Uncategorized

Obudirwa nemweya unotaura chiChina

09 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
Obudirwa nemweya unotaura chiChina

Kwayedza

Muchaneta Chimuka naDaphne Machiri
MUKADZI wechidiki anogara kuSt Mary’s, kuChitungwiza, anoti ari kusvikirwa nemweya kana kuti mudzimu wechirume unenge uchitaura mutauro wekunyika yeChina zvisinei nekuti iye haasati ambosvika kunyika iyi. Lisa Tamutsukurira (19), anogara panhamba 27 Chedutose Road, anoti ave negore izvi zvichiitika.
Lisa mudzimai waBiningo Chadzuka.

Kwayedza yakaenda kumba kunogara Lisa apo akasvikirwa nemudzimu uyu vatori venhau varipo.
Panguva yaakapoterwa nemudzimu uyu, Lisa akatanga kudzvova nezwi rakasimba, achikarara pamwe nekuzvizunza zvine simba.
Paakazoshanira mahofisi eKwayedza, Lisa akati pane imwe n’anga iri kumubatsira.

“Ndakarwara nemusoro kwemwedzi wose gore rapera. Ndipo pandakaenda kunobatsirwa kumba kweimwe n’anga iyo yakahaka mweya uyu uye yakati waitaura chiChinese,” anodaro Lisa.

“Ndakamboendeswa kumahofisi emumiririri weChina muno, kuChinese Embassy, musi wa7 Mbudzi gore rapera ndikanzi dzokera kubazi rezvetsika nemagariro. Ndakaendako asi havana chavakandibatsira nacho, vaiti havakwanise kunzwa zvandinotaura, ndezvechivanhu.
“Gore rino vekubazi iri ndipo pavakanditi ndiende kwaMambo Seke (VaStanely Chimanikire) kunova kwandakaenda vakandipa tsamba yekuti ndibatsirwe nevanogona padambudziko randinaro,” anodaro Lisa.

Kwayedza ine tsamba ine chidhindo chaMambo Seke iyo yakanyorwa musi wa8 Nyamavhuvhu 2015 ichitsigira dambudziko remukadzi uyu.
Mutsamba iyi, iyo yakanyorwa nechiRungu, Mambo Seke vari kukumbira kune vanonzwa mutauro weChinese kuti vatsangurire Lisa nevamwe vekumhuri yake zviri kutaurwa nemweya uyu kuitira kuti zvigadziriswe.

Mambo Seke vanotsinhira kuti mhuri yekwaTamutsukurira yakasvika kudare ravo vachida rubatsiro rwezviri kuitika pana Lisa.
“Mwanasikana uyu akauya kudare rangu ndikamuona. Akatsanangura dambudziko rake nehama dzake dzaakauya nadzo pamwe chete nen’anga iri kumubatsira.

“Vakati mushure mekunge ataura chirudzi chavasina kunzwisisa vakafunga kuti ave kurasa njere vekumurume wake ndokumudzosera kuvabereki vake,” vanodaro Mambo Seke.

“Kuuya kwavakaita kudare angu vakanga vanzi vauye nevekubazi rezvemitambo, tsika nemagariro. Ini ndakavati tinofanirwa kutsvaga munhu anoturikira mutauro unotaurwa nemusikana uyu kana achinge apoterwa. Izvi zvemudzimu unotaura mutauro wechirudzi chekunze kwenyika zvinowanikwa, hachsi chishamiso, ndiwo mashave acho.”

Hanzvadzi yaLisa, Marshal Tamutsukurira (22), anoti zvinhu zviri kuvanetsa semhuri kuti sei ari kupoterwa nemweya unotaura chiChinese.
“Isu takakurira muchivanhu, baba naamai vedu vaiva n’anga. Asi ndakatadza kuzvitsanangura zvaanotaura kana Lisa zvamubata.

Takazomuperekedzawo kun’anga kunobatsirwa asi hachina kuva chishamiso kwandiri hangu sezvo takakurira muchivanhu,” anodaro Marshal.
N’anga inonzi iri kumubatsira, Sekuru Obert Marumba, inoti: “Mweya wemudzimu hausarudze pekugara uye hazvinei nemarudzi asi kuti unongouya. Mudzimu uyu ndewe munhurume anonzi ‘Chakalaka’.”

Lisa anonzi ane shave rekuvhima rinonzi Chipembwe nengirozi yaanoshanda nawo inonzi Rita.
Zvakadaro, VaFriday Chisanyu, avo vanova mukuru wesangano rinomirira n’anga nemaporofita muno, reZimbabwe National Practioneers Association (ZINPA), vanoti zvinoitika kuti munhu anogona kusvikirwa nemudzimu wemunhu waasina rudzi naye.

“Mutauro weChinese hauna kuipa sezvo Zimbabwe iine hushamwari hwakakomba nenyika yeChina, inyika dzinodyidzana. Naizvozvo midzimu inosvika pakuwirirana,” vanodaro VaChisanyu.

Share This:

Sponsored Links