Uncategorized

Shuga inouraya chinyararire

01 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Shuga inouraya chinyararire

Kwayedza

l  1,5 miriyoni votambudzwa muZim

Muchaneta Chimuka

MUTEVEDZERI wemutungamiri wenyika, Vice-President Emmerson Mnangagwa, vanorumbidza masangano akazvimirira ari kubatana neHurumende mukurwisa chirwere cheshuga, icho chiri kutambudza vanhu vanodarika 1,5 miriyoni muZimbabwe.Vakapa rumbidzo iyi svondo rapera muHarare apo vaiparura chirongwa chepadandemutande chekupa veruzhinji chenjedzo pamusoro pechirwere ichi, icho chiri kutsigirwa nesangano reZimbabwe Diabetes Association (ZDA).“Ndinotenda zvikuru nebasa guru riri kuitwa nesangano reZDA mukurwisa chirwere cheshuga kuburikidza nekuparura dandemutande iro richafundisa vanhu nzira kwadzo dzekurarama, dzakadai sekuita mitambo inosimbisa muviri, kufambawo netsoka uye kudya chikafu sechaidyiwa kare. Izvi zvaiita kuti vanhu vararame kwenguva refu.

“Kudya kwakaita sematamba, maroro, chakata, matohwe nesadza rerukweza kunobatsira mukuderedza chirwere cheshuga,” vanodaro VP Mnangagwa.

Vanoti dandemutande iri richabatsira veruzhinji kuti vawaniswe ruzivo maringe nechirwere cheshuga kubvira padziviriro, zvikonzero nemarapirwo acho.

VP Mnangagwa vanoti zvinovashamisa zvikuru kuti chikafu chiri kurambidzwa vanhu kuti vasadye ndicho chakatowanda munyika muno, sezvinwiwa zvine shuga yakawanda, nyama ine mafuta akawanda nezvimwe.

“Kana pakasatorwa matanho akasimba, tinoona kuti patichasvika mugore ra2025 huwandu hwevanhu vari kurarama nechirwere cheshuga hunenge hwakwira zvikuru.

“Chirwere cheshuga chinouraya vanhu muchinyararire. Mugore ra2005, chikamu che10% chevanhu vari munyika muno vakaonekwa kuti vane chirwere ichi – apo 95% vavo vaine Diabetes Type 2 uye 5% vaine Type 1,” vanodaro.

Mutungamiri wesangano reZDA, Dr Chamunorwa Mangwiro, vanoti vanhu vakawanda vari kutambudzwa nechirwere cheshuga izvo zviri kukonzerwa nekudhura kunoita mishonga uye kurapwa kwacho.

“Tiri kushanda pamwe neHurumende kuti tione kuti kurapwa kwechirwere cheshunga kwaderera nekuti pari zvino murwere anokwanisa kubvisa mari ingaite US$1 400 mukuedza kurwisa chirwere ichi chinenge chichida kugara chichirapwa nguva nenguva zvichienderana nemazuva aanenge ari kurapwa.

“Paongororo yatakaita, takaona kuti vanhu 1,5 miriyoni vari kurarama nechirwere cheshuga, kureva kuti Zimbabwe iri kubvisa mabhiriyoni emari kuti vanhu ivavo vange vachirapwa,” vanodaro Dr Mangwiro.

Vachitaura pachiitiko chimwe chete ichi, gurukota rinoona nezveposvo nedzinhare, Cde Supa Mandiwanzira, vanokurudzira veruzhinji kuti vaende kunovhenekwa chirwere ichi uye kuti vange vachiziva sarudzo yekudya kwakafanira kunochidzivirira.

“Ndinoona kuti tikarima kudya kunovaka muviri zvinobatsira kuti tidzivirire chirwere ichi. Ndichaona kuti mashoko echenjedzo maringe nechirwere cheshuga ashambadzwa kumativi ose enyika ndichibatsirana neZDA kuti vange vachiita izvi pachena panhepfenyuro yeZiFM,” vanodaro.

Pasi rose, huwandu hwevanhu vari kutambudzwa nechirwere cheshuga hwakakwira kubva pa108 miriyoni muna 1980 kuenda pa422 miriyoni mugore ra2014.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>