Uncategorized

Ndiratidze munhu asina chaari kutsvaga

13 Oct, 2017 - 00:10 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa —
NDIRATIDZE munhu asina chaari kutsvaga ndigokuratidza chitunha! Munhu wese zvake ane chaari kutsvaga, zvekuti chinhu ichocho chaari kutsvaga chinotombomushaisa hope. Anenge achifunga kuti kana azochiwana, hupenyu hunenge hwatumbuka maruva.

Izvozvi mumwe ari kutsvaga mukadzi wekuroora, chero akamboroorwa kana asina. Mumwe ari kutsvaga basa, chero rekutsvaira kana rekufoshora. Mumwe ari kutsvaga mari, mumwe achitsvaga shamwari. Shamwari dzakanaka nekuti dzinokunda mari. Shamwari dzinobatsira, nekuti kana usina shamwari uri murombo.

Asi hushamwari hwandiri kureva hahusi hushamwari hwahwindi nemapasenja.

Kutsvaga shamwari hakuna kuipa, asi hushamwari hwakanaka hausi hwepaFacebook. Hushamwari hwepaFacebook hupenzi chaihwo, nekuti rimwe zuva ndakasangana nemumwe munhu achibva anditi, “Ndimi VaMabasa? Ndiri shamwari yenyu yepaFacebook.”

Zvino kana tiri shamwari pa- Facebook, asi tisingazivane kana tichinge tazoonana hatisi mapenzi here? Humwe hushamwari hunopedza power setishu rakandwa mumvura.

Chete vazhinji vedu tiri kushandiswa nenyika inongoramba ichititengesera wivhi dzatinosonerera, totanga kuzvida, dzotanga kutivava, asi isu toshingirira kuchena, tozopedzisira takundwa nadzo, todzibvisa. Vazhinji vedu tiri kutsvaga mari, kana taiwana toenda kunotenga zvatinoda nezvatinofunga kuti zvinotiita kuti tityise, tidiwe kana kuti tipihwe zvigaro.

Asi patinenge tichitsvaga, varikowo vamwe vakaneta nekutsvaga zvatiri kutsvaga, zvekuti vakationa tichitsvaga marara atiri kutsvaga vanotinzwira tsitsi. Vanotinzwira tsitsi nekuti naivowo vakanga vachitsvaga marara, vakazoona kuti marara.

Muhupenyu huno kune vamwe vanhu vachafa vachingotsvaga. Vachatsvaga sekombi iri kutsvaga vanhu pese-pese zvekuti inopedzisira yamirira nyangwe munhu ari kutsvaira pachivanze ichimuti apinde aende kuHarare kwaasiri kuenda.

Ichokwadi vanhu vachatsvaga, vagotsvaga nekutsvaga kusvikira vaona kuti chavanga vachitsvaga hachisi chinhu chinopedza nyota, nzara kana nhamo. Vachatsvaga chisingawanike kufanana nehuku yachekwa musoro iri kutsvaga musoro wayo, asi ichikanganwa kuti maziso ekuti ione aenda nemusoro wachekwa.

Newewo shamwari, ndiudzewo kuti kana wazosvika ipapo pari kurwarirwa nemwoyo wako, uchagara pasi here ugoti “ndasvika?”

Hupenyu hwedu hwazara nekunyepa nekunyeperana, kuba nekubirana. Mukutsvaga kuverengwa pamamonya kwedu, tiri kukwenga makoko ehunhu hwataive nahwo kare. Hunhu hwedu hwave chikorobho chemubhawa chinokorobha doro, weti nemarutsi ezvidhakwa.

Kana tichitsvaga zvinhu sezvatiri kuita kudai, ngatichenjere kuti tichapinda nemumikoto, mumakoronga, matenhere nemukanwa memapere. Asi nyangwe tikaita zvinhu zvipi nezvipi, hupenyu hwedu hunoda Mwari nekuti ndiye akatida isu tichimuramba. Ndiye ane ndangariro dzekutipa mugumo une tariro. Kana wanzwa kurasiswa kana kunyeperwa neshamwari dzenyika ino neshamwari dze- Facebook, imboti Jesu, ndiri kudawo hushamwari newe. Uchazondiudza kuti wanga wakarasika uchitsvaga zvinhu zvakadhakwa!

Pauri kutsvaga zvinhu zvisingabatike, ziva kuti Jesu anobatika.

Kunaka kwehushamwari hwaMwari kwakaita kuti mumwe ati, “Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu, nekuti muri Mwari wangu; mweya wenyu wakanaka ngaunditungamirire panzira yakati chechetere.”

Pauri kutadza kurara zvekuti nyangwe nepakati pehusiku unomukira kutsvaga mashoko paWhatsApp, kumbira kuti Jehovha ambokupa maziso uone profile picture yako yekudenga. Muka utsvage Mwari wako, kwete foni yako!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>