Uncategorized

Orambidza mudzimai kushanda

17 Mar, 2017 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Tafadzwa Mutsotso —
SHANJE dzinopfuta semoto dzinonzi dzakonzera mumwe murume kurambidza mudzimai wake kushanda achimuti anozoita chipfambi zvisinei nekuti iye anonzi ari kukundikana kuchengeta mhuri yavo zvakakwana.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Maria Chitambo akamhan’arira murume wake – Richard Chitambo – achiti ari kumushungurudza nekumurambidza kuenda kubasa kana kuita mamwe mabhindauko anomupa chouviri.

“Mambo wangu, murume wangu anondishungurudza. Haadi kuti ndiende kubasa kana kuita mabhindauko anondipa mari asi iye wacho ari kukundikana kuchengeta mhuri.

“Haatenge chikafu kana mbatya dzevana, kutaura kuno vana vakagara kumba uko hapana ari kuenda kuchikoro.”

Anoti chimwe chinomurwadza ndechekuti murume wake anoudza vanhu kuti iye ipfambi.

“Rimwe dambudziko rine murume wangu nderekufugura hapwa, anongoti chese chaaona otonoudza hama dzake kana dzangu, chero asina chokwadi chezvaanenge aona kana kunzwa.

‘‘Anofamba achiudza hama dzedu kuti ndiri pfambi asi ini handina kana zuva rimwe chete randakambobuda mumba ndichiita zvevarume.

“Dambudziko riri paari nderekuti haadi kuona ndichitaura nevanhu, vangave vemuraini kana vandinozivawo kubva kare, anobva atonditi ndave kuita zvechipfambi,” anodaro.

Anoti murume wake ava nenguva yakareba achimushungurudza.

“Murume wangu akandishungurudza kubva kare asi kungoti kusaziva kwakafanana nekufa. I

‘‘ni ndakaroorwa ndiine makore 18 okuberekwa apo murume wangu akange atove kumakore ekuma40. Ndaiudzwa nehama dzangu kuti kusungisa murume kufumura imba uye vanatete vangu vaindiraira kuti ndiremekedze nekuteerera murume.

“Ndakatozouya kuno nekuti iye akanzwa ndichitaura neimwe hanzvadzi yake kuti ndave kumusungisa sezvo anyanya kundishungurudza, ndipo akabva amhanya kuuya kuzotora gwaro rekuzvidzivirira achindinyepera,” anodaro Maria.

Richard akapikisa zvose zvakataurwa nemudzimai wake.

“Mukadzi wangu ari kunyepa nekuti ini handina kumbomupa mutemo wekuti aswere akazvipfigira mumba. Dambudziko riri paari nderekuti akarwadziwa negwaro rinondidzivirira randakatora sezvo anga ajaira kugara achindituka,” anodaro.

Richard anoti anoedzawo nepaanogona kuchengeta vana vavo.

“Zvekuti handichengete vana manyepo nekuti ndinoedza nepandinogona. Handishande, ndine chirwere chemwoyo saka pashoma pandawana ipapo ndipo pandinopawo kumhuri yangu. Sei azouya nhasi iye achiti ndakatanga kumushungurudza kare?” anodaro Richard.

Mutongi Sharon Rakafa akapa Maria gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>