Paralympics dzotanga

31 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Paralympics dzotanga

Kwayedza

GADZIRIRO dzemakwikwi eZimbabwe National Paralympic Games dzotanga uye chikwata cheHarare chinoti rwendo rwuno chinoda kutora mukombe uyo uri kurambira kupurovhinzi yeMasvingo.
Vachitaura nezvemakwikwi aya, Education Officer kubazi rezvemitambo, tsika nemagariro, VaChristopher Katore, vanoti achange aine musiyano sezvo ari kuitirwa muHarare kekutanga kubvira zvaakavambwa mugore ra2006.

“Ndekekutanga makwikwi aya achiitirwa muno muHarare nokudaro tinoda kuti zvikwata zvose zvichabva kune mamwe mapurovhinzi vadzokera vachifara vasingatsutsumwe, hatidi kunyadzisa zvakare nekukundwa isu tiri pamuzinda wedu,” vakadaro VaKatore.

Vanoti makwishu aya egore rinotevera achaitwa muna Kubvumbi apo achange achisvitsa makore 8 atanga.

VaKatore vanoti kusiyana nepakatangwa makwikwi aya mugore 2006 apo vainetsekana nekuumba chikwata chimwe chete, vanofara zvikuru nekuti zvikwata zvavo zvave kuwandirwa nevana vanoda kuita zvemitambo.

Purovhinzi yeHarare, vanodaro, iri kugadzirira zvakasimba nedonzvo rekuhwapura mukombe uyu kubva kuMasvingo.

“Zvikwata zvedu zvakatotanga kugadzirira uye tine chokwadi chekuti vachadadisa zvakare tiri kuronga kuti vaenzi vedu vachagara pai uye kupi. Tinoda kuti makwikwi aya aratidze shanduko huru zvioneke kuti apa iHarare yaronga kuburikidza nekugara zvakanaka kwavachaita,” vakadaro VaKatore.

Makwishu aya akanangana nekusimudzira zvemitambo yakaita semijaho yekusvetuka pamwe nekumhanya nemawiricheya kuvana vakaremara.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>