Uncategorized

Ngozi yenyoka tugu mudare

17 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
Ngozi yenyoka tugu mudare

Kwayedza

— ‘Imi neni tichapedzerana’

Kingstone Mapupu —
NGOZI yemurume aiva mushandi wepamusha weimwe mhuri igere kwaSabhuku Nyatwe, kuVillage 54 kwaMambo Mutasa, kuNyanga yakabuda mudare ramambo veko svondo rapera ichitaura kuti mushakabvu akafa mushure mekunge arumiswa nenyoka.

Ngozi iri kupfuka iyi ndeyaNhamo Cliff Charangwa, uyo anonzi akafa mugore ra2011 apo aishandira mhuri yekwaMarekera.

Nhamo anonzi akafira muzumbu rehuku achitsvaira.

GREATER NYAMHINGURA

Mweya wengozi iyi unonzi wakatanga kubata mwedzi miviri yakadarika panaGreater Nyamhingura (16), uyo anova mutorwa kune mushakabvu zvikaita kuti nyaya iyi imhan’arwe nababa vake —VaMusafare Nyamhingura (52) — kudare raMambo Mutasa.

Nyaya iyi yakapinda mudare iri nemusi wa11 Mbudzi apo Kwayedza yaivepo mwana uyu ndokubatwa nemweya unoti ndewengozi ndokunongedza mhuri yekwaMarekera achiti ndiyo yakauraya Nhamo.

Mweya uyu wakataurawo kuti Nhamo akauraiwa naVaDouglas Marekera vachibatsirana nemukadzi wavo, Loveness Marekera.

Zvisinei, vari kupomerwa mhosva iyi vose vanoirambisisa vachiti iyi inyaya yakaita kurongwa.

“Ini ndini Nhamo Cliff Charangwa, ndakauraiwa naDouglas Marekera naLovenes Marekera. Vakandirumisa nenyoka yavo asi ivo vave kuti ndakabatwa nemagetsi.

“Musi uyu magetsi aiva akadzima, vakanditsipika saka ndisina kukwanisa kusvika kunobuda kumba kwavo,” unodaro mweya uri kunzi ingozi uyu.

Asi VaMarekera nemudzimai wavo, avo vaiva mudare iri vakapihwa mukana wekubvunzurudza mweya wengozi uyu apo vainge vakatarisana, mweya wacho ndokudzokorodza uchiti ndivo vakarumisa Nhamo nenyoka.

“Ndiwe Douglas Marekera naLovenes Marekera makandirumisa nenyoka, rambai zvenyu nyaya iyi ndichauya kumba kwenyu muchandiona, ndichakupedzai,” unodaro mweya unonzi ingozi uyu.

Ngozi iyi yakaenderera mberi ichiti ndiyo yakaisa simbi paruwoko rwemumwe mwana wekwaMarekera uyo Kwayedza isina kuona.

Vachipa umboo mudare iri, VaMarekera vanorambisisa mhosva yavari kupomerwa yekuti vakaurayisa Nhamo vachiti inyaya yekugadzirwa nechinangwa chekuda kusvibisa zita ravo.

“This is a cooked up story (Nyaya iyi yakaita zvekurongwa). Handina zvakadaro zvandakaita uyewo handina chandakanganisirana naNhamo ini. Taiwirirana zvikuru tichishandirana zvakanaka. Handina kuuraya Nhamo, inyaya yakarongwa iyi. Handiibvumi,” vanodro VaMarekera.

Mai Marekera vanotiwo hapana chavanoziva pamusoro pefiro yaNhamo.

Baba vaGreater vakazopawo chikumbiro kudare iri kuti vaida kuti mweya uyu ubviswe pamwana wavo nenzira dzechivanhu kana kumachechi uye kana zvichiita uendeswe kumhuri iri kunzi yakakonzeresa rufu rwaNhamo. Ngozi iyi yakazokumbirwa nedare kuti ibve, iende kumhuri yakakonzera rufu rwaNhamo izvo yakabvuma ichiti yaizoenda kunoparadza.

“Ndichamusiya mwana uyu ndoenda kwaMarekera uko ndichasvika ndichiparadza,” wakadaro mweya uyu.

Dare rakabvunzawo VaMarekera kuti idanho ripi ringatorwe kuti dambudziko remweya wengozi uyu ripedzwe, ivo vakapindura vachiti havana chekuita nenyaya iyi. Sekutaura kwandaita, handina chekuita nenyaya iyi. Ngavarapise mwana wavo voga. Chechi yangu yeAnglican haindibvumidze kuita izvozvo, kuti ndiende kun’anga kana kupinda munyaya dzakadai.

“Sei mweya uyu wakanobuda kumutorwa asiri wekumhuri yekwaCharangwa kana kwedu? Inyaya yakagadzirwa iyi,” vanodaro.

Zvisinei, dare iri rinoti nekuda kwezera remwana uyu nezvaiitika, harione paine kurongwa nekugadzirwa kwenyaya iyi.

Mambo Mutasa vanoti mwana uyu ari kutadza kuenda kuchikoro zvakanaka nekudaro nyaya iyi inofanira kugadziriswa nekukurumidza.

VaNyamhingura vanoti mwana wavo ari kushungurudzwa zvikuru nekuda kwemweya wengozi uri kubata paari uyu.

“Mwana wangu ave kutadza kuenda kuchikoro zvakanaka, ndinokumbira kuti mweya uyu ubviswe,” vanodaro VaNyamhingura.

Mudzimai waNhamo, Mai Shupikai Manjoro (42), vanoti vakatozoonawo vabereki vaGreater vave kuuya vachiti mwana wavo ari kubatwa nemweya wemurume wavo.

“Murume wangu aishanda kumba kwaVaMarekera achichengeta huku nekuita mamwe mabasa epamusha — kusanganisira kutyaira tirakita.

‘‘Akazongowanikwa akadonha muzumbu achibva aendeswa kuchipatara uko akasvikonzi aiva akafa kare apo aibuda furo mukanwa nemumhuno,” vanodaro.

Dare iri rinoti richazonyorera tsamba mhuri yekwaNyamhingura neyekwaCharangwa kuti vaende kusangano remachiremba echivanhu reZinatha vonotsvaga magodobori anovabatsira padambudziko remwana ari kubatwa nengozi uyu. Mai Manjoro vanoti pakafa murume wavo, akanga ashanda makore gumi apo ivo vakazosara vachishandawo.

“Murume wangu afa, mhuri iyi yakandipa mombe yavakati yaiva bhonasi asi mombe yacho yakafa isina kurwara. Ini ndakasara ndichishandirawo mhuri iyi ndikazobuda basa manje-manje uye handisati ndapihwa mari yangu,” vanodaro Mai Manjoro.

Dare raMambo Mutasa rinoti ramirira kufambwa kuchaitwa pakati pemhuri yekwaNyamhingura neye kwaCharangwa kumagodobori kuti zvionekwe kuti mweya wengozi uri kusvika panaGreater ungabviswa sei.

Zvakadai, VaMarekera vakazovhundutsira vatori venhau veKwayedza vachiti sei vaiva vatora nyaya iyi mudare.

“Vakomana imi, mapihwa nani mvumo yekutora mifananidzo yangu mudare? Mukanyora zvenyu itai, tinopedzerana kumusoro. Muise maheadlines (misoro yenyaya) amunoda muone,” vanodaro VaMarekera apo vakamisa motokari yevatori venhau vave kuda kusimuka kubva padare iri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>