Uncategorized

Ndichiri mhandara pa43

27 Feb, 2015 - 00:02 0 Views

Kwayedza

KWAMURI tete,
Makasimba here tete. Ndiri mudzimai ane makore 43 okuzvarwa, ndiri kuZvishavane munyika yaShe Masunda, mubhuku rokwa Gore Matava.
Muhupenyu hwangu handina kumboziva chinonzi murume panyika. Vose vaindipfimba vaingondisiya. Pane vaviri vakandiudza kuti chiso changu chinoita chemurume mukuru ane ndebvu chena panguva yekudanana. Amai vangu nyaya iyi vaiiziva uye zvakaitika ndiri mudiki. Amai vakashaya gore ra2013 vakandisiya ndiine dambudziko iri.
Ndambofamba asi nazvino ndiri ndoga uye mhandara izere. Ndibatsirewo kana paine vangazvigona ndatambura vehama

Judith.
Zvishavane.

MHINDURO:
Dambudziko rako muzukuru rinorwadza uye riri kusangana nevana vakawanda mukurarama. Vanonyengerwa nen’anga kuti ukashandisa mwana wako unobudirira mune chose chaunoita.
Sezvo wati amai vako vakafa, chiramba uchifamba asi uri wega, utsvage n’anga dzinopa mhiko dzakadaro ndidzo dzinokwanisa kubvisa izvozvo.
Chimboona vekusangano ren’anga reZINATHA vanokuratidza vane magwaro ekuita zvinhu izvi. Asi kana wagadzirwa wotosimba kunamata, famba wakashinga zvinoita uchitozoroorwa muzukuru.
Kunyora kwawaita hauna kutaura kuti baba vako unovaziva here. Kana usingazive kumusha kwababa vako dzimwe nguva zviri kubva kumusha kwababa vako.
Saka zvakakosha kuti uzive baba vako mumwe musi vanenge vaine zvavakazviitira kuti udaro.
Zvichida vaida kuti udzoke mumusha ubve kuna amai vako. Tsamba yako haina kujekesa zvizhinji.
Tete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>