Uncategorized

‘Ndinohayisa zvidhoma, sandawana’…Ndine zvekupfumisa, kuuraya’ …‘Ukasabhadhara unoona moto’ …‘Inhaka kuvana vangu’

19 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
‘Ndinohayisa zvidhoma, sandawana’…Ndine zvekupfumisa, kuuraya’ …‘Ukasabhadhara unoona moto’ …‘Inhaka kuvana vangu’ Boroma Timanimoto

Kwayedza

Kingstone Mapupu
N’ANGA yekwaKaterere, kuNyanga North, mudunhu reManicaland, iri kubuda pachena kuti ndiyo inopa vanhu zvidhoma kana zvikwambo zvinokonzera matambudziko mumhuri uye mamwe emaporofita makuru emuno anoenda kwairi vachinopihwa masimba ekuti vaite mashura nezviratidzo. Sekuru Boroma Zefa Timanimoto (103), avo vakazvarirwa muZimbabwe asi vachibva kuTete, kuMozambique, vanoti vane mishonga inokwanisa kubata mbavha pamwe nevaroyi uye vane mukurumbira mukuru munzvimbo iyi.

Pamusoro pezvo, vanoti chitopota panyaya dzerukawo. N’anga iyi inomboshandirawo muChitungwiza. “Ndakazvarirwa kuKadoma ndichinzi Boroma Timanimoto Zefa asi kumusha ndichibva kuMigali, kuMozambique pakati peTete neGulu. Ndakatanga kurapa mugore ra1960 apo ndakakwatuka muviri wose sendaiva nemapere mbudzi ndikaita bofu kwegore kudzimara vabereki vangu vataurirwa kuti sekuru vangu, VaZefa, vaida kusvika pandiri. Pakazobikwa doro, ndikatanga kurapa,” vanodaro vakazembera hungwanda-ngwanda hwemishonga.

Boroma Timanimoto

Boroma Timanimoto

“Hakusi kunyepa kana kuti kufungidzira, kuti ndinopa vanhu zvikwambo kana kuti zvidhoma. Ndinokupa zvaunenge wakumbira towirirana, iwe wonoita mari nazvo. “Zvakafanana nekuti munhu akaenda muchitoro achinotenga pfumo kana demo, vechitoro vanomutengesera asi zvaanozonorishandisa mberi ndezvake, kungava kutemesa miti, isarudzo yake,” vanodaro.

Vanoti munhu wavanenge vapa mishonga anofanira kuzodzokera kwavari kunobhadhara sekuwirirana kwavanenge vaita. “Nyaya hombe ndeye kubhadharana kwedu, unofanirwa kuzadzikisa nekuzobhadhara mishonga yangu. Ukarega munopedzerana, une zvaunosangana nazvo. Paunozouya ndinokuripisa nekuti unenge uchishandisa mishonga yangu kuita mari pasina chawandipa.”

N’anga iyi inoti, sezita rayo rekuti Timanimoto, iro rinoreva kuti dzimai moto, inodzimura matambudziko evanhu. “Maporofita enyu makuru muno vanouya tichivapa masimba,” vanodaro. Mimwe mishonga yavanopa vanoti ndeye vanhu vanoda kunotsvaga goridhe kunzvimbo dzakasiyana sekukorokoza.

Sekuru Timanimoto vanoti vakambogara kuNyakadecha, kwaMutoko nekuMozambique. Vanotizve inyanzvi mukupa rukawo rwekusunga varume kana vakadzi vanoita zvegumbo mumba, gumbo panze. “Kurega zvako mudzimai kana murume achiita chipfambi kuda. Ini ndinosunga zvachose. Kune wekuti murume anofira ipapo. Iye munhu isawo juraworo musha wako, hapana chakaipa!” vanodaro.

Vanoti vanopinga misha, kutandira ngozi, kuuchika madzimai, kusimbisa misana nezvimwewo. “Munhu akasungwa kana nemhosva ipi kwandiri harisi dambudziko, anobuda takugadzira muviri wako, mushonga wekutsvaga basa uripo zvakare.”

Sekuru Timanimoto vanoenderera vachiti: “Kana munhu afa achiita zvekuuraiwa, tinomutsa mweya wake otanga kurwisa asati avigwa, kune vanenge vakaroiwa tinodzosera.” N’anga iyi inoti yakatopa nhaka yehugodobori kuvanakomana vayo.

“Hanzvadzi yangu, Mai Bvunzani Ennie Timanimoto, vanorapa nemumwewo mudzimu. Ini ndaiva nemadzimai mana, vamwe vakafa kwasara mumwe chete uye ndine vana 21. Upfumi ndine makombi maviri nemombe 56 nerori neimwe motokari diki,” vanodaro.

Vanogara nevakomana vanovabatsira basa vanonzi pachivanhu vanamakumbi vanoti Denny Kandiyero (19) naBlessing Mususa (19). Kwayedza yakanosvika kumusha kwaSekuru Timanimoto ikaita hurukuro nemwanakomana wavo, Peter (39). Peter anogara nevamwe vemumhuri yavo avo vanomirira vanhu vanoendako vachinodzosera mishonga yavanenge vakatora kana kubhadhara muripo.

“Hazvina mhosva kuti baba vari kuHarare, basa rinoramba richifamba kuno. Vanhu vanouya vachidzosera mishonga yavo vamwe vachiripa nezvakasiyana. Baba vari kuHarare asi kuno basa riri kufamba sezvo Jephres Timanimoto, mumwe mwana wababa, ava kuziva zvose zvekurapa,” anodaro Peter.

Pamusha apa pari kugarawo hanzvadzi yaSekuru Timanimoto, Auxillia Timanimoto. . Tiudzei zvamunofunga nenyaya ino panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links