Rooney oti haabvi kuManchester United

01 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
Rooney oti haabvi kuManchester United

Kwayedza

WAYNE Rooney akaramba mashoko ekuti akapa tsamba yekuda kubva kuManchester United. Mutambi uyu (29) aida kubva kuOld Trafford mugore ra2010 na2013 asi anoti haana kumbobvira ataura kuti anoda kubva kuchikwata ichi.

Makore mashanu adarika, akati haasi kuzosaina kondirakiti itsva nekuti aifunga kuti United yakange isingakwanise kutenga vatambi vatsva vepamusoro.

Akakurumidza kusaina kondirakiti iyi asi chiitiko ichi chakazoitika zvakare mugore ra2013, apo Chelsea yakaedza kumutenga kaviri asi akarambirwa naye neUnited, Rooney ndokuzowedzera kondirakiti yake kuchikwata ichi.

Kunyangwe hake akataura zviri pachena kamwe chete kuti aida kubva mugore ra2010, anoramba mashoko ekuti akapa United matsamba ekuti atengeswe.

“Ndakati kuna Sir Alex Ferguson, kana musiri kunditambisa zviri nani kuti ndiende zvangu,” akadaro Rooney achitaura pamusoro penhorowondo yake munhabvu iyo ine musoro wekuti ‘Wayne Rooney – The Man Behind The Goals’ ichaburitswa nguva iri kutevera paBBC.

“Asi handina kumbobvira ndavapa matsamba anotaura kuti nditengesei. Handizive kuti zvakabuda zvakadaro sei.”

Rooney akanwisa kekutanga mwaka uno apo vakatamba neSunderland svondo radarika, ndokuenzana naDenis Law uyo akanwisa ka171 mumitambo yeligi achitambira United. — Daily Mirror Football

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>