Uncategorized

Ndinoroya nagogo: Mwana (10)

10 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
Ndinoroya  nagogo:  Mwana (10)

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
KAMWANA kasikana kane makore gumi ekuberekwa kachigara kuMaramba, kuMutawatawa kanoti kanoroya zvemberi naambuya vako apo chikwata chavo chinobhururuka chiri murusero vachinofukunura makuva umo vanotora nyama yezvitunha vachidya iri nyoro kana kuita chimukuyu.

Mwana wekwaMambo Chirinda uyu tichangomudura zita rake saSylvia nekuti pasi pemutemo anofanira kuchengetedzwa sezvo achiri pwere.

Sylvia anoti ambuya vake — amai vaamai — vanomutora nerusero husiku vaine vamwe vavo, madzimai mana nemurume mumwe chete, voenda kunofukunura makuva.

Mumwe wevanhu vakafa vane zvitunha zvakadyiwa ndechaamai vekamwana aka — achiti, “Gogo vakabuda muguva ramhamha vakabipitira chidya tikachidya chose”.

Anofumurazve ambuya vake achiti vane imwe nyama yevanhu yavanochengetera pamusoro pemba yavo.

Zvisinei, ambuya vemwana uyu vari kuramba zvavari kupomerwa nemuzukuru wavo.

Sylvia ari kuita Grade 3 pachimwe chikoro chiri kudunhu iri uye akafirwa naamai vake — avo vaanoti nyama yechitunha chavo yakaitwa hudanzu hudanzu kudyiwa nevaroyi.

Mwana uyu anoti iye haapihwe mukana wekunyatsodya nyama yevanhu sezvo ichibvubvudzanwa nevaroyi vechikuru.

“Ambuya vangu vanouya mazuva ose huri husiku, pakati paho, vaine rusero nevamwe vavo. Vanosvikopinda mumba dhoo rakavharwa — hamheno kuti rinovhurika sei — rusero rwotenderera ini ndobva ndakwidzwa totoenda kumakuva.

“Ini ndini ndinopihwa shamhu yekurovesa guva, robva avhurika. Ambuya vanobva vapindamo, vanozobuda nenyama. Vangobuda muguva, rinobva ravharika, nyama yacho yonodyirwa kumba kwagogo,” anodaro Sylvia.

Musikana uyu anoti pavanonoroya, iye anenge akapfeka asi ambuya vake nemamwe madzimai nemurume mumwe chete vanenge vari musvo.

“Rimwe guva ratakavhura nderaamai vangu. Gogo vakapindamo vakabuda vakatakura chidya chechitunha chamhamha vangu icho chakanodyirwa kumba kwaambuya chikapera zuva rimwe chete.”

Sylvia anotiwo pachisuvi chemba yekubikira yaambuya vake pane chimukuyu chenyama yemunin’ina wake uyo akashaika, icho anoti ambuya ava vanodya voga pavanenge vanzwa nhomba yenyama.

“Tinoenda kumakuva kwakawanda uko ndinosvikorova makuva neshamhu achivhurika. Ambuya, dzimwe nguva vachibatsirwa nevamwe, vanopinda muguva vachibuda vakabipitira nyama dzandinotoziva kuti ndedzevanhu.

“Kumakuva mazhinji kwatinoenda handikuzive, kure sitereki zvekuti kana imi nemota yenyu iyi hamusvike (kureva mota yeKwayedza),” anodaro Sylvia.

Mwana uyu anoti dzimwe nguva vakuru vake vakasvika kuzomutora vachida kunoroya, ambuya vake nevamwe vavo vanotanga vamudzvanya-dzvanya dumbu rake, izvo anoti haazive kuti vanozviitirei – vozomukwidza murusero voenda naye.

Anodura mazita evamwe vanhu vaanoti vari muchikwata chevaroyi ichi.

“Pakudzoka, tinotanga tasiya vamwe vose, ambuya vozogumisira neni sezvo vari ivo mutyairi werusero urwo rwavanogara narwo kumba kwavo. Vanongosvikopinda neni mumba vanhu vose vakakotsira sematorero avanondiita, hapana anozviona,” anodaro mwana uyu, baba vake vagere pedyo.

Sylvia anoti anoona zvimhuka pamba pevabereki vake izvo asingazive kuti imhuka rudzii.

