Uncategorized

Ponogirafu haisi Jogirafu

13 Jan, 2017 - 00:01 0 Views

Kwayedza

MUMWE murume akafumira kunovhima. Akati afamba, ave kuseri kwemakomo kwaive nenzizi dzine mvura yakachena kunge misodzi, akamutsa mhembwe. Mhembwe yakasvetuka ichitiza, asi murume uye akaregedzera museve wake, ukanobaya mhembwe iye pachidya.

Mhembwe haina kumira kana kuwira pasi. Murume uye akabva amhanya achiitevera, achiti ichawira pasi chete.

Mhembwe yakati svetu, svetu ndokumedzwa nemakwenzi. Murume uye achitevera matsimba neropa, akangoerekana asvika parwizi.

Mumvura makanga muine musikana aigeza. Musikana iyeye aive akanaka kunge donhwe redova riri pashizha.

Aive akamira mumvura zvekuti chaioneka paari muviri wake kubva muchiuno kusvika kumusoro.

Murume muvhimi akaita seachadonha shaya nekushamisika. Mumusoro make makanga mazara nenyuchi nekuda kwerunako rwaipa kuti marata akapfirira mwoyo wako atakurwe nemhepo.

Musikana uye akati, “Imi baba imi, ibvai pano. Hamusi kuona here kuti ndiri kugeza uye handina kupfeka?”

Asi murume uye akabvotomoka akati, “Pano handichabva nekuti zvandaona pauri, kana ndikanzi ndikuroore nedanga renzou ndinonodzitinha ini.”

Musikana uye akati, “Asi hamundizive.”

Murume uye akati, “Ndanga ndisingakuzive ndisati ndakuona, asi iko zvino tave kuzivana. Ini ndakuda zvekupenga zvekuti chero ukati ndinwe mvura yauri kugeza kusvikira rwizi rwapwa ndinonwa.”

Musikana uye akasekerera kunge mugwaku uri kubuda wakatakura hwada yesadza mupoto.

Akabva ati, “Asi kana mukati mandida, imi nezera renyu iri mune mukadzi wenyu kumba. Ini handidi zvekuitwa nyachide pabarika.”

Murume uye akanzwa mwoyo wake kuvenga mukadzi wake zvikuru achibva ati, “Mukadzi ariko, asi ndave kutonomuramba adzokere zvake kumba kwavo. Ini wandada ndiwe.”

Musikana wemumvura akati, “Varume munonyepa nekunyengedza zvikuru. Kana wati uri kundida zvechokwadi, ndinoda kuti undiitirewo chinhu chimwe chete.”

Murume akapfugama pamahombekombe erwizi ndokuti, “Taura chero chipi chaunoda nyenyedzi yangu ndinochiita.”

Musikana uye akamupindura achiti, “Enda unouraya mukadzi wako. Kana wamuuraya, wobva wadzoka uchinditora.”

Murume uye haana kana kuzomira. Akangoti kwanyanu sechamupupuri, ndokumhanya achidzokera kumba.

Asvika kumba, akawana mukadzi wake achitongonora nzungu. Akamushevedza vakapinda mumba yavo yekurara.

Mukadzi paakati kumurume wake, “Ko kwakanaka here nhai Dziva?” akabva abaiwa nebanga ndokufa.

Mukadzi afa kudaro, murume uye akasiya amuputira nemagumbeze iye ndokudzokera achimhanya kurwizi kwaakanga asiya mwoyo wake.

Akamhanya zvekuti pasina nguva akanga asvika paive nechido chemwoyo wake. Akawana musikana uye achirimo mumvura achigeza vhudzi rake raive nemhotsi.

Murume uye akati, “Ndadzoka, uye mukadzi wangu afa.”

Musikana wemumvura akabva ati, “Pinda mumvura unditore, ini ndave wako zvachose.”

Murume akaita zvekusvetukira mumvura. Akasvika paive nenyenyedzi yemusikana hana yake ichirova.

Musikana akatambanudza mawoko ake, murume akafarira mazamu neganda raitsvedzerera kunge renyoka.

Musikana akati, “Ndisimudze mudiwa.”

Murume akabata musikana uye ndokumusimudza. Akarohwa nehana akada kuwira mumvura.

Musikana uye aingove munhu anotangira pamusoro pechiuno. Kubvawo pachiuno kudzika pasi akanga asina hudyu kana makumbo.

Akabva ati, “Chinditakura tiende kumba mudiwa.”

Murume uye akapera simba zvekuti akadonhedza musikana uye mumvura, iye akanozembera padombo ave kufunga mukadzi wake waakanga auraya.

Kana namambo David muBhaibheri raMwari vakaona ponogirafu yemukadzi aigeza, asi yakazourayisa vanhu vakawanda.

Saka kana vatezvara vave kuda kurara nemuroora havana mukadzi wavo kumba here? Izvi zvave zvemubhaibheri raSatani.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>