Ongororwai gomarara

16 Jun, 2017 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Lovemore Makurirofa —
ZVAKAKOSHA kuti vanhu vange vachivhenekwa chirwere chegomarara, zvikuru munyika dzichiri kusimukira semuZimbabwe munova machakatekeshera.

Ongororo yakaitwa nesangano reZimbabwe National Cancer Registry inoratidza kuti chirwere chegomarara rechibereko chaiva nechikamu che32,1% muna 2013 uye mugore rimwe chete iri chikamu che13% chevanhu vakarasikirwa neupenyu nekuda kwezvirwere zvegomarara.

Muna 2014, chikamu che35,5% chemadzimai akabatwa nezvirwere zvitsva zvegomarara apo chikamu che12% chevanhu chikarasikirwa neupenyu.

Chirwere chegomarara remuchibereko chinokonzerwa nekumera kunoita dzimwe nyama muchibereko.

Chirwere cherudzi urwu chaiwanzobata vanhu vane makore 45-55 ekuberekwa asi iko zvino chave kubata kunyangwe vane makore 18 ekuberekwa.

Chinogona kudziviririrwa nokudaro zvakakosha kuti munhu wose ange achiongoorwa nekukasika kuburikidza nenzira yeVisual Inspection with Acetic Acid and Cervicography (VIAC) uye zvose izvi zvinoitwa munyika muno nebazi rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana.

Gomarara rechibereko rinokonzerwa nei?

Chirwere chegomarara rechibereko chinokonzerwa neutachiona hunodaidzwa kunzi HPV (Human Papilloma Virus).

Utachiona uhwu huzhinji hwacho hunokonzerwa nezvirwere zvepabonde izvo zvinotapuriranwa kubudirikidza nekusangana kunoita mvura dzemumuviri yevanhu vakasiyana.

Kune mhando mbiri dzeutachiona hweHPV dzinoti HPV6 neHPV11 inova inokonzera maronda panhengo dzakavandika.

Zvimwe zvezvinhu zvinokonzera kunyuka kwezvirwere izvi kukasika kupinda munyaya dzepabonde munhu asati abva zera, kuva nevadikanwi vepabonde vakawanda nekuputa fodya.

Zviratidzo zvechirwere chegomarara rechibereko:

Kubuda ropa iye munhu aguma kutevera, kubuda kweropa kwakanyanya zvikuru sei isiri kuva yekutevera, kubuda kwetsvina munhengo yakavandika, kurwadziwa kwemudumbu, kuzvimba kwemakumbo uye kuneta.

Asi kana chirwere ichi chichangotanga, chinogona kusava nezviratidzo zvinoonekwa kana kunzwikwa.

Zvakakosha kuti vanhu vakasike kuvhenekwa chirwere ichi chisati chakomba kuti chinge chichidzivirirwa.

Nzira yePap Smear kana kuti kutorwa kwetsvina yekuchibereko ndiyo imwe inoshandiswa mukuvheneka gomarara remuchibereko.

Izvi zvinoitwa mushure memakore matatu apo munhu atanga zvepabonde zvikuru sei munhu ane makore 21 ekuberekwa.

Ongororo iyi inofanira kuramba ichiitwa mukati memakore matatu ega-ega.

Ongororo iyi inoitwa nemapoka akasiyana akadai semakiriniki nemuzvipatara zvekanzuru, Family Planning and Wellness Clinics Association of Zimbabwe Clinic neNew Start Centre.

Lovemore Makurirofa inyanzvi inoita zveongorororo maringe nechirwere chegomarara. Kuti munzwe zvizere batai veCancer Association of Zimbabwe avo vanowanikwa panhamba 60 Livingstone, Harare (Cnr 6th Street and Livingstone Avenue). Munogona kuvabata panhare dzinoti (04) 707444 / 705522 Fax: +263 4 707 482 kana padandemutande rinoti [email protected]

Share This:

Sponsored Links