Ongororwai Bp: Wag

20 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Ongororwai Bp: Wag

Kwayedza

SANGANO rinorwira kodzero dzevanhukadzi, reWomen’s Action Group (WAG), rinoti zvakakosha kuti madzimai agare achiongororwa chirwere che”high blood pressure” icho chinowanzodaidzwa nekuti BP.

Chirwere ichi chinonzi chakaipisisa kwazvo nekudaro chinofanira kudzivirirwa nekukasika.

Bhuku rakadhindiswa nesangano iri, iro rinonzi “Utano Hwako, Upenyu Hwako” rinoti high blood pressure zvinoreva kuti ropa riri kumhanya zvakanyanya mutsinga nenzira isina kukodzera izvo zvinogona kukonzera kukuvara kwemimwe mitezo yemuviri nechemukati.

Machiremba anowanza kutarisa chirwere ichi kuvanhu vane makore anobvira pa18 zvichienda mberi.

Kana munhu asina chirwere ichi, michina inovheneka BP inenge ichiratidza chipimo chiri pasi pe130/85.

Kana ichinge yakakwira inenge iri pa140/90.

Kukwira kweBP kwakaipira kuti kunokonzera kunyuka kwezvimwe zvirwere zvakaita sekuoma mitezo yemuviri (stroke), zvirwere zvemwoyo kana kusashanda zvakanaka kweitso.

Kudzivirira BP:

Vanhu vazhinji vane chirwere cheBP vanokwanisa kuchidzikamisa kuburikidza nekusandura nzira dzekurarama nadzo pasina kushandisa mishonga.

Kuderedza huremu hwemuviri kuburikidza nekuita mitambo inosimbisa muviri kana kuderedza huwandu hwechikafu chaunodya kunobatsira kuti BP isakwire zvakanyanya.

Kuderedza huwandu hwedoro raunonwa, sekuti ukangonwa mapaindi maviri bedzi pazuva zvinobatsira.

Edza kuita mitambo inosimbisa muviri sekungofamba zvako netsoka kwemaminitsi 30-45 katatu kana kashanu pasvondo.

Deredza huwandu hwemunyu waunodya.

Idyawo kudya kune potassium, calcium nemagnesium. Izvi zvose zvinowanikwa mumichero nekudya kwakaita semabanana, maranjisi, mbatatisi, miriwo yemashizha, gorosi, bhinzi, yogati kana broccoli.

Deredza zvakare huwandu hwemukaka, nyama kana chizi yaunodya nekuti izvi zvine mafuta (fats) akawanda.

Regedza kuputa fodya.

Kune mimwe mishonga yakaita seyekurera mhuri inoita kuti BP ikwire nokudaro machiremba anogona kupa munhukadzi dzimwe nzira dzekurera nadzo mhuri dzisingashandisi mahomoni sekusevenzesa makondomu kana Intrauterine Device (IUDI).

Kana uchiziva kuti une chirwere cheBP, ramba uchienda kuchipatara uchinovhenekwa, wokurukura nemachiremba kuti mubatsirane mukuona matanho angatorwe kuti chinge chichidzivirirwa.

Vamwe vanogona kugumisira vapihwa mishonga asi vamwe vanokukurudzirwa kuti vawane nguva yekuzorodza nyama dzavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>