Uncategorized

Pasika: Kupemberera rudo!

14 Apr, 2017 - 00:04 0 Views

Kwayedza

PASIKA kana kuti Easter iri kutanga Chishanu chino iri Good Friday. Iyi inguva inocherechedzwa pasi rese.

Mukwende akaongorora munhoroondo dzechitendero chechiJudha, uyewo mumagwaro echiKristu akaona kuti donzvo guru rokupemberera Easter nderokuda kuratidza kuti Mwari akada vanhu vake pasi rese, zvisinei nokutadza kwavo, uyewo kuti ivavo vanhu vakadiwa, vanosungirwa kupanana rudo pasina kutarisa kuti wandada uyu ihama yangu here kana kuti kwete.

Mwari anotarisirawo kuti nyasha dzavakatambanudzira vanhu vavo, vanhu vacho ngavatambanudziniranewo nyasha norudo pakati pavo, mukuwana nomukushaya.

Kuti rudo urwu rwunzwisisike, Mwari vakaita chinhu chimwe chete, chokuti mwanakomana wavo Jesu Kristu arovererwe pamuchinjikwa, afe, avigwe agomuka kuvakafa, achidzokera zvakare kudenga kunotora chigaro chake chokutonga.

Kufa nokumuka kwaKristu kwakayananisa vanhu vakange varasika kuupenyu husingaperi hwaMwari. Kubhuku yaJohani chitsauko chetatu, ndima 16 zvinonzi: “Nokuti Mwari akada nyika, nokudaro kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani nani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi.”

Kune imwe ndima anoti, “Kuna vose vakamugamuchira, kuna avo vakatenda muzita rake, akavapa simba rokuti vave vana vaMwari . . .” (Johani 1:12)

Kunyange zvazvo chiri chiitiko chakapihwa zita rokuti Easter, chinhu chikuru ndechokuti, vanhu vari kupemberera rudo.

Asi, vanhu vari kupanana rudo here? Vanhu vari kukoshesana here?

Ukatarisa nyaya dziri kumatare — kubva kuna sabhuku kusvika kudare repamusoro-soro renyika, zvinoratidza kuti vanhu vanodanana here sokudiwa kwavanoitwa naKristu, anove akatambanudza mawoko kuvanhu kuti ndinokudai mese sezvamuri?

Mhemberero dzegore rino dzauya mwaka wakanaka zvikuru, mwaka weZhizha. Vamwe gore rino vachatadza kuenda kumasango emakereke, kana kunoona hama neshamwari nokuti vanenge vachikohwa, sezvo riri gore ramaguta.

Vachagona kunoshanya vanoenda nembuva dzinosanganisira manhanga, ipwa, nyimo, mapudzi, nzungu, magaka, manwiwa, mbambaira nezvimwewo zvakadaro.

Kana mbuva iyi ikauya iri mutswanda yakasungwa nedhuku, ambuya kana tete vachiti vanopa vazukuru vari kudhorobha paEaster pano, muchazvidya here?

Muchaona rudo muchiitiko ichi here, kana kuti munenge mave kusemeswa moti vana venyu havangadye zvinhu zvakasungirirwa mudhuku rabva mumusoro usina kugezwa? Musoro wekachembere!

Vaverengi, Mukwende atora muenzaniso uyu, nokuti ndihwo upenyu hwaakararama. Kuwana ave kukunyorerai kudai, akadya mbuva dzakasiyana dzakauya nehama, asi hapana chakaipa chakaitika kwaari. Atove nhasi uno nokukura kwaave kuona kuti makare-kare vanhu vaive nerudo rwechokwadi.

Ndakabvunza mamwe madzimai kuti sei nhasi uno tisingachaoni hama dzichishanyirana nembuva dzakarongedzwa sezvizvi? Rudo rwaKristu rwuchiri muvanhu here kana kuti kwete?

Mumwe mudzimai akarova imbwa asingavigi mupinyi akati: “Nyaya iyi tinoitora nepakasiyana. Pamwe kumusha pane vachiri kutevedza tsika dzokutakura mbuva mutswanda, vakasungirira nedhuku, asi muno mumadhorobha zvave zvishoma, nokuti zvokutakurira zvakasiyana-siyana zvaveko, chave chiRungu. Ungatosekwaka kuonekwa uchiita zvinhu zvechinyakare, iwo ma’food hamper’ azara.”

Vakaenderera mberi vachiti: “Kana vari vamwenewo vari kuuya nembuva iyi, zvinoti netsei, nokuti ukama hwavamwene nemuroora ndehwa gonzo nekatsi.

“Vamwe varoora vanongotambira, zvonogadzikwa mumba. Mumoyo make anenge achiti vana vangu, kana murume wangu haangadyi zvakasungirirwa nezidhuku rine tsvina. Zvinonosunungurirwa pasingaonekwi navamwene, zvichinan’anidzwa kunge zvinosemesa, mumusoro make munhu achingoti zvaiswa huroyi hwokuuraya vana vangu.”

Tiri kuonaka mamwe mabatiro namaonero atinoita rudo.

Mumwewo mudzimai akati, “Zvavigwa kudaro, zvinonan’anidzwa, pfungwa inenge iri pakuti ngakudoke chete, ndizvirase, nokuti atogarwa nomweya wokuti zvine huroyi kana tsvina, sezvo zvabva kumaruwa.

“Unozonzwa muroora ave kuuya achiti, ‘Ko amai mazvinetsereiko, muchifamba muchiremerwa (kunge vauya netsoka), takabva kugaisa hupfu hwezviyo svondo rino? Honai chikwere chakazara huku dzatiri kupfuya, kupurazi manhanga azere. Tange tichitoronga kukuvigirai.’”

Ambuya kana tete vaita rudo rwauya rwakasungirirwa mudhuku, asi vanokwidibirwa narwo, usiku zvinhu zvonochererwa pasi mubindu.

Kana tichidai, hatisi kukwidibirawo rudo rwaJesu pasi here, nokuti mungade Jesu wamusina kumboona sei, imi muchitadza kuda munhu wamuri kuona?

Mungagamuchire sei rudo rwaJesu imi muchiramba kugamuchira rudo rwemunhu wamuri kuona? Ko handiti shoko raMwari kubhuku yaRoma chitsauko 12, ndima 9 ne10 zvinonzi: “Rudo ngaruve rwechokwadi. Vengai zvakaipa; namatirai pane zvakanaka. Ivai norudo rukuru mumwe kuno mumwe savadikani. Mumwe nomumwe wenyu ngaakudze mumwe kupfuura kuzvikudza kwaanozviita iye.”

Kana mukutyaira kwamuchaita muchienda kwakasiyana-siyana, zvichaonekwa kuti vakapfeka rudo ndevapi, uyewo kuti vanotyaira kukonzera njodzi dzinouraisa vanhu ndevapiwo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>