Uncategorized

Ndichamuimbira kambo: Kapfupi

14 Apr, 2017 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MUIMBI ane mukurumbira uye ari mutambi wemusara (dhirama), Freddy “Kapfupi” Manjalima, anoti ane hurongwa hwekutsikisa kambo kari pamusoro pekunangwa kwaari kuitwa huroyi nemumwe wake, Charles Milisi “Marabha” Muparume.

Marabha anoti pane mweya unomubata apo muviri wake unosanduka kuita sewechimhuka, nzara nemawoko ake zvoreba kuita sezvegudo uye muromo uchienda parutivi, izvo anoti zvinokonzereswa naKapfupi.

Asi Kapfupi, uyo anoimba nechikwata cheOrchestra Ndozvo, ari kurambisisa huroyi hwaari kupomerwa uhu achiti zvichida Marabha ave murwere wepfungwa zvichitevera kurohwa kwaakaitwa mumusoro ndokukuvara zvakanyanya gore rapera apo aive kubhawa nepfambi.

Kapfupi anoti ari kuronga kutsikisa kambo nekuda kwekunangwa kwaari kuitwa huroyi naMarabha.

“Kambo zvako kari pachena kare, kanongoda kuti ndikwenenzvere nekuti mashoko ndinawo kare. Ndichaimba imi vatori venhau makatanga kuti nyaya iyi isvike kwandiri nekuti ndaiva murima kudai pasina imi.

“Ndozopinza mweya inonzi inotaura ichibva kuzvidhoma kana kuti zvishiri, tocherechedza huchokwadi nenhema zvinogona kubva panyaya dzekuti mweya unotaura pamunhu uchinongedza mumwe munhu,” anodaro.

Obvunzwa kuti kuwirirana kwake naMarabha kwakamira sei zvichitevera nyaya iyi, Kapfupi anoti chido chake ndechekuti vabatane zvakare vagoimba vose.

“Chokwadi ini kunotsvaga zvidhoma zvekutenga, kutengera Marabha? Kana neni ndinenge ndave kupenga,” anodaro. Pasi pemutemo, munhu anopumha mumwe huroyi bedzi ndokunge aine humboo hwakazara nekuti kana asina zvinogona kumuzvimbira iye.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>