Soccer Stars: Mparutsa otaura

29 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
Soccer Stars: Mparutsa otaura Japhet “Short Cat” Mparutsa

Kwayedza

Abel Ndooka
SHASHA yakambonetsa munhabvu ichitambira zvikwata zvinoti Dynamos, Black Rhinos nemaWarriors, Japhet “Short Cat” Muparutsa, ari kunyunyuta zvikuru kuti sei pakavhoterwa maSoccer Stars egore rino pasina kana mubati wepagedhi mumwe chete achiti vatambi ava vanoshanda basa guru mumutambo uyu.

“Short Cat” – uyo akaita mubati wepagedhi wekutanga muZimbabwe kuhwina mubairo weSoccer Star of the Year mugore ra1982 – anoti vabati vepagedhi vakakosha sevamwe vatambi vose.

“Handisi kuzvinzwisisa ini kuti zvinonzi sei pakashaikwa mubati wepagedhi kana mumwe chete pamaSoccer Stars, hazviite. Ini ndinoziva pachisarudzwa vatambi 11 vezvinzvimbo zvose kubva kuvabati vepagedhi. FC Platinum yakahwina mukombe ichitamba nevatambi 11 uye mubati wayo wepagedhi – Henry Mhari – aitoshanda zvikuru kuti ihwine. Pamwe vaigona kuhwina kana 1-0 zvinorakidza kuti aishanda basa ipapo saka anokodzera kuvepo pamaSoccer Stars. Rinotambika here bhora racho kana tisina vabati vepagedhi?” anodaro “Short Cat”.

Japhet “Short Cat” Mparutsa achiri kutamba nhabvu

Shasha iyi parizvino iri kugara kuEngland uko ave nemakore akawanda ariko uye achangobva kuparura boka rake reJaphet “Shot Cat” Mparutsa Foundation rekusimudzira mitambo yakasiyana.

“Short Cat” anoti chinangwa chake kumutsiridza mapoka ekutsigira nhabvu seaiveko kare akaita seMai Musodzi Hall, Stodart ku- Mbare neChaminuka.

Tichikura, kwaive nemacommunity centres uko taienda tichinoswera tichiita zvemitambo saka ndizvo ndinoda kudzosa kutangira nemuMbare.

“Mitambo yese kubva kunhabvu, basketball, netball, cricket, madarts, netennis ndiyo ichange ichiitwa uye tiri kuunza vanhu vane ruzivo rwemitambo iyi rwepamusoro kuti vagorairidza. Tiri kuda kutangira muHarare, kana zvikafamba toenda kune mamwe mapurovhinzi,” anodaro “Short Cat”.

Anoti zvikwata zvemuno hazvisi kuwana mari kuburikidza nevatambi vanenge vave nemukurumbira nekuti vari kunotambira nyika dzakaita seSouth Africa.

“Dai ndirini ndaitungamira nhabvu ndaiti maacademy ese ngaavharwe nekuti zvikwata zvemuno hazvisi kuwana mari nekuti vatambi vari kungotumirwa kuSouth Africa, zvikwata zvekuSouth Africa zvozotumira vatambi kuEurope ndipo vanoita mari isu zvikwata zvedu hazvina chazvawana.

“Maacademy ngaabatanidzwe nezvikwata zvemuPremier Soccer League kuti vatambi vavanenge vachibika vopinzwa muchikwata votamba, kana vaibva vakada kuenda kunze kwenyika chikwata chacho uye neacademy zvese zvinowana mari kubva pamutambi uyu,” anodaro.

“Short Cat” akazvarwa musi wa8 Nyamavhuvhu muna 1963 uye akakurira kuMbare uko akatanga kudzidzira zvenhabvu.  Vazhinji vanomuziva achiita zvinorova kuDynamos uko akarerwa.

“KuDynamos taidzidzira bhora masikati zvekuti kana kukadoka zvaibva zvangoperera ipapo asi pandakaenda kuRhinos kwaive nezvese uye gadziriro yataiita ipapo yainge iri kumberi, waipihwa nguva yekuita zvese zvaunoda uchidzidzira. Ini ndiko kwakaita kuti ndive mutambi wandave nhasi uno,” anodaro.

Parizvino “Short Cat” ari kuita zvidzidzo zvake zvedhigirii reTheology pane chimwe chikoro kuEngland uye anoti kana apedza achadzoka kuzofambisa boka rake renhabvu.

Share This:

Sponsored Links