Uncategorized

Siyanai nembanje: MP Mutomba

12 Sep, 2014 - 09:09 0 Views

Kwayedza

NHENGO inomirira Buhera North mudare reNational Assembly, Cde William Mutomba, vari kuyambira veruzhinji kuti vasiyane nemhirizhonga izvo zvavanoti zvinoguma zvakonzera ndufu nekukuvadzana.
Vakataura mashoko aya zvichitevera nyaya yemumwe murume wekwaSabhuku Garawaziva, kudunhu iri, uyo anonzi akapondwa achiitwa zvekupwanywa-pwanywa muviri wake wose nematombo.

VaJeffrey Chibwe Mabota (66) vanonzi vakapondwa naLawrence Dhanda (24) nekuda kwechikonzero chisingazivikanwe.

“Inyaya inosuwisa zvikuru, saka ikurudziro yangu kuti vana vechidiki vasiyane nekuputa mbanje nezvimwe zvinodhaka vofambira mberi nechikoro,” vakadaro Cde Mutomba.

Vakakurudzira mapurisa kuti vaferefete nyaya dzakadai zvakadzama.

Cde Mutomba vakati nzvimbo yakaponderwa murume uyu inozivikanwa zvikuru nekurimwa mbanje.

“Nyaya yekupondwa kwemunhu iyi hainei nezvematongerwo enyika uye mufi uyu haana chaakatorerwa,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>