba vemushakabvu, VaShepherd Ndlovu (40), nemudzimai wavo, Mai Loice Karikoga, vanoti bhokisi rakacherwa naTsikamutanda nezvose zvaiva mariri ndezvemwana wavo. “Isu takatsvaga Tsikamutanda uyu taona mafiro emwana asina kujeka, akangopunzika apo aiwacha manapukeni emwana isu tikazosvika pano afa. Taendesa chichemo chedu, ndipo pakazonzi nevakuru n’anga iyi iuye ichenure musha wese,” vakadaro VaNdlovu.

Vanoti vanhu vaibatwa vachibvuma zvinhu zvavo pasina kumanikidzwa.

“Murume uyu achisvika pano akasvikoti muguva ratakaviga mwana maisava nechitunha achiti chakatorwa mukangosara chimumvuri, zvichibva zvazoteverana nekufukunurwa kwebhokisi iri,” vakadaro. Magarate aive akaroorwa naTakesure Mazvidza uye vaive nemwana mumwe chete. Zvisinei kuti n’anga dzinoti guva remushakabvu uyu rakafukunurwa mutumbi nebhokisi zvikatorwa, pakashanyirwa nzvimbo iyi neKwayedza, yakaona pasina pakange pakafukunurwa sezvinotaurwa.

Nyaya iyi inonzi yakazosvitswa kumapurisa n’anga dziye ndokutanga kuramba zvose zvakange zvaitika. Kwayedza haina kukwanisa kutaura nanaTsikamutanda ava.

Assistant Inspector Ian Kohwera, avo vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, vakatsinhira nyaya iyi vachiti vanaTsikamutanda ava nevavanoshanda navo, kusanganisira vanhu vemumusha uyu, kwakabviswa bhokisi nekwakafiwa kwacho vakatombotorwa nemapurisa ndokubvunzurudzwa vakazoregerwa.

“Mutemo wenyika ino haubvumidze hutsikamutanda, takavasunga vakazoregwa. Asi dambudziko riripo vamwe vanhu vari kutambira zvinoitwa nanaTsikamutanda vachiti ndezvechokwadi,” vakadaro Asst Insp Kohwera.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>