Nhabvu yaora: Psl

18 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
Nhabvu yaora: Psl

Kwayedza

. . . vatambi havasi kubvarura mambure

. . . zvinotishaisa vatsigiri 

Abel Ndooka —
SANGANO rePremier Soccer League (PSL) iro rinoronga mitambo yeCastle Premiership rinoti vatambi vekumberi vezvikwata zvakasiyana vanofanirwa kukwidziridza masokisi avo kuti vanwise mabhora akawanda pakurwira mubairo weGolden Boot sezvo izvi zvichibatsira mukukwezva vakotsveri vemutambo uyu.

Vatambi vekumberi vari kutatarika kunwisa ka20 mumwaka mumwe chete izvo zvakapedzisirwa kuitwa naNorman Maroto mugore ra2010 apo aitambira Gunners FC.

Hapanawo zvakare ati akwanisa kunwisa ka15 mumwaka mumwe izvo zvakapedzisirwa kuitwa naTendai Ndoro weChicken Inn mugore ra2013. Kubva gore iri, mwaka yakatevera zvibodzwa zviri kunwiswa nevatambi vekumberi ava zviri kungodzikira izvo zvakaona Leonard Tsipa weCAPS UNITED achihwina mubairo uyu gore radarika anwisa ka11 chete.

Mwaka uno, Bukhosi Sibanda weBantu Rovers ndiye ange ari kutungamira murwendo rwekurwira mubairo weGolden Boot apo akanwisa ka10.

Zvisinei, mutambi uyu akabva kuchikwata ichi zvichitevera kutengwa kwaakaitwa neUbuntu Cape Town FC yekuSouth Africa.

Sibanda ange achiteverwa naLot Chiwunga weBlack Rhinos uyo akwanisa kunwisa kanomwe kubva mumitambo 20 yatambwa nechikwata chake.

Mukushi wemashoko wePSL, Kudzai Bare, anoti vanoda chaizvo kuona vatambi vezvikwata zvinokwikwidza muno vachitamba nhabvu inonwisa mvura uye vachinwisa sezvaiitwa nanaMoses Chunga panguva yavaitamba nhabvu.

“Pakupera kwemwaka wega-wega, tinopa mubairo weTop Goal Scorer kunyangwe akapedza aine magobhora manomwe chaiyo asi tinotarisira kuti vatambi vagopfuura ipapo kuitira kuti tikwanise kukwezva vakotsveri.

“Mubairo weTop Goal Scorer uripo pakukurudzira vatambi kuti vatambe nesimba,” anodaro Bare.

Zvakadai, vatambi vari kurwira mubairo weGolden Boot mwaka uno vanoti Chiwunga uyo anwisa ka7, Terence Dzvukamanja (6) naChristian Epoupa (5).

Vamwe vatambi vanwisa kana vanoti Mhkululi Moyo (Bulawayo City), Innocent Muchaneka (Chicken Inn), Emmanuel Mandiranga (Dynamos), Denver Mukamba (Dynamos), Donald Teguru (Ngezi Platinum Stars), Daniel Chakupe (ZPC Kariba) naJustin Kaunda (Hwange).

Vamwe vanosanganisira Prince Dube uyo aitambira Highlanders akange akwanisa kunwisa katanhatu asati atengwa neSuperSport yekuSouth Africa kozoti Abbas Amidu akange anwisawo kana zvakare asati atengwa neSmouha yekuEygpt.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>