Mwana uyu anonzi ava nemakore mashanu achitambudzwa nenyaya dzehuroyi uye ari kuchengetwa naamaiguru — mudzimai mukuru wababa vake — sezvo amai vekumubereka vakashaya.

MATIVENGA MAZVIITIRENI

Ambuya vaSylvia — vanova vari kupomerwa kuti vanonoroya nemwana uyu avo, vatichangodura saMbuya Mativenga (65) — vanoramba mashoko ekuti vari pamberi panyaya dzekuroya.

“Nyaya iyi itsva kwandiri, handizvizive. Ndinonamata, kuroya inini? Saka ndave kuona muzukuru wangu asisauye pano nhai? Inga wani akauya pano ndinomupa mari yekuenda nayo kuchikoro.

“Mwana wangu (amai vaSylvia) akafa abviswa chinhu chihombe mudumbu icho chaida kuendeswa kunoongororwa kumhiri kwemakungwa. Ini chaiye kufamba nerusero ndichiroya kupi ikoko? Ndiyani adaro?

“Ko inga wani vana vangu vapera kufa, ndasarirwa nemumwe chete bedzi! Zviri kubva kupiko izvi?” vanodaro Mbuya Mativenga.

Baba vaSylvia, avo vatichangoti Masimba (46), vanotsinhira zviri kuitika kumwana wavo vachiti akangotanga kutaura kuti anotakurwa nerusero naambuya vake nevamwe varoyi vachienda kumakuva.

“Mudzimai wangu mudiki, amai vemwana uyu, akashaika mugore ra2015 asi tainge tasiyana apo akangotiza pano pamusha ini ndiri kubasa. Paakashaika, aigara nemwana uyu kumba kwaamai vavo uko kwakazodzoka mwana uyu ava kutaura mashoko anotyisa aya,” vanodaro.

Babamukuru vaSylvia, Timothy (55) vanoti dambudziko rine mwana uyu rave kuda kuti vabatane pakumubatsira.

Mashoko avo anotsinhirwa nevamwe babamukuru vemwana uyu zvakare, Takawira (51).

“Tinoda kuti shavi riri pamwana wedu ribviswe, akwanisewo kurarama sevamwe. Kuchikoro chaiko anonzi hapana zvaari kuita. Angadai ava Grade 5 asi dambudziko iri ramudzosera kumashure zvikuru,” vanodaro. Mumwe babamukuru waSylvia, Tambaoga (59) anoti chava kungodiwa bedzi kuti shavi iri ribviswe pamwana wavo.

CHAMUNORWA CHIMUTI

Hanzvadzi yaSylvia, Chamunorwa anoti zvinovarwadza kuti mwana uyu, nezera rake, apinzwe muchikwata chevaroyi.

“Vaya vatinonzwa nembiri vachinzi vane masimba dai vatibatsirawo Sylvia abviswe shavi riri paari. Hakusi kuda kwake asi kuti zvinhu zvaakangoberekeswawo,” anodaro.

Amaiguru vemwana uyu avo vaanogara navo, Maidei (42) vanoti Sylvia ava nemakore mashanu achitaura nyaya iyi.

“Nyaya iyi yakatanga ichitaurwa nevamwe vana vaanotamba navo vachiti ndizvo zvaanotaura, kudzimara akazobvunzwa nababa vake nesu ndokutaura zvose. Hanzi ndinomutswa naambuya vachimutakura nerusero kunoroya. Anotiwo aimbopihwa mushonga naambuya vake wekuti ini ndife, uyo waifanirwa kuiswa mumba yandinorara,” vanodaro.

Vanoti mushonga uyu haana kunouisa mumba maakanga anzi aise asi kuti akaurasira mumugwagwa.

“Kuchikoro mwana uyu haagone, anobvarura mabhuku nekurasa zvinyoreso zvinoreva kuti pfungwa dzake dziri kushandiswa. Anotaurawo kuti mumwe mwana akafa mumusha muno ndivo vakauraya, nyama yake vakadya,” vanodaro. Sekuru Bonface Katerere vekwaMashambanhaka, kuUzumba vanokurudzira vemhuri yaSylvia kuti vafambe muchivanhu nemwana uyu.

“Mashavi ehuroyi anonzvenga, haataure chokwadi saka vanhu ava ngavafambe. Mwana uyu ane dambudziko izvo zvinoda kuti shavi iri ribviswe nekuti huroyi hwakafanana nengozi, haitange nekudura asi kuti inombonzvenga,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>