Uncategorized

‘Ndinoyamwisa zinyoka’ ‘. . . uku ndakakombwa netusvava tutsvuku’

28 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
‘Ndinoyamwisa zinyoka’ ‘. . . uku ndakakombwa netusvava tutsvuku’ NETSAI CHIKOMO (KURUBOSHWE)

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
VAKADZI vatatu vemhuri imwe chete vekuDema, kwaSeke, havana rugare — mumwe wavo anorota achiyamwiwa nenyoka apo vamwe vaviri vacho vanoona njuzu pose pavanoenda kurwizi kana kudhamu reko izvo zvavasiya vazere nekutya.

Vatatu ava — Eunice (38), Nyarai (37) naNetsai (34) Chikomo —vanoti vatambudzwa nezviri kuitika kwavari zvekuti havachaziva zvekuita.

Vabereki vavo vose vakafa.

Nyarai anoti anorota achiyamwisa zinyoka rinenge rakaita hata kuungana, pamwe pacho akatoribata mumawoko kana akaitakura apo rinenge richichinjanisa kumuyamwa mazamu ake ose.

EUNICE CHIKOMO

Panoitika izvi, anozofuma achirwara nekujuja mukaka asi asina mwana mucheche waanoyamwisa.

“Zuva roga-roga ndinorota ndichiyamwisa zinyoka, richitoita semwana wangu uye ndinenge ndakakombwa netuvana tucheche tutsvuku-tsvuku,” anodaro Nyarai.

NYARAI CHIKOMO

Eunice naNetsai vanoti pose pavanoenda kana kudarika nekudhamu reDema, vanoona njuzu dzichivashevedza kumvura.

“Ndikangoenda chete kudhamu uku ndichida kunowacha kana kuraura hove, ndinotanga nekuona chamupupuri chinouya chakandinanga, ndobva ndazoona munhu mukati macho uyo anonditi tipinde mumvura.

“Dzimwe nguva munhu uyu anopinduka kuita zinyoka hombe rinozoguma rozvonyongoka richienda, pamwe richimbondicheuka kusvikira rapinda mumvura kana mutsanga,” anodaro Eunice chiso chake chakazara nekutya.

Netsai anotsinhira mashura aya achiti iye anoonawo njuzu kudhamu riri pedyo nemabhizimisi epaDema iri.

“Dambudziko raEunice nerangu zvimwe chete. Tikaenda kana dai tiri tose tinotanga kuona chamupupuri ichi, tozoona munhu kana vanhu mukati memhepo iyi asi vari mudenga. Tinotonzwa tichidevedzwa kuti, ‘Hendei mumvura’. Seni, pamwe pacho ndinodavira ndichiti vasiyane nesu, chamupupuri ichi chobva chaenda. Ndipo patonozoona nyoka hombe yatisingaone kwainogumira muswe wayo nekukura. Asi musoro une maziziso mahombe, matsvuku unenge wakatitarisa,” anodaro Netsai.

Vaviri ava vanoti vakagumisira kuona njuzu mbiri kudhamu iri svondo rapera.

KwaSeke kunonzi kunombotorwa vanhu nenjuzu. Vobvunzwa kuti ko vanoendereri kudhamu iri, Netsai anoti: “Iye zvino tave kutya kuenda kudhamu iri, tave kuwachira nekugezera kubindu.”

Share This:

Sponsored Links