N’anga nemaporofita voyambirwa

16 Apr, 2015 - 00:04 0 Views
N’anga nemaporofita voyambirwa

Kwayedza

Memory Mangombe
N’ANGA nemaporofita vari kuyambirwa kuti vaite basa ravo nemazvo pasina kumbunyikidza varapwa uye nekuona kuti nzvimbo dzavanoshandira dzakatsvinda kuitira kudzivirira kupararira kwezvirwere.

Kurudziro iyi yakaitwa naSadunhu Musonza vekuGoromonzi, VaKufandada Rodgers Musonza (61) pamusangano wakaitwa pakati pevatungamiriri vematunhu nen’anga nemaporofita muHarare nguva pfupi yadarika.

“Dzimba dzenyu dzamunoshandira ngadzive dzakatsvinda, dzakachena kuitira kuti musaise utano hwevarapwa panjodzi,” vakadaro Sadunhu Musonza.

“Mukaona muine zvirwere zvamusingagone kurapa munofanira kubuda pachena moona kuti varwere ava vaenda kuzvipatara.”

Vanoti zvakakoshawo kuti n’anga nemaporofita vakurudzire vanhu vavanenge vachibatsira kuti vaongororwe ropa kuti vazive pavamire maringe neutano hwavo panyaya dzeHIV neAids.

Sadunhu Musonza vakashora tsika inoitwa nevamwe vanachiremba vechivanhu yekumbunyikidza vanhukadzi kuburikidza nekuvabhinya kana kushandisa dzimwe nzira dzisina tsarukano apo vanenge vachinyepera kuti vari kuvabatsira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>