‘Nhabvu inoda mikono’

04 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
‘Nhabvu inoda mikono’

Kwayedza

Abel Ndooka —
ZVIKWATA zvenhabvu zvine chitsama zvinokwikwidza mumutambo weCastle Premiership zvinoti kunyangwe zvazvo zvichishuvira kutamba zvinodadisa kusvika kumutambo weCAF Champions League, kupinda mumakwikwi aya mutoro mukuru sezvo pachidiwa kushandiswa mari yakawanda.

Zvimwe zvikwata zvakaita seLengthens, Motor Action neMonomotapa zvakakwikwidza muCAF Champions League makore adarika zvikaparara mushure mekunge zvakundikana kudzora mari yazvakashandisa mumutambo uyu.

Kunze kwazvo, kutatarika kwave kuita CAPS UNITED parizvino mumitambo yePSL kuri kuonekwa nevatsigiri vayo sekuneta kwechikwata kuburikidza nekufamba kwavaiita kuenda kunyika dzakasiyana vachinokwikwidza mumitambo yeChampions League.

Kwayedza svondo rino yakakurukura nezvikwata zvakasiyana ichida kunzwa mafungiro azvo pamusoro pezvakanakira kukwikwidza muChampions League.

Chamangwiza weCAPS UNITED, Cuthbert Chitima, anoti kutamba kwavakaita mumutambo uyu kuri paviri pakuti vakaita kuti zita ravo rizivikanwe muAfrica yese uye zvikabatsira kuti nhabvu yavo ishanduke sezvo vaitamba nezvikwata zvikuru zvemuAfrica.

Asi anoti zvinoda mari yakawanda uye mitambo inozowandira vatambi vavo izvo zvave kuonekwa nekungokundwa kwavari kuitwa.

“Zita redu rave kuzivikanwa muAfrica, kutamba mumutambo uyu kunounza mari munyika uye vakotsveri vanenge vave kuda kudira mari kwatiri. Asi zvinoda mari yakawanda pakufamba apa uye zvinowanza mitambo kuzosvika vatambi vaneta,” anodaro Chitima.

Maneja weDynamos FC Richard Chihoro anotiwo mitambo yeChampions League yakanaka chaizvo nekuti vatambi vanowana mukana wekufamba kunyika dzakawanda nekudzidzawo zvakasiyana.

“Kana mukakwanisa kusvika kusemi-fainari kana kufainari chaiko anenge ave makeke chaiwo. Mari yenyu inogona kudzoka asi pamwe pese apa munenge muchingoburitsa mari chete. Champions League inotoda mikono chaiyo nekuti mari inodiwa pakufamba kana kuzogamuchira chimwe chikwata muno yakawandisa,” anodaro Chihoro.

‘‘Anoenderera mberi achiti, “Asi kana mukakundwa mumitambo yenyu yese pamari yamunenge mashandisa hamuna kana sendi ramunowana. Asiwo munenge mave nemukana wekutengesa vatambi venyu, hunge vakatamba nhabvu inonwisa mvura mukufamba kwamunenge muchiita.”

Aimbove mutungamiri weLengthens FC — iyo yaizivikanwawo nezita remadunhurirwa rekuti The Happy People — Beadle Musa Gwasira anoti mutambo weChampions League ndiwo wakakonzera kuti chikwata chavo chiparare nekuda kwekuti vakashandisa mari yakawanda yaibva muhomwe yavo iyo vasina kuzombodzora.

Lengthens yakakwikwidza mumutambo weCAF Confederations Cup mugore ra2010 asi yakagumira muround one zvichitevera kukundwa kwayakaitwa neSimba Sports Club yekuTanzania. “Hatidi kunzwa chinonzi Champions League zvakare, mutambo unorwadza iwoyo nekuti mari yamunoburitsa yakawanda uye mukakundwa haidzoke. “Isu taiburitsa dzedu dzemuhomwe kuti basa rifambe asi hapana chatakazowana mumutambo uyu. Chinhu chimwe chete chatakangowana kufamba kuenda kunyika dzakasiyana uye vamwe vanhu vataisangana navo ikoko chete. Zvikanzi tidzoke zvakare, hatidzoke nekuti zvinorwadza,” anodaro Gwasira.

Share This:

Sponsored Links