Rasa ma‘pamper’zvine utsanana

25 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
Rasa ma‘pamper’zvine utsanana

Kwayedza

MURUME wekuEpworth akatanga chirongwa chekukurudzira veruzhinji nzira dzakanaka dzekurasa ma”pamper” kana kuti ma”diapers” nedonzvo rekuchengetedza utano.

VaRogman Muchengapadare (42) vanoti vari kushanda nemhuri yavo mukupa chenjedzo iyi kune veruzhinji zvichitevera kuraswa pose-pose kuri kuitwa ma”pamper” nevamwe vanhu izvo zvine njodzi kuutano.

“Vanhu havafaniri kurasira ma”pamper” pose-pose nekuti anokonzera kunyuka kwezvirwere zvemanyoka secholera netyphoid. Tinoona kazhinji vanaamai vachirasira ma”pamper” mumabhini kana pasi aine tsvina yawo zvinova zvisingakurudzirwe.

“Ndakatombotaura nevekanzuru yeHarare nenyaya yekusatakurwa kwemarara ema”pamper”. Vakanditi vashandi vekanzuru havatenderwi kutakura ma”pamper” anenge aine tsvina yevanhu nekuti basa ravo nderekutakura dzimwe mhando dzemarara kwete tsvina yevanhu,” vanodaro.

VaMuchengapadare vanokurudzira veruzhinji kuti vasarase ma”pamper” aine tsvina yawo.

“Vana kana kuti vanhu vakuru vanoshandisirwa ma”diapers” vachinge vaaitira tsvina, tinokurudzira kuti tsvina iyoyo igezwe nekuti ine njodzi kuutano hweruzhinji kana ikarasirwa pose-pose.

Nhunzi dzinotakura utachiona hwetsvina dzichiunza kudzimba kune chikafu chatinodya.

“Zvakare, pwere dzinotambira kumabhini dzichinhonga marara akasangana netsvina izvo zvinopa mikana yekuti dzibatwe nezvirwere zvemanyoka. Ma”pamper” kana akaenda mvura haaori nekuti ane jelly.”

Vanoenderera mberi vachiti: “Mwana kana murwere kana achinge ashandisa ma’pamper’, bvisai tsvina muise muchimbuzi asi musafurashe ma’pamper’. Pamper haifurashwi nekuti rinofuta saka munoisa pazuva kuti riome.

Kana raoma, pisai nemoto sezvo achibvira kusara rangove dota nekuti ane jelly inobatira moto sezvinongoita parafini.”

VaMuchengapadare vari kufamba vachishambadza mashoko echenjedzo aya muguta reHarare uye vane tarisiro yekuti kana vakawana zvekushandisa zvakakwana, vachaenda kumamwe matunhu enyika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>