Uncategorized

‘Ndava churu chakapinda nyoka’

24 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

Orpah Mukotekwa
SHOROMA yekuendeswa kudare neaimbova mukadzi wayo achida mari yemendenenzi yakasetsa vanhu apo yakati yave churu chakapinda nyoka sezvo isisina mari uye iri kutochengetwawo neshamwari.
Grace Nhemachena akaendesa aimbove murume wake, David Makota, kuHarare Civil Court achida $500 yemendenenzi yekuriritira vana vake vaviri. Anoti murume uyu anoda kurarama upenyu hwejaya nehweshoroma achikanganwa mhuri.

Nhemachena akaudza dare kuti: “Baba ava vanorarama upenyu hwepamusoro-soro asi havadi kuriritira mhuri yavo. Munhu anotengesa malaptop nembozhanhare zvekuti ndinotozviziva kuti mari anotowana inodarika $1 000 pamwedzi.

Ane mukurumbira mubhizimisi rake zvekuti haaziriye wandingatarisira kutadza kuchengeta mhuri yake. Semunhu wandaimbogara naye, ndinoziva chokwadi chake chose.

“Dambudziko guru riri paari nderekuti anoda kuzviita jaya ozodyirwa mari yake yose nevasikana.
“Murume uyu ane dambudziko rekuti ane marambadoro, akabata mari haazomboziva zvaanenge achiita.

“Saka doro ndiro rakakosha kudarika vana vake here? Vana vanofanira kurarama upenyu hwakanaka sezvo baba vavo iri shoroma.”

Makota akati haakwanise kubhadhara mari yaidiwa naNhemachena sezvo ava kutochengetwawo neshamwari yake.
“Ini mari yaari kutaura handiikwanisi sezvo ndangove munhu ari kutochengetwawo neshamwari. Ndiri kukumbirisawo kuti ndimubhadhare $50 sezvo ndisisina pangu chaipo pandinoti ndipo pandiri kuwana mari.

“Hongu, ndaimbotengesa malaptop nembozhanhare asi nekuoma kwaita upenyu handisisina mari yekuti ndienderere mberi nekabhizimisi aka,” akadaro Makota achinzwisa tsitsi.

Mutongi Barbra Masinire akati Makota abhadhare $180 yevana vake vaviri uye Nhemachena aifanira kubatsirawo nekuti vana vanofanirwa kuchengetwa nevabereki vose.

Share This:

Sponsored Links