Uncategorized

Ngozi yakaripwa mombe 34

28 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
Ngozi yakaripwa mombe 34

Kwayedza

NGOZI yemurume wekwaChihota, uyo anonzi akapondwa makore 32 akadarika, yakamuka chibhebhenenga kumhuri yanyakuponda izvo zvakaita kuti hama dzake dzinoripa nemombe 34.

Dzimwe dzemombe idzi dzakabviswa iri mari.

Ngozi iyi inonzi yakapfuka mumhuri yekwaChidembo, kwaMangwende, kwaMurehwa, kunova kune hama dzemunhu anonzi akaponda mumwe murume wekwaMudzingidze Mujuru, kwaChihota.

Nyaya iyi yakatotongwa mudare raMambo Chihota.

Mambo Chihota, VaRaphael Chigodora (41), vakatsinhira kuti vakayananisa mhuri mbiri idzi nekuda kwengozi yaiva yapfuta moto iyi.

“Ndine mhuri mbiri dzinoti yekwaChidembo, kwaMurehwa, avo vane hama yavo yainzi Cephas Chidembo uyo akashaika kare asi anonzi akaponda hama yevanhu vekwaMudzingidze Mujuru vekuno kwaChihota. Akapondwa ainzi Cloudy Mudzingidze Mujuru uye zvakaitika makore 32 akadarika,” vanodaro Mambo Chihota.

Mhuri yekwaChidembo inonzi yakaripa mombe 19 nemari inoita US$5 150.

Pamusoro pemuripo uyu, panonzi paivawo nembudzi shanu, sekutaura kwaMambo Chihota, nedzimwe mombe dzaimirira mukadzi aifanirwa kuripwa kumhuri yekwaMujuru sezvo mutemo wenyika usingatendere kuti munhu aripiswe ngozi.

“Nyaya iyi ichitanga, vekwaMujuru vakanga vachida kuripwa mombe 39 nembudzi shanu izvo zvakazorambwa nen’anga uko mhuri idzi dzakafamba.

Vakazonzi varipe mombe 34 nembudzi shanu, dzinova dzinowirirana nemombe dzakabviswa uyewo nemari yacho,” vanodaro mambo.

Vanoti changosara chete kubikwa kwedoro rekugashira huripwa uhwu, mhuri mbiri idzi dzosorana husahwira.

Vakazorumbidza mhuri yekwaChidembo nekuripa kwayakaita mhosva yakaparwa nehama yavo vachiti kugona ngozi chete kuiripa.

“Ngozi haitandidzirwe, zvakaitwa nemhuri yekwaChidembo izvi ndiko chete kuzvigona. Vamwe vakawana chidzidzo kumhuri mbiri idzi uyewo ndinotenda vekwaMujuru nekugashira muripo pasina kurwisana.”

Mombe dzakaripwa idzi dzinonzi kune dzekudivi rababa nekudivi raamai vaCloudy.

Cloudy anonzi akauraiwa naCephas apo vose vaigara kumahositeri ekuMagaba, kuMbare, muHarare. Pane fungidziro yekuti vaviri ava vairwira mukadzi apo Cloudy anonzi akazokandwa nepahwindo kubva mudenga.

“Mashoko andakawana mudare rangu anoti Cephas Chidembo akatombosungwa akaenda kujeri nekuda kwenyaya iyi, uyo akazofa zvake,” vanodaro Mambo Chihota.

Mhuri yekwaChidembo inonzi yaisangana nematambudziko akaita sekufirwa zvisinganzwisisike. Tete vaCloudy, Matilda Mujuru Mhembere (67), vakatsinhira kuti mhuri yavo yakaripwa.

“VekwaChidembo vakauya kuno vachiti ndivo vane hama yakauraya Cloudy. Chakavanetsa kusvika vauya kuno isu hatina kuchiziva. Muzukuru wangu aigara kumahositeri kuMagaba uko akaurairwa. Takaendesana kudare redzimhosva nanyakuponda uyu asi hatina kuzoziva kuti zvakafamba sei kusvikira takazovaona vachiuya kuno vachiti vanoda kuripa.

“Mombe dzakauya dziri kumba kwaTawanda Mujuru,” vanodaro.

Vanoti ivo semhuri hapana zvavakaona kubva pakafa Cloudy.

“Cloudy aiva mwana wehanzvadzi yangu, Frank Mujuru, uye akaita mwana musikana mumwe chete, Auxillia, uyo akaroorwa kuMutorashanga.”

Zvisinei, vanoti kutambirwa kwehuripwa uhu kwakaitwa nenzira dzisidzo sezvo ivo sevanhu vakuru vaisiiwa kunze zvichiitwa nevana vadiki.

“Aya mahumbwe chaiwo, ngavarege isu vakuru titambire nyaya idzi. Zvino tupwere nditwo twave kuenda pamberi, hanzi ini ndiri mukadzi.

“Vakomana vari kutungamirira nyaya yekuripwa kwengozi iyi vanosanganisira Tawanda Mujuru uyo ane kumba kune mombe, koti Fungai Mujuru naTambaoga Mujuru. Baba vakuru vasara muno, VaLeonard Mujuru Mhembere, havapo izvozvi handizive kuti ndiyani anotungamirira nyaya iyi,” vanodaro.

Kwayedza payakaenda kwaChihota haina kukwanisa kutaura nevari kunzi vakatambira mombe dzehuripwa idzi sezvo vose vakanzi vakange vafamba nzendo.

Mumwe muzukuru wemhuri yekwaMujuru, Mai Annah Mandizvidza (61), avo vakanga vabva kuMhondoro kuvinga nyaya iyi, vakangoti vakamirira kufambiswa kwenyaya iyi.

Mombe dzekuripa idzi padzakauya dzinonzi dzakatanga kusvika nekwaSabhuku Mbonje, VaTinei Dugmore Chisango, munova mumusha munogara vekwaMujuru, ndokuzodarikidzwa kumhuri yanyakupondwa.

Zvakadaro, mukadzi waTawanda Mujuru, Linda Sabau (32), uyo ari kuchengeta mombe idzi anoti iye semuroora haana zvakawanda zvaanoziva.

Mupurisa wamambo Chihota, VaDoglaus Mombeshora, vanoti vari kugara vakaisa ziso kumhuri iyi nechinangwa chekuti vasarwisane nekuda kwepfuma yakaripwa.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nevemhuri yekwaChidembo avo vanonzi vakaripa ngozi iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>