PSL 2015: triangle kana fc platinum…St Paul’s Musami ndiyo bedzi yakazviita

31 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
PSL 2015:  triangle kana fc platinum…St Paul’s Musami ndiyo bedzi yakazviita Norman Mapeza

Kwayedza

Abel Ndooka
KUBVIRA pakatanga kutambira zvikwata zvenhabvu zvepamusoro zvemuno mumakwikwi ave kudaidzwa nekuti Castle Lager Premier Soccer League, mukombe wacho hausati wambohwinhwa nezvikwata zvinobva kunze kweHarare neBulawayo, kusara kwemuna 1966 apo wakatorwa nechikwata cheSt Paul’s Musami FC, chekwaMurehwa.

Zvikwata zvinobva kune mamwe matunhu ari kunze kwemaguta makuru aya zvazama asi zvichikundikana kutora mukombe uyu.
Vanotaura vanoti izvi hazvisimudzire mutambo wenhabvu sezvo iri garoziva kuti unotorwa nezvikwata zvikuru gore negore.

Mubvunzo unogara uri pamiromo yevatsigiri venhabvu vakawanda ndeunoti: Zvikwata zvekune dzimwe nzimbo dzakaita seKariba, Hwange, Mutare, Masvingo, Zvishavane kana Marondera zvichatorawo mukombe wePSL here uye rinhi?
Vamwe vanotaura vanoti gore rino zvichaitika!

Kunze kweSt Pauls Musami, mukombe uyu kusvika pari zvino wahwinhiwa nezvikwata zvakawanda zvemuHarare neBulawayo zvinosanganisira Dynamos, Highlanders, CAPS United, Black Rhinos neMotor Action.

Chikwata St Paul’s Musami FC, icho chakautora mugore ra1966, chairairidzwa naFather Anthony Edwards Davies uye vatambi vacho vaisanganisira vashandi vepachikoro cheSt Paul’s Musami Mission, varairidzi pamwe nevana vechikoro.

Vamwe vatambi vacho ndevanoti Jawett Nechironga, James Nxumalo, Felix Mbidzo, Phineas Mutyaviri, Nelsona Mapara naPatrick Chingoka.
Mugore ra2011, FC Platinum yekuZvishavane yakambozama asi yakabvutirwa “bvupa riri pamuromo” neDynamos kunyangwe hadzo dzakapedza mwaka dzakaenzana pamapoinzi, yakazokundwa nekuda kwezvibodzwa zvakanwiswa.

Gore radarika, ZPC Kariba yakamuka chibhebhenenga ichibva kuDivision One apo yairairidzwa naSaul Chaminuka.
Zvisinei, ZPC yakarwadziswa pazuva rekupedzisira apo yakakundwa 3-2 neCAPS United DeMbare yaKalisto Pasuwa ndokuenda nemukombe – kechina mumakore mana akatevedzana.

Gore rino, kubva pamitambo 17 yePSL yatambwa, Triangle United ndiyo iri kutungamira iine zvibodzwa 32 uye pane fungidziro huru kuti nematambiro airi kuita, inogona kuhwina mukombe uyu ikava ndiyo bedzi yatevera St Paul’s Musami.

Shasha pakuongorora nhabvu, Charles Mabika, anoti mukombe wePSL gore rino unogona kutorwa nechikwata chiri kunze kweHarare neBulawayo.

Anoti ane fungidziro yekuti pakati peTriangle United, iyo ri kurairidzwa naKelvin Kaindu neFC Platinum, iri kurairidzwa naNorman Mapeza, zvinogona kuhwina kana zvikaramba zvichitamba nhabvu inodakadza.

“Gore rino mukombe uri kubuda muHarare neBulawayo, uri kuenda kuzvikwata zvekunze.
“Triangle United ine mukana mukuru wekuhwina, hunge ikaramba ichitamba nhabvu inodakadza seyairi kutamba. Mumitambo yayo inotyisa yasarirwa neDynamos neChicken Inn chete uye kana ikakwanisa kubuda ipapo inohwina.

“Asi ngatisakanganwe DeMbare, kana yave kuuya inenge yatoipirwa,” anodaro Mabika.
Imwe nyanzvi yekuongorora nhabvu zvakare, ari mutsigiri mukuru weDynamos nechikwata chenyika chemaWarriors, Chris “Romario” Musekiwa, anoti rwendo rwuno mutambo uyu wakaoma zvikuru.

“Zvikwata zvemuHarare zvakaita seDynamos neCAPS nekuBulawayo zvakaita seHighlanders zvinokoshesa mutambo uyu uye zvinopa varairidzi vazvo nguva yekushanda basa ravo vakasununguka.

“Asi zvimwe zvikwata hazvipe murairidzi nguva, zvinotanga kupindira mubasa rake izvo zvinodzorera basa remurairidzi kumashure.
“FC Platinum kana ZPC Kariba hapana zvikonzero zvisvinu zvakavatadzisa kuhwina mukombe.

“Ngavasiye tsika yekupindira mubasa remurairidzi aite basa rake akasununguka chete, vakasadaro mukombe unorambira muno uine DeMbare.
“Triangle ikarongeka inogona kutora mukombe asi ndinoiona ichizobvutirwa pamuromo nechimwe chikwata chihombe,” anodaro Romario.

Zvakadaro, murairidzi weDynamos David Mandigora svondo rino akati zvikwata zvakasiyana zvemuPSL zvine mukana mukuru wekuhwina mukombe uyu zvichitevera kuita mangange kwavakaita neHighlanders 1-1 svondo radarika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>